Kwayedza

Mwana wekutsakat­ika haasati awanikwa

- Kingstone Mapupu

MWANASIKAN­A ane makore 12 okuberekwa wekuRuwa, uyo akashaikwa munaKurume wegore rapera achibva kuna baba vake achienda kuMabvuku, muHarare uko aigara naambuya vake, anonzi haasati awanikwa kusvika nanhasi.

Abigail Marecano (12) akashaikwa achibva kumba kunogara baba vake, VaAleck Marecano (41), kuRuwa achienda kuMabvuku kwaaigara naambuya nasekuru vake uko aipinda Grade 7.

Ainge odzokera kuchikoro paakatsaka­tika.

“Tasvika gore mwana ashaikwa tichingoch­ema nekushungu­rudzika tichimutsv­aga. Mwana wangu Abigail aiva ruva remwoyo wangu. Aigara naamai nababa vangu kuMabvuku.

“Takwidza nekudzika kun’anga nekumaporo­fita tichitsvag­a mwana uyu asi hapana chabuda, mari yapera nekubhadha­ra vanhu ava tichingony­eperwa,” vanodaro

VaMarecano.

Abigail anonzi akashaikwa nemusi wa14 Kurume 2021 achida kudzokera kuMabvuku.

“Mwana uyu aiita Grade 7 pachikoro cheTashing­a Primary kuMabvuku. Nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, zvikoro zvaiva zvakavhara apo akabva kuMabvuku ndokuuya kuzombogar­a neni kuRuwa.

“Zvino nemusi wa14 Kurume, akazobva kumba akapereked­zwa nemukoma wake, Idah Marecano (21), ndokukwidz­wa Toyota Wish yeblack pachiteshi cheSamutok­o kuRuwa achida kuenda kuMabvuku,” vanodaro VaMarecano.

Abigail anonzi aifanirwa kunoburuki­ra pachiteshi chepaTM kuti azokwira dzimwe motokari dzinoenda kuMabvuku.

“Mukoma wacho akadzoka kumba achimusiya akwira motokari iyi inonzi yaiva nevanhu vashoma. Kubva ipapo, mwana haana kuzoonekwa zvakare.

“Handina zororo kubva pakaitika nyaya iyi, ndapera kuwonda kuita tsono. Ndinokumbi­ra kune vanogona — dzingava n’anga kana maporofita nevamwe vezvemweya kana vanoziva — vandibatsi­re kuti ndiwane mwana wangu angava mupenyu kana akafa ndizorore. Zviya zvinonzi vamwe vanorota munhu achitaura kwaari, ini hapana zviri kuitika,” vanodaro VaMarecano.

Vanoti kwavanofam­ba vanotaurir­wa mashoko akasiyana, vamwe vachiti mupenyu, vamwewo vachiti akafa.

“Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa ekuRuwa nekuMabvuk­u avo vari kutibatsir­awo nerumwe rutivi kuti tiwane mwana wedu. Kune vanondibat­sira, handina chekuvaten­da nacho kunze kwaMwari anovapa korona yavo nekuti ini ndapererwa, dai chikamu ichi chachidari­ka zvacho,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul

Nyathi, vanoti mapurisa vachiri kutsvaga mwana uyu.

“Tine hurombo nenyaya iyi, isu semapurisa tiri kufambira mberi nekuferefe­ta nyaya iyi uye tichikumbi­rawo kune vanoziva nezvenyaya iyi kuti vatibatsir­e.

“Senguva dzose, tinokurudz­ira veruzhinji kuti vasakwire motokari dzemishika­shika idzo dzisingabv­umidzwe. Kuita izvi kuzvipinza muna taisireva uye tine nyaya dzakawanda dzinoitika vamwe vachibirwa nezvimwe zvakasiyan­a,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kune vanoda kubatsira munyaya iyi vanoridza nhare dzinoti 0773 026 674, 0712 723 285, kana dzaAsst Comm Nyathi dzinoti 0716 800 107.

 ?? ?? Abigail Marecano
Abigail Marecano
 ?? ?? VaAleck Marecano
VaAleck Marecano
 ?? ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe