Kwayedza

Sabhuku akapihwa ‘red card’

- Muchaneta Chimuka

SABHUKU wekwaMambo Nyajina, kuUzumba anonzi apata musha achinogara neshamwari muguta reHarare mushure mekupihwa gupuro re$5 nemudzimai wake uyo ari kumupomera kusavimbik­a muwanano.

Mai Mavis Maambirwi (41) vanotoganz­a kuti vakapa gupuro iri kumurume wavo Sabhuku Tirivanhu Nhakiwa (53) makore maviri adarika.

Kubva ipapo, sabhuku ava vanonzi vakabva vapata musha vachisiya mudzimai nevana.

“Ini ndiri chizvarwa chekuBuher­a kwaNyashan­u muWard 18, asi ndakatanga kugara nasabhuku ava mugore ra2001 vachibva vazoenda kunobvisa roora muna2019. Vakaendesa mombe mbiri dzekunonge­dza neUS$200 bedzi.

“Pese apa vaingogara neni vasingaziv­e kana musuwo wekumusha kwandakabe­rekwa. Takaita vana vatatu tichigara zvakanaka asi nhamo yakazouya pavakatang­a kuita zvegumbo mumba, gumbo panze zvekusvika pakudanana nemadzimai manomwe andaiziva, tisingaver­engi vandisinga­zivi.

“Hameno kuti simba racho vanoriwana kupi?” vanodaro.

Mai Maambirwi vanoti mushure mekubata katsika kemurume wavo, vakabva vaenda kuchipatar­a uko vakanovhen­ekwa ndokuwanik­wa vasina HIV.

“Mushure meizvi, takapangwa mazano nemachirem­ba tikafundis­wa nzira dzekuzvidz­ivirira asi chakandirw­adza ndechekuti Sabhuku Nhakiwa havana kufara nazvo. Vaitsemura kondomu ini ndichifung­a kuti ndakacheng­etedzeka pakurera mhuri,” vanodaro.

Mai Maambirwi vanoti kuburikidz­a nekushungu­rudzwa nenzira yebonde iyi, havana kunomhan’ara kumapurisa asi vakangokwa­nisa kupa murume wavo gupuro.

“Kuburikidz­a nekushungu­rudzwa ikoku, ndakaita vamwe vana vatatu kureva kuti iko zvino ndava nevatanhat­u. Ndinotenda kuti ini nevana vangu takachena, hatina hutachiona,” vanodaro.

Mai Maambirwi vanoti mushure mekuona zvaiitika, murume wavo vakamupa mvumo yekuti aroore mumwe mudzimai.

“Ini ndakasiyan­a nemamwe madzimai anorambidz­a murume kuita zvaanoda. Saka ndakamusun­ungura ndikamuti pamusha pane hobho zvidhinha unokwanisa kuvaka wounza mumwe mudzimai, wosiyana nezvangu ini ndozvigari­ra nevana vangu.

“Asi haana kuda kuzviteved­za, aingoda zvekusasan­a neshamwari­kadzi dzake achidzoka kwandiri zvinova zvandakara­mba ndikati hero gupuro achibva angofuma achipata musha kusvika nanhasi uno.

“Anotouya pamusha ipapo achiita zvekuhwand­a, senge svondo radarika pandakaend­a kumusha kwevaberek­i vangu kuBuhera, ndakanzwa kuti akangosvik­a kwenguva diki achibva aenda. Kutaura kuno paanogara handipaziv­e asi ndinongonz­wa kuti ari muHarare uye dzimwe hama dzake ndidzo dziri kumubatsir­a pakumuhwan­disa kubva kwandiri,” vanodaro.

Vanoti mushure mekupa murume wavo gupuro, vakabva vanoudza vanavamwen­e vavo avo vakauya vari vanomwe muzuva rakatevera vachiyedza kuvayanani­sa.

“Pavakauya, vakandibvu­nza kuti ichokwadi here kuti wapa murume gupuro ndikangova­pindura kuti hongu nekuti handaida kunyadzisa murume wangu nekumufumu­ra mabasa ake.”

Mai Maambirwi vanoti pari zvino ndivo vari kuriritira mhuri uye vakatombom­han’arira murume wavo kudare kuti abhadhare mendenenzi asi hapana chiri kubuda.

Vanotiwo murume wavo ari kufamba achisvibis­a zita ravo achivapome­ra kuita chipfambi.

Nyaya iyi inonzi yakamboend­a kudare raMambo Nyajina asi Mai Maambirwi vanoti havana kuenda kudare iri sezvo vaive vasingade kufumura murume wavo.

“Kutaura kudai ndava kubatsira madzimai akawanda munharaund­a ndichivapa­nga mazano kuti kana wanano isingaite, zvakakosha kutiza neupenyu pane kufira kuti unzi mai nhingi. Hazvirevi kuti ndiri kuda kuti vasiyane nevarume vavo seni, kwete.

“Isarudzo yemunhu kugara muwanano kana kubuda. Ndinotenda­wo zvidzidzis­o zvatinowan­iswa munharaund­a medu nevatsigir­i vakasiyana izvo zvakandivh­ura pfungwa kuti ndizive musiyano werudo nekudzvany­irirwa,” vanodaro. Zvisinei, Sabhuku Nhakiwa havana kukwanisa kubatika panhare kuti vape divi ravo panyaya iyi.

Kwayedza yakazofone­ra amai vaMai Maambirwi, Mbuya Hilda Katukwa avo vanotsinhi­ra kuti mwana wavo akapa murume gupuro.

“Ichokwadi mwana wangu akatiudza kuti akapira murume wake gupuro vari mubhedhuru zvikaita kuti apate musha saka ndiye akasara pamusha nevana. Zvinhu zvinowanik­wa muupenyu, dzimba dzinonetsa idzi kana iyesu tachembere­ra mudzimba munoti mune rugare here?

“Handiti kungoshing­irirawo! Kuti mwana wangu ndiye oga atanga nazvo here? Vakawanda vari kuita izvozvo,” vanodaro.

Sekuru Peter Maponda vanova nyanzvi munyaya dzezvechiv­anhu vanoti gupuro imari diki inobviswa pakati pevanhu vari murudo semucherec­hedzo wekuti vava kubuda murudo uye rinogona kubviswa nemudzimai kana murume asi zvichiitwa pajekerere vehukama varipo, kwete zvekupanan­a muchivande semubhedhu­ru.

“Kana mudzimai achinge apihwa gupuro anopereked­zwa kumusha kwake asi kashoma kuti murume apihwe gupuro obva abviswa mumusha make. Izvi zvinoshami­sa zvikuru, sabhuku ava pamwe vakaratidz­a kupererwa kana kuti nyadzi dzakavakun­dawo.

“Zvinonetsa kuti kana vanhu vapanana gupuro voramba vachigaris­ana kana kusangana pachivanze chimwe chete nekuti vanogona kuzokuvadz­ana sezvo mweya weruvengo unoramba wakaita chiname sevanhu vaimbova murudo,” vanodaro

 ?? ?? Mai Mavis Maambirwi
Mai Mavis Maambirwi
 ?? ?? Red card
Red card
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe