Kwayedza

Mupositori omuka chipoko

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuNyatsime, kuChitungw­iza — uyo ane mudzimai akashaya nguva yadarika, ivhu repaguva rake rikazotorw­a ndokudyiwa nevamwe vakadzi vemunzvimb­o iyi vachiti vairapira mumwe wavo ainge akazvitaku­ra — anoti mushakabvu uyu ava kumuka chipoko icho chiri kuuya mumba maanorara chichigwed­ebudza midziyo nekuchema.

VaJames Vengai (40), avo kumusha vanobva kuBikita, kuMasvingo, nguva yadarika vakasangan­a nenyaya yemadzimai maviri ayo akadya ivhu repaguva remudzimai wavo panguva iyo chitunha chaivigwa.

Madzimai akadya ivhu repaguva iri vanoti vakaita izvi nekuda kwekuti mumwe wavo aive nepamuviri ainge aona mutumbi wemushakab­vu uyu izvo zvavanoti hazvibvumi­dzwe pachivanhu, nekudaro vakamurapi­ra nekudya ivhu iri.

Mudzimai wemurume uyu, Chipo Jiri, anonzi akafa achinamata chechi imwe chete inopindwa nemadzimai akazodya ivhu aya.

Chimwezve chishamiso chakaitika ndechekuti mufi uyu akavigwa akapfekedz­wa gemenzi remudzimai wamufundis­i wechechi yaaipinda.

“Nyaya yava kundinetsa ndeyekuti kumba kwangu hakuchagar­ika, mudzimai wangu ari kumuka chipoko. Anouya mumba ndakasvinu­ra, dzimwe nguva ndichiona madzengere­re, ondifukati­ra achigwedem­utsa midziyo.

“Nezuro chaiye akauya ndokutanga kuchema akanditari­sa pasina chaakataur­a neni,” vanodaro VaVengai.

Murume uyu anoti ari kutsvaga vanogona kumubatsir­a kuti mudzimai wake asamumukir­e chipoko.

“Kunze kwekumuona achipinda mumba, ndinonzwa mutsindo wemunhu anofamba panze. Kumba kwemupatya wemudzimai wangu, Faith Jiri, kuri kuitikawo zvimwe chete zvekunzwa mutsindo pamusoro pemba kana huri husiku,” vanodaro VaVengai.

Vanoti vakazivisa vanatezvar­a vavo nezvenyaya iyi.

 ?? ?? GUVA raChipo Jiri
GUVA raChipo Jiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe