Vorwa panhaka yeshoroma
MWANAKOMANA wemushakabvu aive shoroma mubhizimisi rekutengesa goridhe kuBindura, Kudzanai Kangara, akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekurova munhu pamusoro pekugovewa kwenhaka yababa vake apo anonzi aive akapakata pfuti.
Darlington Kangara akamiswa mudare reBindura Magistrate Court achitarisana nemhosva yekurova Peter Chitabura (46).
Anonzi akawatsura Chitabura nembama, ndokumutsvingira pasi uye nekuzomukava padumbu apo aive akapakatira pfuti.
Darlington ari kupomerwa zvakare kuti akazobvuta nhare yaChitabura ndokuipwanyira pasi achibva aitsika-tsika netsoka dzake.
Akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Samantha Dhlamini ndokunzi adzoke mudare zvakare nemusi wa17 Kurume apo anenge achitongwa achibva kunze.
Muchuchisi Muzvare Audrey Murambiwa vanoudza dare kuti musungwa anogara panhamba 3046 Aerodrome kuBindura.
Zvinonzi nemusi wa14 Zvita gore rapera, mumhan’ari Chitabura, wepanhamba 140 Greenhill kuBindura kwakare, akachairwa nhare naAgriana Kangara anove tete vemusungwa achiti vazosangana pamusoro penyaya yekuronga kugovewa kwenhaka yaKudzanai.
Dare rinoudzwa kuti Agriana akaudza Chitabura kuti vaizosangana nemunhu akadomwa kuti aone nezvekugovewa kwenhaka yakasiiwa nababa vaDarlington (executor) – VaMandizvidza – pamwe naevaluator, VaGibson Chimbetete, panzvimbo yeMatuka Complex iri muBindura.
Zvinonzi apo vaiva paMatuka Complex, pakamuka kusanzwisisana pakati paDarlington naChitabura.
VaChimbetete vanonzi vakabva vatora Chitabura ndokuenda naye kuchiteshi chemabhazi cheBindura Musika Bus Terminus.
Zvinonzi apo vaive kuchiteshi chemabhazi ichi, kusanzwisisana kwaChitabura naDarlington kwakaenderera mberi.
Darlington anonzi akabva arova Chitabura nembama kamwe chete paziso rekurudyi, ndokumutsvingira pasi achibva amukava kakawanda padumbu nemumbabvu.
Anonzi paaiita izvi, Darlington aive akabata pfuti kuruoko rwake rwekuruboshwe.
Anonzi akazotora nhare yaChitabura yemhando yeItel P36 ndokuipwanyira pasi achibva aitsika-tsika zvikaita kuti iparare.
Dare raudzwa kuti Darlington akazodziviswa naVaChimbetete kuti asarambe achirova Chitabura nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa.
Musi wa17 Zvita, Chitabura akavhenekwa nemachiremba pachipatara cheBindura Hospital uye gwaro rinoratidza kukuvara kwaanonzi akaita richaburitswa mudare seumboo.