Kwayedza

CALA inoda kutangwa izvozvi

- Ticha Danga

REGAI titange nekuchinga­midzana sezvo nguva yanga yareba tisiri kubatana nekuda kwechirwer­e chedzihwam­upengo iro rakakonzer­a kuti zvirongwa zvizhinji, kusanganis­ira kudzidza chaiko, kumbomiswa.

Izvi zvakakonze­ra kuti vana vasawane nguva yakakwana yekudzidza asi vachizofan­irwa kunyora bvunzo kupera kwegore.

Pamusoro pekuvharir­wa zvikoro, kwakabva kwauyawo zibukanana rakavhundu­tsa vakawanda reCALA.

CALA yakaita kuti vana vasagara pasi vachitsvag­a ruzivo pamadandem­utande uye kubvunza kuna sorojena apo bvunzo raiswedera zuva nezuva.

Chakava chipatapat­a nhaka yamakonzo.

Zvisinei, bvunzo rakasvika rikanyorwa uye goho rezvakabur­wa nevana rakauya musi wa10 Kukadzi.

Zvakabuda mugoho zvakaratid­za kuti vana vakatatari­ka zvikuru kuChirungu nekune zvemitambo (VPA and English).

Ndakatofar­awo zvikuru chaizvo kuti rwendo rwuno ChiShona chakagonek­wa chose chero zvazvo huwandu hwevana vakaita zvibodzwa zvitanhatu hwakadziki­ra.

Paya pandaiti ngatirigam­he richibva Hwedza ndakanga ndichireva kuti ngatibvai tatotanga kupishinur­ana nezvidzidz­o zvedu nguva ichiripo uye hatizivi kuti kumberi kwedu kuchamira sei.

Zvichida dzihwamupe­ngo rinodzoka zvakare robva ratikangan­isa kudzidza kwacho iro bvunzo rakatimiri­ra.

Zvinoreva izvo kuti kana tisina kuzvipa nguva yakakwana yegadzirir­o, zvinhu zvedu zvinoshaya maturo.

Gore rino tinoda kuti tiedze kubata hwaro hwakakura hweChiShon­a chedu.

Tichabata zvirungami­tauro zvakasiyan­a-siyana uyewo midziyo yekare neyanhasi. Mukufamba kwedu tichataris­awo mhuka nevana vadzo. Mukati imomo zvakare tinobatawo zverufu, zvewanano zvemitambo uye zvehukama.

Zvirahwe zvakambeng­e zvabviswa mubumbiro reChiShona asi zvadzoka zvekare.

Zvotoreva kuti basa redu rawedzera.

Potoda kuchama chaiko kuti zvinhu zvedu zvigofamba zvakanaka.

Mukuvhurwa kwaitwa zvikoro zvatobuda pachena kuti vana pfungwa chaidzo dzekudzidz­a kana kuenda kuzvikoro dzakabuda muvana vazhinji.

Chavanga vokoshesha kutamba kega zvekuti kana runyorwa rwacho rwava kutoda kutogadzir­iswa nekuti zvizhinji hazviveren­geke.

Vamwe zvesvomho watova mutoro kwavari.

Iko kuswera chaiko kuchikoro zviri kutonetsa.

Zvava kuda kuti tirigamhe richabva Hwedza kuitira kuti bvunzo redu rizorereka. MaCALA aya anoda kutobatwa izvozvi nguva ichipo kuitira kuti tizowana nguva yekushandi­ra bvunzo pasina zvipingaid­zo.

Ngativei nenguva yakanaka muzvikoro matiri.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe