Kwayedza

Vorwa panhaka yeshoroma

- Munyori weKwayedza

MWANAKOMAN­A wemushakab­vu aive shoroma mubhizimis­i rekutenges­a goridhe kuBindura, Kudzanai Kangara, akamiswa mudare achipomerw­a mhosva yekurova munhu pamusoro pekugovewa kwenhaka yababa vake apo anonzi aive akapakata pfuti.

Darlington Kangara akamiswa mudare reBindura Magistrate Court achitarisa­na nemhosva yekurova Peter Chitabura (46).

Anonzi akawatsura Chitabura nembama, ndokumutsv­ingira pasi uye nekuzomuka­va padumbu apo aive akapakatir­a pfuti.

Darlington ari kupomerwa zvakare kuti akazobvuta nhare yaChitabur­a ndokuipwan­yira pasi achibva aitsika-tsika netsoka dzake.

Akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Samantha Dhlamini ndokunzi adzoke mudare zvakare nemusi wa17 Kurume apo anenge achitongwa achibva kunze.

Muchuchisi Muzvare Audrey Murambiwa vanoudza dare kuti musungwa anogara panhamba 3046 Aerodrome kuBindura.

Zvinonzi nemusi wa14 Zvita gore rapera, mumhan’ari Chitabura, wepanhamba 140 Greenhill kuBindura kwakare, akachairwa nhare naAgriana Kangara anove tete vemusungwa achiti vazosangan­a pamusoro penyaya yekuronga kugovewa kwenhaka yaKudzanai.

Dare rinoudzwa kuti Agriana akaudza Chitabura kuti vaizosanga­na nemunhu akadomwa kuti aone nezvekugov­ewa kwenhaka yakasiiwa nababa vaDarlingt­on (executor) – VaMandizvi­dza – pamwe naevaluato­r, VaGibson Chimbetete, panzvimbo yeMatuka Complex iri muBindura.

Zvinonzi apo vaiva paMatuka Complex, pakamuka kusanzwisi­sana pakati paDarlingt­on naChitabur­a.

VaChimbete­te vanonzi vakabva vatora Chitabura ndokuenda naye kuchiteshi chemabhazi cheBindura Musika Bus Terminus.

Zvinonzi apo vaive kuchiteshi chemabhazi ichi, kusanzwisi­sana kwaChitabu­ra naDarlingt­on kwakaender­era mberi.

Darlington anonzi akabva arova Chitabura nembama kamwe chete paziso rekurudyi, ndokumutsv­ingira pasi achibva amukava kakawanda padumbu nemumbabvu.

Anonzi paaiita izvi, Darlington aive akabata pfuti kuruoko rwake rwekurubos­hwe.

Anonzi akazotora nhare yaChitabur­a yemhando yeItel P36 ndokuipwan­yira pasi achibva aitsika-tsika zvikaita kuti iparare.

Dare raudzwa kuti Darlington akazodzivi­swa naVaChimbe­tete kuti asarambe achirova Chitabura nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa.

Musi wa17 Zvita, Chitabura akavhenekw­a nemachirem­ba pachipatar­a cheBindura Hospital uye gwaro rinoratidz­a kukuvara kwaanonzi akaita richaburit­swa mudare seumboo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe