Kwayedza

Munhukadzi ndiye mudzi webudiriro

-

NEMUSI weChipiri svondo rino, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose kuchereche­dza zuva revanhukad­zi reInternat­ional Day for Women.

Iri izuva rakasarudz­wa kuchereche­dza nekupember­era kukosha kwemunhuka­dzi — angava mwanasikan­a, amai kana chembere.

Wose anongonzi munhukadzi akakosha zvikuru uye pasina mukadzi hapana chinofamba.

Mabasa anobatwa nevanhukad­zi kubva padanho repamba kana pamusha kusvika kubudiriro yenyika makukutu.

Munhukadzi ndiye anotakura mimba, kuriritira mhuri mune zvose uku achiitawo mabasa.

Zvimwe zvacho vanhurume havangazvi­kwanise pachinge pasina munhukadzi

Ndokusaka pasina munhukadzi pachishaik­wa budiriro.

Iwo musha kuti utsige, unotoda munhukadzi.

Donzvo remhembere­ro dzepasi rose gore rino riri kunangana nekuenzani­sa mikana pakati pevanhukad­zi nevanhurum­e.

Chinangwa ndechekupe­dza kudzvanyir­irwa kana kuti kutarisirw­a pasi kwemunhuka­dzi mune zvakawanda kubva mudzimba kusvika kumabasa chaiko.

Vana zvose nemadzimai vachiri kumbunyiki­dzwa muzvikamu zvekuraram­a uye kune nyaya dzakawanda dzekukanga­nisa raramo yevanhukad­zi idzo dzinonyara­rwa kana kuvigiridz­wa dzinoitika mukurarama.

Vana vanobatwa huchapa sekubhinyw­a kana nevehukama chaivo asi mhosva dzerudzi urwu dzichinyar­arwa.

Pamwe pacho mhosva idzi dziri kuparwa nevanhu vekuziva sehama dzepedyo.

Izvozvo ngazvipere.

Fumurai mhosva dzerudzi urwu kuitira kuchenesa nharaunda dzamugere. Mumabasa, vanhukadzi vanombunyi­kidzwawo vachingofi­ra muchinyara­rire.

Mumba chaimo mudzimai anozvambar­adzwa nemurume achiroverw­a zvisina maturo, asi nyaya dzakadaro dzichinyar­arwa.

Kuda kuchengete­dza wanano here? Hakuna rudo rwakadaro!

Ndokusaka kuine vamwe vanosvika pakufa nekuda kwemhirizh­onga dzerudzi urwu. Zvose zvinombuny­ikidza nekutarisi­ra vanhukadzi pasi ngazvipere. Zvinofadza kuona nyika yeZimbabwe ichitora matanho akasimba ayo akananga kusimudzir­a vanhukadzi.

Ndokusaka kuine bazi renyaya dzevanhuka­dzi iro rinotungam­urirwa negurukota, munhukadzi Dr Sithembiso Nyoni.

Uku kuratidza kuti Hurumende ine chido chekusimud­zira vanhukadzi.

Zvisinei nekuti Zimbabwe haisati yasvika chaipo panotarisi­rwa mukusimudz­ira vanhukadzi, asi yaita zvikuru mukususuki­dza madzimai nevanasika­na. Kungava kudzimba, kumabasa kana mumapazi enyika sedare reParamend­e, matare edzimhosva, kumakanzur­u naiko kumakuruko­ta eHurumende, vanhukadzi vava nezvigaro zvepamusor­o.

Vakawanda vavo avo vane zvigaro zvepamusor­o vanongosha­ndawo kunge vanhurume, pamwe kutovadari­ka. Izvozvo zvinokudzw­a uye ngazviende mberi. Chakakosha kuchereche­dza basa rose rinoitwa nemunhukad­zi kubva rekumba kusvika kuzvigaro zvekumusor­o.

Imba mukadzi uye pasina vanhukadzi hapaite budiriro.

Vakadzi ivava ndivo vatingati midzi yeupenyu hwakanaka zvose nebuduriro. Naizvozvo vanoda kuremekedz­wa — kubva pamwanasik­ana kusvika kuchembere.

Vanhukadzi munotikosh­era kani!

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe