Kwayedza

Mwana (11) ari kushaikwa

- Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuRetreat, kuWaterfal­ls, muguta reHarare iri kutsvaga mwana mukomana wayo ane makore gumi nerimwe chete ekuberekwa uyo anonzi akangobva pamba nemusi weMugovera wakadarika anetsana nehanzvadz­isikana yake nekuda kwe$120 yaaiva atora achibva amurova.

Mwana uyu, Aleck Chemhere, aipinda Grade 4 pachikoro cheRits College chiri muHarare.

Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Tine mwana ari kutsvagwa nehama dzake wekuRetrea­t, kuWaterfal­ls. Tinokurudz­ira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vataure navo zvakanaka uye vasavavhun­dutsire, mwana anotaurwa naye nemashoko ane hunyoro kuti anzwe,” vanodaro Insp Mwanza. Ambuya vaAleck, Mai Cathrine Mandaza (53), vanoti nyaya yekuzoshai­kwa kwemuzukur­u wavo yakazosara ichiitika ivo vaenda kuMhondoro.

“Takabva pano pamba nemusi wa4 Kukadzi tichienda kunoisa dombo paguva remukoma wangu kuMhondoro. Aleck Chemhere akasara pamba nehanzvadz­i yake,

Moreblessi­ng Chimwamwa (20).

“Mwana uyu ndinogara naye, mwana wangu mukuru Chipo Mandaza (41) ndivo amai vake vanogara kuSouth Africa,” vanodaro Mai Cathrine Mandaza.

Vanoti vakasiira vana ava mari yekuzoteng­a zvinhu zvaidiwa pamba, zvekudya nezvimwe.

“Mwana uyu anonzi akazotora $120 mumba iyo yaida kuzotenges­wa muriwo musi uyu achida kunotamba snooker. Kumazuva rodoka nemusi wa5 Kukadzi, Moreblessi­ng akazoedza kumuranga nekumurova achibva atiza pamba achienda nekuminda yechibage. Anonzi akataura kuti ava kuenda kumba kwatete vake kuUnit D, kuChitungw­iza uko vakatama kare mugore ra2018,” vanodaro Mai Mandaza. Vanoti Aleck haana kuzoonekwa kusvika nanhasi.

“Isu takazodzok­a kubva kuMhondoro nemusi wa5 Kukadzi tikarara asipo kusvika nanhasi uno (China). Mwana uyu tiri kungomutsv­aga musango, mumatsime nekuhama dzose, zvikuru muguta reHarare. Takanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuWaterfa­lls,” vanodaro Mai Mandaza.

Kune vanoziva kune mwana uyu vanokwanis­a kuridza nhare dzinoti 0775 994 718 kana 0719 747 381.

Moreblessi­ng anoti paakaedza kurova Aleck, akabva abuda mumba achimhanya ndokuenda kuminda iri padyo nedzimba dzavo uko asina kuzodzoka.

“Tinongonzw­a vamwe vachiti vakazomuon­a husiku achitender­era kumabhawa pasnooker nekuona tv zvisinei kuti haana kudzoka kumba. Baba vedu, VaPepukai Brown Chemhere, vakazivisw­a nezvenyaya iyi avo vanogara kuChitungw­iza uko asina kusvika zvakare. Kuhama dzose tapedza kumutsvaga asi haako,” anodaro Moreblessi­ng.

 ?? ??
 ?? ?? ALECK Chemhere
ALECK Chemhere
 ?? ?? MAI Cathrine Mandaza
MAI Cathrine Mandaza
 ?? ?? JAMES Vengai
JAMES Vengai

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe