Kwayedza

‘Vana muzvikoro vari pakanaka’

- Munyori weKwayedza

VABEREKI havafanirw­e kuvhunduka zvichiteve­ra kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 muzvimwe zvikoro zvishoma sezvo mamiriro ezvinhu akadzikama, vanodaro VaTaungana Ndoro vanove mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i.

Vanoti zvikoro zvakawanda zviri kutora matanho akasimba ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri pakati pevadzidzi.

“Takaenda kumativi ose enyika tichiona kuti mitemo yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 iri kutevedzwa here muzvikoro uye tinonzwa kufara kuti zvikoro zvakawanda zviri kutevedza mararamiro matsva avepo,” vanodaro VaNdoro.

“Hatitarisi­re vabereki kuti vavhunduke sezvo muzvikoro zvedu mamiriro ezvinhu akadzikama.” Izvi zvinotever­a kunyuka kwakaitwa chirwere ichi kune zvimwe zvikoro zviri kumatunhu anosangani­sira Masvingo uko kwakabatwa vadzidzi nevamwe vashandi vepachikor­o vanosvika 13, kuMatabele­land North kukabatwa vaviri uye kuManicala­nd kukawanikw­a mumwe chete aive nedenda iri.

Pasi pematanho ekudziviri­ra kupararira kweCovid-19, zvikoro zvinofanir­wa kutevedza mitemo iri pasi peStandard Operating Procedures (SOPs).

Mitemo iyi inosangani­sira yekuti vadzidzi vanosungir­wa kugara vakapfeka mamasiki avo nenzira kwayo, kushambidz­a maoko pachishand­iswa mvura ine sipo kana sanitizer uye kusaita chitsokots­oko.

Hurumende iri kukurudzir­a veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivi­rira denda iri kuitira kuti miviri yavo ikwanise kurwisa chirwere ichi pamwe nekudzivir­ira kufa.

Vanhu 4,3 miriyoni kusvika pari zvino vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo vamwe 3,3 miriyoni vabaiwa yechipiri (2nd dose).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pave nekudzivir­irwa kubva kudenda iri.

 ?? ?? VATAUNGANA Ndoro
VATAUNGANA Ndoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe