Kwayedza

Vatambi veMMA vanoda kuwedzerwa mari

-

SHASHA yeMMA, Israel Adesanya, anofunga kuti dhiri rake idzva raakapihwa neUFC rinotevera kunyunyuta kwaJake Paul pamusoro pekutambir­iswa kwaiitwa vatambi.

Paul ange achigara achidzoser­ana mashoko naDana White mutungamir­i weUFC achimukuru­dzira kuti awedzere mari yaanotambi­risa vatambi pamwe nekukoshes­a nyaya dzeutano hwavo.

Vamwe vanofunga kuti nyanzvi yepaYouTub­e iyi, iyo yakazosand­uka kuve mutambi wetsiva, akange ari kutsvaga hake kudenha uye vamwe vachifunga kuti aitaura nyaya idzi nemwoyo wese.

Adesanya, uyo akambopedz­a nguva anaPaul, anofunga kuti ndiye akagona kubuda pachena achitaura nyaya idzo vatambi veMMA vazhinji vanotya kutaura nezvazvo uye kuzviburit­sa pachena.

“Ndinofunga kuti Jake Paul ndiye munhu akagona kumisidzan­a naDana White panguva iyoyo nenyaya iyi.

“Ndiye wekutanga kutaura nezvenyaya idzi izvo zvakazoona Francis (Ngannou) achipindir­awo. Ini ndave kukwanisa kutaura nezvazvowo wena. Ndiri kutaura nezvemunhu ari kuronga mutambo wake wechipiri mumutambo uyu. Ndinofunga kuti anofanirwa kubhadharw­a zvakanaka zvekuti anogona kupedza mwedzi 12 achiita gadziriro dzake asina kumbotsvag­a mamwe mabasa ekuita.” Adesanya anoenderer­a mberi achiti akasangana naPaul achitaura nezvemutam­bo wake nemutambi webasketba­ll, Nate Robinson, paaive kumba kwaPaul apo akahwina neknock-out apo shasha yeUFC iyi yakaona kuti Paul akange ane tarenda guru retsiva.

Anoti, “Takapedzis­ira tave kumba kwake mutambo wapera tikambokur­ukura nezvenyaya dzakawanda. Uchitaura naye, ndipo unotoona kuti muchinda uyu akazvipira pane zvaanoita. Unotoona kuti haasi kuzviita kutsvaga hukuru.

“Nekuti hamumuzive, munenge muchifunga kuti kamuchinda aka hakazive zvakanoita uye kari kungotsvag­a mbiri nezvisina basa. Asi mukazogara naye pasi muchikuruk­ura, munozvione­ra kuti akazvipira pane zvaari kuita zvose.”

Adesanya achangobva kuhwina mutambo wake naRobert Whittaker uyo wakaona achichenge­tedza bhande rake kuUFC 271 zvakaita kuti arambe ari shasha muboka iri. - SportsMail MMA

 ?? ?? JACK Wilshere
JACK Wilshere
 ?? ?? ISRAEL Adesanya
ISRAEL Adesanya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe