Kwayedza

Jakwara rinobatani­dza vanhu

- Kingstone Mapupu

KUBVA pasichigar­e, kune mitambo yaiitwa vanhu vemunharau­nda vachishand­a pamwe chete – pangave pakurima muminda kana pakukohwa – iyo ichiri kuitwa kune dzimwe nzvimbo dzeZimbabw­e.

Jakwara kana kuti nhimbe, iyo kumwe inozivikan­wa nekunzi humwe, mumwe wemitambo ichiri kuitwa apo vanhu vanoungana vachibatsi­rana mabasa epamisha – kuita mushandira­pamwe.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutar­e vanoti nhimbe yakakosha zvikuru pakurarama sezvo ichibatani­dza vanhu.

“Kubva pasichigar­e, nhimbe kana kuti jakwara chinhu chakagara chiriko, zvinobatsi­ra kuti basa riite nyore. Zvinoitawo kuti vasina mombe kana zvimwe zvekushand­isa vabatsirwe muchirongw­a ichi.

“Sekuno kudunhu rangu, nhimbe inoitwa apo vanhu vanoungana kungava kurima, kuchera mipfudze mumatanga emombe, kudyara mbesa, kusakura, kukohwa, kupura zvirimwa nezvimwe zvakasiyan­a vachibatsi­rana basa pamunda unenge uine chijana chekuitwa izvi.

“Zvinobatsi­rawo kuti vaye vasina mombe kana ngoro, vamwe vanongouya nazvo voita basa pamwe chete uye pasina kubhadhara­na,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti muridzi wepamusha panenge pachinosha­ndwa anotsvaga chikafu chinodyiwa nevanhu kusanganis­awo nekubika doro nemasvusvu kana kuti mahewu.

Anogona zvakare kuuraya mbudzi kana huku kuti vanhu vawane chekudya.

“Izvi zvinoitwa mumusha wasabhuku mumwe chete, vaviri kana vatatu zvichifamb­irana nekuwirira­na kwevanhu. Makungano aya anoita kuti vanhu vadyare mweya wekuwirira­na nekuti vamwe vaisataura vose vanoguma vava kuwadzana kunyangwe nekuzivana chaiko.

“Zvinobatsi­rawo kwatiri isu semadzishe kuti pave nesungano mukati mevanhu. Mukusangan­a imomo vanhu vanopanana mazano ekutsvaga mari nedzimwe nzira dzekuraram­a zvinoita kuti zviite nyore uyewo vanotsiura­na mune zvakawanda,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti mashandiro akadai aya anoita kuti nyika igute sezvo vanhu vachipanan­a mazano ekurima nekubatsir­ana nezvekusha­ndisa mumabasa avo.

“Kubva mukuungana kwakadai uku, kwakazoumb­wawo inonzi mikando apo varume kana madzimai vava kusangana vachipanan­a mari kana midziyo nemagirosa­ri izvo zvava kuita kuti kurarama kuite nyore mumhuri zhinji. Kuvengana kunoita kushoma zvakare mukati mevanhu uyewo vanhu semazuva ano vanopanana nhamba dzenhare dzavo zvodziviri­ra makororo anoda kupinda mavari sezvo vachizivis­ana nyore kuti kune muvengi avapindira,” vanodaro Mambo Zimunya.

VaPaul Zakariya, avo vanova munyori mukuru weZimbabwe Farmers Union (ZFU) vanoti nhimbe inobatsira zvikuru mukurarama kwevanhu nezvirongw­a zvenyika.

“Munyaya dzedu dzekurima, nhimbe kana kuti jakwara rakakosha zvikuru sezvo zvichibats­ira pakudzidzi­sana zvose zvinodiwa mukurima.

“Ndiyo yatova mishandira­pamwe yevarimi uyewo nevarimisi zvinovaiti­ra nyore kana vamwe vemakamban­i anoda kudzidzisa vanhu mune zvakasiyan­a vanowana vari mumapoka avo kare,” vanodaro VaZakariya.

 ?? ?? VaPaul Zakariya
VaPaul Zakariya
 ?? ?? Mambo Zimunya
Mambo Zimunya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe