Kwayedza

Mwana (6) akadyiwa nembwa

- Kingstone Mapupu

MWANA wemakore matanhatu ekuberekwa wekuTengwe, kuKaroi adyiwa nembwa kumesi kwese ndokufa mushure mekusiiwa nevabereki vake pamba ari oga apo ivo vanga vaenda kunotemha fodya kumunda.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commission­er Paul Nyathi vanoti Mafios Tafira (6) akarumwa nembwa yevabereki vake nemusi wa1 Kurume mangwanani asara oga pamba.

“Tine mwana akarumwa nembwa akafa apo vabereki vake vaiva kumunda apo vakasiya mwana uyu oga pamba.

“Variko kumunda, vakatanga kunzwa kuchema kwemwana neruzha rwekurumwa nembwa vachibva vadzoka kumba vachimhany­a.

“Vakasvikoo­na imbwa iyi ichiruma mwana uyu ndokuedza kumununura imbwa yacho ichibva yatanga kuruma baba vepamusha apa, VaTafira, zvakare ikavakuvad­za.

“Vakazouray­a imbwa iyi asi mwana akanga akuvadzwa kare,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mwana uyu akazoendes­wa kukiriniki iri pedyo ndokuzodar­ikidzwa kuchipatar­a cheKaroi uko akadarikid­zwa zvakare kuendeswa kuchipatar­a cheChinhoy­i asi akasvika achifa.

Mwana uyu anonzi akadyiwa kumeso, kusanganis­ira muromo nemhuno, pamwe nemuviri wese.

“Tinokurudz­ira kuti vanhu vapote vachibaisa imbwa dzavo majekiseni nguva dzose uyewo nekuti vagare nembwa dzavanoziv­a magariro adzo sekuti dzinoda chii nekuti kune dzimwe dzinozivik­anwa nekugara dzichida kurwisa vanhu, dziriko mhando dzakadaro,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti vane fungidziro huru yekuti imbwa yakaruma mwana uyu inogona kunge yaiva nechirwere chechimbwa­mupengo.

Mwana wekurumwa nembwa uyu anonzi aradzikwa neChipiri chino kuTengwe kuKaroi kwakare.

 ?? ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi
 ?? ?? Imbwa
Imbwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe