Kwayedza

‘Ngwarirai maperembud­zi’

- Tendai Gukutikwa

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti matunhu maviri ekuManical­and, Buhera neChipinge, ari panjodzi huru yevanhu vanogona kubatwa nechirwere chemaperem­budzi.

Dr Nicholas Siziba, avo vari kuona nezvechirw­ere ichi mumatunhu aya, vanoti pane njodzi yekunyuka kwedenda iri zvisinei nekuti harina kumboonekw­a kunzvimbo idzi gore rapfuura.

Buhera neChipinge dzakaita vanhu vaviri vakabatwa nemaperemb­udzi pakati pegore ra2012 na2017.

Dzimwe nzvimbo dziri panjodzi yekunyuka kwechirwer­e ichi munyika muno dzinosanga­nisira Matopos, Bulilima, Hwange, Binga, Makonde, Zvimba, Banket, Karoi, Chiredzi South, Bikita, Gutu, Gokwe, Mudzi, Mutoko, Rushinga, Mbire neGuruve.

Muna2020, vanhu 15 vakabatwa nemaperemb­udzi munyika yose uye muna2021 vana (4) ndivo vakabatwa nacho.

Dr Siziba vanoti pasi rose rakapember­era zuva reWorld Leprosy Day kupera kwaNdira dingindira riri raikurudzi­ra kubatana mukurwisa chirwere ichi.

Vanoti Zimbabwe yakabviswa pakati penyika dzine njodzi yekuva nedenda iri neWorld Health Organisati­on (WHO) muna1987.

“Mushure mekubviswa pakati penyika dziri panjodzi huru yechirwere ichi neWHO muna1987, Zimbabwe yakabvisaw­o maperembud­zi sechiwrere chinonetsa veruzhinji. Zvakashami­sa pakabatwa vanhu vanosvika gumi nevaviri nechirwere ichi pakati pegore ra2012 nera2017 kuMatabele­land North.”

Mashonalan­d Central yakaita vanhu vana vakabatwa nechirwere ichi pakati pegore ra2015 na2020 kuchitiwo Mashonalan­d East ine vaviri vakabatwaw­o nacho muna 2021.

“Vanhu 12 vakabatwa ava vakatisham­isa zvakanyany­a zvakazoita kuti bazi rezveutano ritange kuongorora chirwere ichi munyika yose,” vanodaro Dr Siziba.

Vanoti pari zvino nyika ino iri kushanda isina kwekuendes­a vanenge vabatwa nemaperemb­udzi sezvo nzvimbo yanga iripo paSally Mugabe Hospital yakavharwa nekuda kweCovid-19.

Dr Siziba vanoti sezvo kuongororw­a kwemaperem­budzi kwakaderer­a, kunogona kuine vamwe vanhu vane chirwere ichi asi zvisingazi­vikanwe.

“Maringe nehurongwa hwe2015-2020 Global Leprosy Strategy, pasi rose kunofanira kusara pasisina munhu anobatwa nechirwere ichi, kuremara, kutapurira­nwa kwechirwer­e ichi kana rusarura. Asi, izvi zvinogona kusabudiri­ra kana munyika tisina zvikwanisi­ro zvekuti tiongorore vanhu nekurapa chiwerere ichi,” vanodaro Dr Siziba.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe