Mwana (11) ari kushaikwa
MHURI inogara kuRetreat, kuWaterfalls, muguta reHarare iri kutsvaga mwana mukomana wayo ane makore gumi nerimwe chete ekuberekwa uyo anonzi akangobva pamba nemusi weMugovera wakadarika anetsana nehanzvadzisikana yake nekuda kwe$120 yaaiva atora achibva amurova.
Mwana uyu, Aleck Chemhere, aipinda Grade 4 pachikoro cheRits College chiri muHarare.
Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya iyi.
“Tine mwana ari kutsvagwa nehama dzake wekuRetreat, kuWaterfalls. Tinokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vataure navo zvakanaka uye vasavavhundutsire, mwana anotaurwa naye nemashoko ane hunyoro kuti anzwe,” vanodaro Insp Mwanza. Ambuya vaAleck, Mai Cathrine Mandaza (53), vanoti nyaya yekuzoshaikwa kwemuzukuru wavo yakazosara ichiitika ivo vaenda kuMhondoro.
“Takabva pano pamba nemusi wa4 Kukadzi tichienda kunoisa dombo paguva remukoma wangu kuMhondoro. Aleck Chemhere akasara pamba nehanzvadzi yake,
Moreblessing Chimwamwa (20).
“Mwana uyu ndinogara naye, mwana wangu mukuru Chipo Mandaza (41) ndivo amai vake vanogara kuSouth Africa,” vanodaro Mai Cathrine Mandaza.
Vanoti vakasiira vana ava mari yekuzotenga zvinhu zvaidiwa pamba, zvekudya nezvimwe.
“Mwana uyu anonzi akazotora $120 mumba iyo yaida kuzotengeswa muriwo musi uyu achida kunotamba snooker. Kumazuva rodoka nemusi wa5 Kukadzi, Moreblessing akazoedza kumuranga nekumurova achibva atiza pamba achienda nekuminda yechibage. Anonzi akataura kuti ava kuenda kumba kwatete vake kuUnit D, kuChitungwiza uko vakatama kare mugore ra2018,” vanodaro Mai Mandaza. Vanoti Aleck haana kuzoonekwa kusvika nanhasi.
“Isu takazodzoka kubva kuMhondoro nemusi wa5 Kukadzi tikarara asipo kusvika nanhasi uno (China). Mwana uyu tiri kungomutsvaga musango, mumatsime nekuhama dzose, zvikuru muguta reHarare. Takanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuWaterfalls,” vanodaro Mai Mandaza.
Kune vanoziva kune mwana uyu vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0775 994 718 kana 0719 747 381.
Moreblessing anoti paakaedza kurova Aleck, akabva abuda mumba achimhanya ndokuenda kuminda iri padyo nedzimba dzavo uko asina kuzodzoka.
“Tinongonzwa vamwe vachiti vakazomuona husiku achitenderera kumabhawa pasnooker nekuona tv zvisinei kuti haana kudzoka kumba. Baba vedu, VaPepukai Brown Chemhere, vakaziviswa nezvenyaya iyi avo vanogara kuChitungwiza uko asina kusvika zvakare. Kuhama dzose tapedza kumutsvaga asi haako,” anodaro Moreblessing.