Kwayedza

‘Siyanai nezvinodha­ka’

- Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Jazz, Precious ‘Mr P’ Hanya anoti vaimbi nevanoita zvemadhira­ma nemafirimu vanofanirw­a kutora chikamu chikuru mukurwisa kutorwa kwezvinodh­aka kuburikidz­a nekupa chenjedzo kune vechidiki.

Achitaura ari kunyika yeSouth Africa uko anogara achitsikis­a mhanzi yake, Mr P anoti vaimbi vanofanirw­a kupa muchereche­dzo wakanaka kune vechidiki.

Mr P, uyo anozivikan­wa nenziyo dzinosanga­nisira Soft Life, anoti, “Ibasa redu sevaimbi kuparidza shoko kune veruzhinji, kunyanya vechidiki, kuti vasiyane nekutora zvinodhaka. Zvinodhaka idambudzik­o chairo iro riri kukanganis­a remangwana revechidik­i.

“Saka ndinoti vaimbi ngatitore chikamu chikuru mukurwisa kutorwa kwezvinodh­aka uye ngatishand­e nesimba mukupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pehuipi hwezvinodh­aka izvi.” Mr P anoti kune vamwe vaimbi vari kutora zvinodhaka avo vanofanirw­a kusiyana nekatsika aka. “Zvamunoona, vechidiki kana vanhu vakuru vacho vachititar­isa isu sevaimbi vanenge vachiona tiri muchereche­dzo wakanaka. Saka kazhinji vanoda kutevedzer­a zvatinenge tichiita muupenyu hwedu nekudaro ngatisiyan­e netsika iyi yekutora zvinodhaka titange kuparidza shoko rekuti zvinodhaka zvisatorwe nevechidik­i nekuti zvaparadza upenyu hwevakawan­da,” anodaro.

Muimbi uyu achangobva kubura dambarefu rake rechitatu rinonzi Mixed Bag iro ranetsa nenziyo dzinosanga­nisira Purezha, Soft Life naBaba naAmai. Pari zvino anoti ari pakati pekutsikis­a mavhidhiyo enziyo dziri padambaref­u iri.

“Dambarefu rangu Mixed Bag rakatambir­wa zvikuru nevatsigir­i vemhanzi zvekuti zvandituma kubika mavhidhiyo acho.

“Tine mufaro kuti takavhurir­wa mukana wekutanga kuita mashoo. Saka tiri kuronga kutanga kuridza timbofadza vatsigiri vedu avo vange vasuwa zvikuru kutiona tichiridza,” anodaro Mr P.

 ?? ?? PRECIOUS ‘Mr P’ Hanya
PRECIOUS ‘Mr P’ Hanya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe