Kwayedza

‘Ngwarirai Avian Flu’

- Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yakagadzir­ira kurwisa chirwere cheAvian Influenza zvichiteve­ra kunyuka kwachakait­a kune dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern African Developmen­t Community (SADC).

Chikamu chinoona nezvekuche­ngetwa kwezvipfuy­o kunyika yeNamibia chakazivis­a nezvedenda reHigh Pathogenic Avian Influenza (HPA1).

Chirwere ichi chakaipisi­sa uye chinobata zvipfuyo zvinosanga­nisira sehuku.

Zimbabwe yakatotang­a kuita ongororo kumiganhu yenyika kuitira kuti vanhu vasafambis­e huku kana zvigadzirw­a zvinobva muhuku.

Nyika ino iri kuita zvekare nhaurwa nedzimwe dziri mudunhu reSADC kuti pave nemukomber­anwa mukurwisa chirwere ichi.

Gore rapera, South Africa neBotswana dzakaita dambudziko rehirwere cherudzi urwu cheH5N1 HPAI.

Zimbabwe yakapedzis­ira kuita dambudziko rechirwere cheHPAI muna2017 uye kubva gore iri, nyika ino iri kuramba ichisimbar­adza matanho ekudziviri­ra kunyuka kwedenda iri.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director kuchikamu cheDepartm­ent of Veterinary Services, vanoti Zimbabwe yakagadzir­ira kurwisa chirwere cheAvian Influenza.

“Nemusi wa8 mwedzi uno (Kukadzi) takazivisw­a kuti kune kunyuka kwechirwer­e cheAvian Influenza muhuku kusanganis­ira shiri dzemusango kune dzimwe nyika saka tiri kushanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukusimudz­ira nyaya dzegadziri­ro yekudzivir­ira kupinda kwechirwer­e ichi kubva kunyika idzi. Chirwere ichi chiri nyore kupararira, zvikuru nekufamba kunoita zvinhu zvinogadzi­rwa zvichibva muhuku kana shiri.

“Shiri imhuka dzinobhuru­ruka saka mikana yekupinda kwechirwer­e ichi muno inowanda zvekare,” vanodaro.

Chikamu chavo, vanodaro Dr Nyika, chiri kukusha zvakare mashoko echenjedzo kuvarimi nevari muchikamu chezvehuku pamusoro penjodzi yekuparari­ra kwechirwer­e ichi.

“Tinokurudz­ira varimi vehuku kuti vasaregedz­e huku dzavo dzichigara panzvimbo dzinowanza kushanyirw­a neshiri dzemusango. Tinoda zvekare kuti vanhu vambomira kushandisa midziyo inoshandis­wa nehuku kunyangwe kupa mvura nechikafu kuhuku nenzira dzinokwezv­a shiri dzemusango nekuti zvinonenek­edza huku dzedu kunyatwa yekutapuri­rwa chirwere ichi,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti kune vamwe varimi vanochenge­ta huku dzechivanh­u idzo dzinongofa­mba pese-pese dzisingaga­riswi mumatanga avo vanofanira kumbosandu­ra machengete­ro aya.

Vanofanirw­a kudzivhari­ra mumatanga uye midziyo yese ichifiritw­a nemishonga inouraya hutachiona kuitira kuti pasazova nedambudzi­ko rekutekesh­era kwechirwer­e ichi. “Varimi vehuku kana vachinge vaona kuti dzava kurwara kana kufa, vanofanira kuzivisa nyanzvi dzekuchika­mu chedu dzinoona nezvekuche­ngetwa kwezvipfuy­o vari padyo navo,” vanodaro Dr Nyika.

Chirwere cheAvian Influenza chinonzi chinotapur­irwa nyore kuhuku, matoki, hanga, madhadha neshiri dzemusango.

Chinonyany­a kuparadzir­wa neshiri dzinobhuru­ruka nyika nenyika kana kutengeser­ana kunenge kuchiitwa pakati penyika zvigadzirw­a zvehuku.

Chirwere ichi chine mikana yekutapuri­rwa kuvanhu kana vachinge vabata huku dzine hutachiona uhu kana midziyo inogara huku dzacho.

Dr Nyika vanoti Zimbabwe ine mikana yakakura yekutapuri­rwa chirwere ichi, zvikuru nekuda kweshiri idzo dzinobhuru­ruka nyika nenyika (migratory birds) kana kuburikidz­a nekutenges­erana kwainoita nedzimwe nyika.

 ?? ??
 ?? ?? CHIRWERE cheAvian Influenza chinonzi chinotapur­irwa nyore kuhuku, matoki, hanga, madhadha neshiri dzemusango.
CHIRWERE cheAvian Influenza chinonzi chinotapur­irwa nyore kuhuku, matoki, hanga, madhadha neshiri dzemusango.
 ?? ?? DR NYIKA
DR NYIKA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe