Kwayedza

Vanodarika 100 000 vatobaiwa ‘booster’

- Tandayi Motsi

VANHU vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivir­ira Covid19 kusvika pari zvino vadarika 100 000 panguva iyo Zimbabwe iri mushishi yekurwisa kupararira kwedenda iri.

Magwaro anoburitsw­a pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoraridza kuti kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 103 483 vange vabaiwa nhomba yechitatu iyi. Vanhu 4,3 miriyoni vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo vamwe 3,3 miriyoni vange vabaiwa dzose, yekutanga neyechipir­i.

“Vanhu 1 755 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi (Muvhuro) izvo zvaita kuti huwandu uhu huende pa3 370 827 apo 1 755 vabaiwa yechipiri zvabva zvaita kuti huwandu hwacho husvike pa3 370 827 uye 1 738 vabaiwa yechitatu zvikaita kuti huwandu uhu huve 103 483,” rinodaro bazi iri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 233 571 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020. Pavarwere ava, 225 039 vakatopona asi vamwe 5 386 vakafa.

Sangano reMedicine­s Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rakabvumid­za kushandisw­a kwemushong­a wenhomba weSinophar­m neSinovac kubva kunyika yeChina, Covaxin kubva kuIndia uye neSputnik V yekuRussia.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza vanoti vanhu vanokwanis­a kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti panhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipir­i.

“Hapazi kuzove nekusangan­iswa kwemishong­a yenhomba uye panofanirw­a kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitat­u. Nhomba yechitatu ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipir­i,” vanodaro Dr Chimedza.

Izvi zvinoreva kuti vakabaiwa mhando yeSinovac vaccine pakutanga nepechipir­i, vachabaiwa mushonga uyu zvakare pechitatu uye ndizvo zvimwe chete neSinophar­m.

 ?? ?? Dr Chimedza
Dr Chimedza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe