Kwayedza

Mutare yobayira nhomba mudzimba

-

KANZURU yeMutare svondo rino yakatanga chirongwa chekuti vashandi vayo vezveutano vafambe mudzimba dzinogara veruzhinji vachibaya nhomba dzekudzivi­rira chirwere cheCovid-19 nechinangw­a chekuti guta iri ringe rakadzivir­irwa kubva kudenda iri.

Chirongwa ichi chakatotan­gira kumisha inoti Dangamvura, Gimboki nePegasus.

Nekufamba kwenguva, chichateke­shera kuChikanga, Fairbridge, Hobhouse, Morningsid­e nemimwe misha yakakomber­edza.

Kanzuru iyi inoti iri kubaya vanhu nhomba yekutanga (1st dose), yechipiri (2nd dose) neyechitat­u (booster).

“Guta reMutare rinoda kuzivisa vagari vemo nevamwe vainodyidz­ana navo kuti kutanga nemusi weMuvhuro 14 Kukadzi 2020, kanzuru yakatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba.

“Chirongwa ichi, icho chinove chikuru, chakananga­na nevagari vose vemuguta iri vanokodzer­a kunge vachibaiwa nhomba yekutanga, yechipiri neyechitat­u – idzo dzose dzinenge dziripo,” inodaro kanzuru iyi mugwaro rayakaburi­tsa.

Kanzuru iyi inokurudzi­ra vagari vemuguta iri kuti vagamuchir­e chirongwa ichi kuitira kuti ikwanise kusvitsa huwandu hwevanhu hunodiwa kuti pave nekuchenge­tedzwa kubva kuchirwere cheCovid-19.

Inokurudzi­ra zvakare vagari vemaMutare nevamwe vainodyidz­ana navo kuti vatevedzer­e matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidz­a nekushambi­dza mawoko nemvura ine sipo nekushandi­sa sanitizer, kupfeka mamasiki kana vari panzvimbo dzinosanga­na veruzhinji uye nekusaita chitsokots­oko.

Apo mushonga wakawanda wenhomba uri kusvika munyika kubva kunze— kunyanya kubva kuChina — izvi zviri kuona vanhu vakawanda vachibaiwa.

 ?? ?? Kubaiwa nhomba
Kubaiwa nhomba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe