Kwayedza

Varimi vonzi vangwarire tumbuyu

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudz­ira varimi kuti vangawirir­e tumbuyu tunogona kudya zvirimwa zvavo zvichiteve­ra kunaya kuri kuita mvura yakawanda kunzvimbo zhinji dzenyika.

VaPaul Zakariya vanova munyori mukuru weZFU vanoti kunaya kuri kuita mvura kunokonzer­a kuwanda kwetumbuyu nemakonye anodya midzi nemashizha ezvirimwa.

“Mvura iri kunaya zvakanakis­a kureva kuti tine zvinoraram­a mukati memvura iyi zvakaita semakonye aye atinoti maarm worm anowanda panguva ino. Saka tinokurudz­ira varimi kuti vapote vachipinda mukati meminda yavo vachitaris­a uye vakange vaona tumbuyu utwu votsvaga nyanzvi, vofirita nemishonga yekutuuray­a,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti panguva ino pane tumbuyu tune chitsama, kusanganis­ira makonye, tunoda kudya chibage.

“Pamusoro pezvo, tinokurudz­ira varimi kuti vasakure minda yavo yogara yakachena kana kufirita nemishonga yesora. Pakushandi­sa mishonga yekuuraya sora, tinokurudz­ira kuti vashande nenyanzvi nekuti vanoguma vamwaya mimwe mishonga inouraya chibage chavo kana zvimwe zvirimwa,” vanodaro VaZakariya.

“Pamishonga yesora, tinonzwa kuti vamwewo varimi vava kutengeser­wa isingashan­de yechitsots­i saka tinoti shandai nenyanzvi nevarimisi motenga mishonga iyi kuzvitoro zvinozivik­anwa.”

Vanoti zvakakosha­wo kuti varimi vagare vachiterer­a zvinotaurw­a nebazi rinoona nezvemamir­iro ekunze reMeteorol­ogical Services Department (MSD) sezvo zvichibats­ira kuti varonge mabasa avo zvine hungwaru.

“Tine mimwe minda yava kuwandirwa nemvura zvinoita kuti fetiraiza yedu igezeke muzvirimwa. Tinokurudz­ira varimi kuti vagadzire migero inofambisa mvura muminda kana kuti makandiwa kuti mvura isajenga.

“Panguva ino, tinokurudz­irawo kuti varimi varambe vachiisa fetiraiza muzvirimwa zvavo kuitira kuti kana chiri chibage chisapedzi­sire chatsvuka nekuwandir­wa nemvura,” vanodaro VaZakariya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe