Mwana (6) akadyiwa nembwa
MWANA wemakore matanhatu ekuberekwa wekuTengwe, kuKaroi adyiwa nembwa kumesi kwese ndokufa mushure mekusiiwa nevabereki vake pamba ari oga apo ivo vanga vaenda kunotemha fodya kumunda.
Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti Mafios Tafira (6) akarumwa nembwa yevabereki vake nemusi wa1 Kurume mangwanani asara oga pamba.
“Tine mwana akarumwa nembwa akafa apo vabereki vake vaiva kumunda apo vakasiya mwana uyu oga pamba.
“Variko kumunda, vakatanga kunzwa kuchema kwemwana neruzha rwekurumwa nembwa vachibva vadzoka kumba vachimhanya.
“Vakasvikoona imbwa iyi ichiruma mwana uyu ndokuedza kumununura imbwa yacho ichibva yatanga kuruma baba vepamusha apa, VaTafira, zvakare ikavakuvadza.
“Vakazouraya imbwa iyi asi mwana akanga akuvadzwa kare,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti mwana uyu akazoendeswa kukiriniki iri pedyo ndokuzodarikidzwa kuchipatara cheKaroi uko akadarikidzwa zvakare kuendeswa kuchipatara cheChinhoyi asi akasvika achifa.
Mwana uyu anonzi akadyiwa kumeso, kusanganisira muromo nemhuno, pamwe nemuviri wese.
“Tinokurudzira kuti vanhu vapote vachibaisa imbwa dzavo majekiseni nguva dzose uyewo nekuti vagare nembwa dzavanoziva magariro adzo sekuti dzinoda chii nekuti kune dzimwe dzinozivikanwa nekugara dzichida kurwisa vanhu, dziriko mhando dzakadaro,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanoti vane fungidziro huru yekuti imbwa yakaruma mwana uyu inogona kunge yaiva nechirwere chechimbwamupengo.
Mwana wekurumwa nembwa uyu anonzi aradzikwa neChipiri chino kuTengwe kuKaroi kwakare.