Vatambi veMMA vanoda kuwedzerwa mari
SHASHA yeMMA, Israel Adesanya, anofunga kuti dhiri rake idzva raakapihwa neUFC rinotevera kunyunyuta kwaJake Paul pamusoro pekutambiriswa kwaiitwa vatambi.
Paul ange achigara achidzoserana mashoko naDana White mutungamiri weUFC achimukurudzira kuti awedzere mari yaanotambirisa vatambi pamwe nekukoshesa nyaya dzeutano hwavo.
Vamwe vanofunga kuti nyanzvi yepaYouTube iyi, iyo yakazosanduka kuve mutambi wetsiva, akange ari kutsvaga hake kudenha uye vamwe vachifunga kuti aitaura nyaya idzi nemwoyo wese.
Adesanya, uyo akambopedza nguva anaPaul, anofunga kuti ndiye akagona kubuda pachena achitaura nyaya idzo vatambi veMMA vazhinji vanotya kutaura nezvazvo uye kuzviburitsa pachena.
“Ndinofunga kuti Jake Paul ndiye munhu akagona kumisidzana naDana White panguva iyoyo nenyaya iyi.
“Ndiye wekutanga kutaura nezvenyaya idzi izvo zvakazoona Francis (Ngannou) achipindirawo. Ini ndave kukwanisa kutaura nezvazvowo wena. Ndiri kutaura nezvemunhu ari kuronga mutambo wake wechipiri mumutambo uyu. Ndinofunga kuti anofanirwa kubhadharwa zvakanaka zvekuti anogona kupedza mwedzi 12 achiita gadziriro dzake asina kumbotsvaga mamwe mabasa ekuita.” Adesanya anoenderera mberi achiti akasangana naPaul achitaura nezvemutambo wake nemutambi webasketball, Nate Robinson, paaive kumba kwaPaul apo akahwina neknock-out apo shasha yeUFC iyi yakaona kuti Paul akange ane tarenda guru retsiva.
Anoti, “Takapedzisira tave kumba kwake mutambo wapera tikambokurukura nezvenyaya dzakawanda. Uchitaura naye, ndipo unotoona kuti muchinda uyu akazvipira pane zvaanoita. Unotoona kuti haasi kuzviita kutsvaga hukuru.
“Nekuti hamumuzive, munenge muchifunga kuti kamuchinda aka hakazive zvakanoita uye kari kungotsvaga mbiri nezvisina basa. Asi mukazogara naye pasi muchikurukura, munozvionera kuti akazvipira pane zvaari kuita zvose.”
Adesanya achangobva kuhwina mutambo wake naRobert Whittaker uyo wakaona achichengetedza bhande rake kuUFC 271 zvakaita kuti arambe ari shasha muboka iri. - SportsMail MMA