Kwayedza

‘Covid-19 hainei kuti mwaka upi’

- Tandayi Motsi naTalent Gore

MAFUNGIRO ekuti chirwere cheCovid-19 hachiparar­e zvakanyany­a mumwaka wekupisa haazi echokwadi sezvo denda iri richisimuk­a chero nguva kana veruzhinji vakavarair­wa panyaya yekuzvidzi­virira.

Mashoko aya akataurwa naDr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungami­riri wenyika nedare reCabinet, vachiti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiteved­zera matanho ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

“Hapanai umboo hwesainzi hunoratidz­a kuti chirwere ichi chine chekuita nemamiriro emwaka.

“Tarisai chikamu chechipiri (second wave), chakanyuka mukupera kwaZvita kusvika munaNdira 2021 – pakati chaipo pemwaka wekupisa.

“Chikamu chechipiri ichi chakazoper­a nekuda kwekuti Hurumende yakasimbar­adza matanho ekudziviri­ra Covid-19 uye nharaunda dzakateved­zerawo zvaidiwa, kwete nekuti pakange pave nemwaka mutsva,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti Hurumende inofara zvikuru nekudzikir­a kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere ichi.

Dr Mahomva vanoti izvi zviri kukonzerwa nematanho ari kutorwa neHurumend­e ekurwisa denda iri. “Tinofara zvikuru kuti huwandu hwevari kubatwa uye nekufa nedenda iri huri kudzikira. Ndinoti mushure mekunyuka kwechikamu chimwe nechimwe chedenda iri, nharaunda dziri kutevedzer­a zvinodiwa izvo zviri kuita kuti chirwere ichi chiderere.

“Asi zvinoshung­urudza ndezvekuti vanhu vanozovara­irwa kana huwandu hwadzikira saizvozvi, voshaya hanya uye todzokera zvakare pataimbove apo huwandu uhu hunotanga kukwira potorwa matanho matsva kusvikira maitikiro acho rave denderedzw­a chairo.

“Kunyangwe huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi hukadzika, tinofanirw­a kuramba takangwari­ra panyaya yekuzvidzi­virira,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti zvakakosha­wo kuti vasati vabaiwa nhomba dzekudzivi­rira denda iri vabaiwe.

“Tinoda kuti nyika ive yakadzivir­irwa, chikamu che60 percent kana kudarika chevanhu vose vari munyika vanofanirw­a kubaiwa uye kana zvikadaro zvichaita kuti pave neshanduko panyaya yevanhu vanenge vachibatwa nechirwere ichi.

“Tichataris­a nezvematan­ho matsva atichatora kana nyika yadzivirir­wa kubva kudenda iri. Pari zvino nyaya huru ndeyekuti vanhu vakawanda vabaiwe nhomba,” vanodaro Dr Mahomva.

 ?? ?? Dr Mahomva
Dr Mahomva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe