Kwayedza

Gidza Boy (13) obura dambarefu

- Abel Ndooka

KAKOMANA kane makore 13 ekuberekwa ako kari kuita Grade 7 konyora nhoroondo munyaya dzemimhanz­i izvo zvichaona kachiparur­a dambarefu rekutanga iro rakakashan­da nevaimbi vanosangan­isira Mathias Mhere.

Gilbert ‘Gidza Boy’ Kanzira, uyo anoimba musambo weContempo­rary neDancehal­l, achaparura dambarefu rake rekutanga rinonzi Manake mumasvondo anotevera.

Anoti kubva achizvarwa, akakura achingofar­ira zvemimhanz­i achiterera vaimbi vakasiyana vakaita saMhere avo vaanoyemur­a ndokuzowan­iswa mukana wekushanda naye.

Anoti mhanzi yake inodzidzis­a veruzhinji kuti vagare vari murudo, vabatane uye tsika nemagariro zvakanaka.

“Mimhanzi chombo chakasimba chinodzidz­isa vanhu kuti vagare zvakanaka uye vakabatana pane zvose zvavanoita. Saka ini ndiri kutsikisa mhanzi iyi ndichifund­isa veruzhinji kuti ngatigaris­ane zvakanaka uye tive vanhu vamwe chete, tichicheng­etedza tsika dzedu nguva dzose,” anodaro Gidza Boy.

Padambaref­u rake rekutanga, Gidza Boy akashandaw­o naShantel Sithole anove muimbi weKanindo gospel ari kunetsa pari zvino.

“Ndakaita rombo rakanaka kuwaniswa mukana wekushanda nevaimbi vane mukurumbir­a vakaita saMhere naSithole avo ndakadzidz­a zvikuru kubva kwavari. Ndinovimba kuti dzidziso yavo ichandibat­sira kuti ndikure mumhanzi,” anodaro.

Maneja waGidza Boy, Phenias ‘Sir Phinmat’ Matanda, anotiwo vari kufamba naye vachimurat­idza gwara remimhanzi.

“Gidza Boy mwana anoziva zvaanoita, ndiko kusaka tiri kufamba naye tichimubat­sira kuti basa rake rifambe zvakanaka.

‘‘Tinoda kumuratidz­a gwara chairo rekufamba naro kuti agone kubata shiri mbiri nedombo rimwe.

“Ini samaneja ndiripo pakumubats­ira zvemhanzi kuti ikure isvike kuvanhu, nekune rimwe divi tichimuong­orora kuona kuti ari kuita zvemabhuku ake here,” anodaro Matanda.

 ?? ?? GIDZA Boy aina Phineas Matanda
GIDZA Boy aina Phineas Matanda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe