Munhukadzi ndiye mudzi webudiriro
NEMUSI weChipiri svondo rino, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose kucherechedza zuva revanhukadzi reInternational Day for Women.
Iri izuva rakasarudzwa kucherechedza nekupemberera kukosha kwemunhukadzi — angava mwanasikana, amai kana chembere.
Wose anongonzi munhukadzi akakosha zvikuru uye pasina mukadzi hapana chinofamba.
Mabasa anobatwa nevanhukadzi kubva padanho repamba kana pamusha kusvika kubudiriro yenyika makukutu.
Munhukadzi ndiye anotakura mimba, kuriritira mhuri mune zvose uku achiitawo mabasa.
Zvimwe zvacho vanhurume havangazvikwanise pachinge pasina munhukadzi
Ndokusaka pasina munhukadzi pachishaikwa budiriro.
Iwo musha kuti utsige, unotoda munhukadzi.
Donzvo remhemberero dzepasi rose gore rino riri kunangana nekuenzanisa mikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Chinangwa ndechekupedza kudzvanyirirwa kana kuti kutarisirwa pasi kwemunhukadzi mune zvakawanda kubva mudzimba kusvika kumabasa chaiko.
Vana zvose nemadzimai vachiri kumbunyikidzwa muzvikamu zvekurarama uye kune nyaya dzakawanda dzekukanganisa raramo yevanhukadzi idzo dzinonyararwa kana kuvigiridzwa dzinoitika mukurarama.
Vana vanobatwa huchapa sekubhinywa kana nevehukama chaivo asi mhosva dzerudzi urwu dzichinyararwa.
Pamwe pacho mhosva idzi dziri kuparwa nevanhu vekuziva sehama dzepedyo.
Izvozvo ngazvipere.
Fumurai mhosva dzerudzi urwu kuitira kuchenesa nharaunda dzamugere. Mumabasa, vanhukadzi vanombunyikidzwawo vachingofira muchinyararire.
Mumba chaimo mudzimai anozvambaradzwa nemurume achiroverwa zvisina maturo, asi nyaya dzakadaro dzichinyararwa.
Kuda kuchengetedza wanano here? Hakuna rudo rwakadaro!
Ndokusaka kuine vamwe vanosvika pakufa nekuda kwemhirizhonga dzerudzi urwu. Zvose zvinombunyikidza nekutarisira vanhukadzi pasi ngazvipere. Zvinofadza kuona nyika yeZimbabwe ichitora matanho akasimba ayo akananga kusimudzira vanhukadzi.
Ndokusaka kuine bazi renyaya dzevanhukadzi iro rinotungamurirwa negurukota, munhukadzi Dr Sithembiso Nyoni.
Uku kuratidza kuti Hurumende ine chido chekusimudzira vanhukadzi.
Zvisinei nekuti Zimbabwe haisati yasvika chaipo panotarisirwa mukusimudzira vanhukadzi, asi yaita zvikuru mukususukidza madzimai nevanasikana. Kungava kudzimba, kumabasa kana mumapazi enyika sedare reParamende, matare edzimhosva, kumakanzuru naiko kumakurukota eHurumende, vanhukadzi vava nezvigaro zvepamusoro.
Vakawanda vavo avo vane zvigaro zvepamusoro vanongoshandawo kunge vanhurume, pamwe kutovadarika. Izvozvo zvinokudzwa uye ngazviende mberi. Chakakosha kucherechedza basa rose rinoitwa nemunhukadzi kubva rekumba kusvika kuzvigaro zvekumusoro.
Imba mukadzi uye pasina vanhukadzi hapaite budiriro.
Vakadzi ivava ndivo vatingati midzi yeupenyu hwakanaka zvose nebuduriro. Naizvozvo vanoda kuremekedzwa — kubva pamwanasikana kusvika kuchembere.
Vanhukadzi munotikoshera kani!