Akaripa bhegi rekuba nemombe sere
MURUME wekuNyanga kudunhu reManicaland nemhuri yake — avo vapedza makore maviri vachiona ruwoko bedzi rwemunhu wemasaramusi rwunovabvutira mugoti, rwobika bhodho resadza asi pasina mutumbi wemunhu unoonekwa — anoti ava kurara hope nemhuri yake zvichitevera kuripa nemombe sere kwaakaita kune vanhu vaanonzi ainge abira bhegi raive netutombo “twemutero” zvikaita kuti manenji aya apere.
Josphat Mapfidza, kunyangwe akanoripa mombe kumhuri yekwaTsvito, anonzi akabira bhegi raiva netutombo twakatorwa panzvimbo yakawanikwa marangwanda emurume wemumhuri iyi uyo akafa munguva yehondo yerusununguko.
Asi anoti haasati ava kukwanisa kudzokera kunogara pamusha pake nekutyira kuti masaramusi ekubvutirwa mugoti panguva yekubika, ozongoona ruwoko rwomona poto yesadza, achiri kuitika. Mapfidza anonzi akaba bhegi iri makore mashoma adarika paitongwa imwe nyaya padare raMambo Saunyama uye anonzi aifunga kuti tumatombo twaivemo raive goridhe.
Nguva pfupi yadarika, Mapfidza akazonopotera kudare raMambo Saunyama achida kuti vamubatsire kuti mhuri yekwaTsvito itambire bhegi raanonzi akaba iri mushure mekunge ramuita kuti apata musha wake nekuda kwemanenji aiitika aya. Nyaya iyi yakapinda zvakare mudare raMambo Saunyama nemusi weChishanu chadarika apo Mapfidza akaripa mombe idzi kumhuri yekwaTsvito.
“Upenyu hwangu hwava kudzokera pari nani sakare kubvira masvondo maviri adarika apo ndakavimbisa kunoripa mombe kumhuri yekwaTsvito.
“Hapana masaramusi andichiri kuona, handizivi kuti ruwoko rwaibika sadza rwucharamba rwuchioneka here,” anodaro Mapfidza.
Mhuri iyi inonzi yaigara ichidya mupunga chete sezvo munhu akangoda kubika sadza nemugoti aibva aubvutirwa uyewo vange vopona nekudya mumamana.
Mhuri yaMapfidza, vana nemudzimai wake, vakagumisira vatiza pamusha nekuda kwenyaya iyi.
Dambudziko iri rinonzi rakatanga apo Mapfidza akaba bhegi dema raCollins Tsvito Jnr iro raiva netumatombo twainge twatorwa panzvimbo yakafira baba vake (Collins Tsvito Snr) avo vaiva murwi wehondo yerusununguko rweZimbabwe kudunhu iri.
Marangwanda aCde Tsvito akawanikwa mugomo reMapako achibva azotorwa ndokunovigwa zvine mutsigo panzvimbo yemakuva yeMatumba Six Heroes Burial Site pedyo nechikoro cheOld Mutare Mission.
Zvakabuda mudare raMambo Saunyama kuti mweya wemushakabvu uyu wakabuda uchitaura kuna Collins Tsvito Jnr kuti agotora tumatombo tutatu panzvimbo yakawanikwa marangwanda ake izvo akaita achibva aisa matombo aya mubhegi ayo ainzi aizofanirwa kuisa muguva remufi uyu setsika yechivanhu.
Mukati mebhegi iri munonzi maivawo nema”coupon” anokwana marita 400 emafuta emotokari, US$40 nemakadhi ekubhanga aiva apihwa Collins Tsvito Jnr nesangano reFallen Heroes Trust of Zimbabwe kuti vakwanise kuviga baba vake zvine mutsigo.
Mushure mekunge mhuri yekwaMapfidza yasangana nemanenji asingapere, vanonzi vakazoenda kun’anga uko vakataurirwa kuti dambudziko ravo rinokonzerwa nebhegi rakabiwa ndokuunzwa mumusha mavo.
Zvichakadaro, Mapfidza anoti pane munhu akamuchinjira bhegi ndokumupa raiva netumatombo utwu achiti rake raiva nemalunch box.
“Ndakakanganisa kuzoenda nebhegi iri kumba, nguva dzose kumba ndaiona vanhu vakapakata pfuti vaiva varwi vehondo yerusununguko vachinditaurira kuti ndidzose bhegi remumwe wavo vakagara neni kusvika mwedzi wakapera.
“Nguva dzose pandaienda kunorara, vaiuya vogogodza pamusiwo vovhura dhoo nechisimba, vopinda mumba,” anodaro Mapfidza.
Mweya waCde Tsvito unonzi wakazosvika ukataura kuna Peter Magaba anova muporofita wekwaRusape padare iri kuti waisazombosiya Mapfidza kusvikira apedza kubhadhara mombe sere dziri kudiwa.