Kwayedza

Coffin rine nyoka, huku

- • Kubva kuPeji 3

bhokisi iri vachibva vaita chivindi chekurivhu­ra.

“Ndakasvika pabhokisi iri ndikavhura zvishoma hwidibiro yacho vanhu vose vakatarisa ndikaona mukweshwa wenyoka nhema yaiva mukati iyo yaiva yakamonera huku yaiita seyebrown. Zvaiva zvakazadza bhokisi iri kusvika pamusoro.

“Ipapo nekutya, ndakabva ndarivhara ndokuzoshe­vedza n’anga yakauya kuti izotibatsi­ra,” vanodaro Sadunhu Gwasira.

Vanoti pakasvika n’anga iyi, bhokisi iri raitamba-tamba kuita sekunge huku nenyoka zvairwisa kuti zvibude.

“Isu patakaona kuti maiva nenyoka yaiva yakasunga huku, takabva tasunga mascrews epabhokisi iri kusvikira n’anga iyi yakasvika. Chiremba uyu akazosvika ndokuvhura mushure mekutanga aita chivanhu chake ndokuona nyoka iya nehuku musisina asi mava nezizi hombe rakafa uyewo nerusero nenyanga nedumwa.

“Zvakatisha­misa kuti nyoka iyi nehuku zvataimben­ge taona zvakaenda kupi,”vanodaro Sadunhu

Gwasira. Vanoti n’anga iyi inonzi sekuru Shumba yakazopisa bhokisi iri pamwe chete nezizi raiva rakafa nerusero nedumwa nenyanga pamberi pevanhu.

“Sekuru Shumba vakapisa zizi iri nerusero nedumwa nenyanga tose tichiona. Vakati nyoka nehuku zvataiona aiva masaramusi zvaingova mumaziso edu chete, kureva kuti nyika yedu yakasviba inoda kutochenur­wa.

“Izvozvi ndichitaur­a nemi kudai tiri pamapurisa nen’anga iyi nevamwe vehukama hwedu kuti tipihwe magwaro anotibvumi­ra kuti tishande nen’anga iyi pachenurwe panzvimbo yedu nekuti vanhu tava kutya nechiitiko ichi,”vanodaro Sadunhu Gwasira.

Vanoti nzvimbo yaiva nebhokisi iri yakatozara ropa raibuda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe