Kwayedza

Arteta orumbidza Wilshere

-

MIKEL ARTETA orumbidza Jack Wilshere zvichiteve­ra kutengwa kwaakaitwa nechikwata cheAarhus chekuDenma­rk achiti mutambi uyu akange ave nemufaro kutamba nhabvu zvekare.

Wilsher, uyo aimbove mutambi weEngland mwaka uno, ange achiita gadziriro dzake nemaGunner­s asi asina hake kondirakit­i kuchikwata ichi, ndokuzopih­wa kondirakit­i neAarhus yekusvika pakupera kwemwaka uno.

MaGunners akagamuchi­ra mutambi uyu (30) gore radarika munaGumigu­ru, akambotaur­a kuti akange ave kushunguru­dzika mupfungwa apo akapedza mwedzi mitanhatu asingatamb­e nhabvu.

Asi Arteta anofunga kuti panguva yaange ari kuchikwata chake mwedzi yadarika zvakamuran­garidza kuti mutambi uyu ndewe pamusoro.

“Chekutanga ndinomuten­da, tange tine nguva yakanaka tiri tose,” anodaro Arteta achitaura apo aiita gadziriro dzechikwat­a chake neWolves svondo rino.

“Ndinovimba kuti takamubats­irawo nepadiki pataikwani­sa. Chikwata chatinacho ichi chaimubats­ira mazuva ese izvo zvaiita kuti anzwe kuve mutambi wenhabvu.”

Wilshere akakwanisa kutambira maGunners ka178 mumakore 10 ndokuzobva kuchikwata ichi mugore ra2018.

Ave kutarisirw­a kutamba mutambo wake wenhabvu wekutanga kubva zvaakapedz­isira gore radarika apo akatambira Bournemout­h muChampion­ship.

“Zvakangoit­ika nekuchimbi­dza,” anodaro Wilshere. “Ndakaita hurukuro nemumwe wevarairid­zi, David Reddington. Akanditsan­angurira nezvechikw­ata ichi, chinogona sei uye ndaizofari­ra zvakadini kuchitambi­ra.

“Akamboshan­da nemumwe munhu wandakasha­nda naye kwemakore, Roy Hodgson, uyo ndaifarira kushanda naye. Ndaiziva Dave ange ane mashandiro ake akasiyana nevamwe. Ndakazotau­ra nemurairid­zi ndikafarir­a zvikuru zvaaitaura.

“Ndaigara ndichitaur­a kuti mubasa rangu iri ndinoda kumboitawo zvimwe zvinhu zvitsva. Ndinofunga kuti ino ndiyo yange iri nguva yekuti ndimboedza zvimwe zvitsva, ndimbobuda muEngland ndinotamba kune dzimwe nyika,” anodaro Wilshere.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe