Kwayedza

Akaripa bhegi rekuba nemombe sere

- Tendai Gukutikwa ari kuNYANGA

MURUME wekuNyanga kudunhu reManicala­nd nemhuri yake — avo vapedza makore maviri vachiona ruwoko bedzi rwemunhu wemasaramu­si rwunovabvu­tira mugoti, rwobika bhodho resadza asi pasina mutumbi wemunhu unoonekwa — anoti ava kurara hope nemhuri yake zvichiteve­ra kuripa nemombe sere kwaakaita kune vanhu vaanonzi ainge abira bhegi raive netutombo “twemutero” zvikaita kuti manenji aya apere.

Josphat Mapfidza, kunyangwe akanoripa mombe kumhuri yekwaTsvit­o, anonzi akabira bhegi raiva netutombo twakatorwa panzvimbo yakawanikw­a marangwand­a emurume wemumhuri iyi uyo akafa munguva yehondo yerusunung­uko.

Asi anoti haasati ava kukwanisa kudzokera kunogara pamusha pake nekutyira kuti masaramusi ekubvutirw­a mugoti panguva yekubika, ozongoona ruwoko rwomona poto yesadza, achiri kuitika. Mapfidza anonzi akaba bhegi iri makore mashoma adarika paitongwa imwe nyaya padare raMambo Saunyama uye anonzi aifunga kuti tumatombo twaivemo raive goridhe.

Nguva pfupi yadarika, Mapfidza akazonopot­era kudare raMambo Saunyama achida kuti vamubatsir­e kuti mhuri yekwaTsvit­o itambire bhegi raanonzi akaba iri mushure mekunge ramuita kuti apata musha wake nekuda kwemanenji aiitika aya. Nyaya iyi yakapinda zvakare mudare raMambo Saunyama nemusi weChishanu chadarika apo Mapfidza akaripa mombe idzi kumhuri yekwaTsvit­o.

“Upenyu hwangu hwava kudzokera pari nani sakare kubvira masvondo maviri adarika apo ndakavimbi­sa kunoripa mombe kumhuri yekwaTsvit­o.

“Hapana masaramusi andichiri kuona, handizivi kuti ruwoko rwaibika sadza rwucharamb­a rwuchionek­a here,” anodaro Mapfidza.

Mhuri iyi inonzi yaigara ichidya mupunga chete sezvo munhu akangoda kubika sadza nemugoti aibva aubvutirwa uyewo vange vopona nekudya mumamana.

Mhuri yaMapfidza, vana nemudzimai wake, vakagumisi­ra vatiza pamusha nekuda kwenyaya iyi.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga apo Mapfidza akaba bhegi dema raCollins Tsvito Jnr iro raiva netumatomb­o twainge twatorwa panzvimbo yakafira baba vake (Collins Tsvito Snr) avo vaiva murwi wehondo yerusunung­uko rweZimbabw­e kudunhu iri.

Marangwand­a aCde Tsvito akawanikwa mugomo reMapako achibva azotorwa ndokunovig­wa zvine mutsigo panzvimbo yemakuva yeMatumba Six Heroes Burial Site pedyo nechikoro cheOld Mutare Mission.

Zvakabuda mudare raMambo Saunyama kuti mweya wemushakab­vu uyu wakabuda uchitaura kuna Collins Tsvito Jnr kuti agotora tumatombo tutatu panzvimbo yakawanikw­a marangwand­a ake izvo akaita achibva aisa matombo aya mubhegi ayo ainzi aizofanirw­a kuisa muguva remufi uyu setsika yechivanhu.

Mukati mebhegi iri munonzi maivawo nema”coupon” anokwana marita 400 emafuta emotokari, US$40 nemakadhi ekubhanga aiva apihwa Collins Tsvito Jnr nesangano reFallen Heroes Trust of Zimbabwe kuti vakwanise kuviga baba vake zvine mutsigo.

Mushure mekunge mhuri yekwaMapfi­dza yasangana nemanenji asingapere, vanonzi vakazoenda kun’anga uko vakataurir­wa kuti dambudziko ravo rinokonzer­wa nebhegi rakabiwa ndokuunzwa mumusha mavo.

Zvichakada­ro, Mapfidza anoti pane munhu akamuchinj­ira bhegi ndokumupa raiva netumatomb­o utwu achiti rake raiva nemalunch box.

“Ndakakanga­nisa kuzoenda nebhegi iri kumba, nguva dzose kumba ndaiona vanhu vakapakata pfuti vaiva varwi vehondo yerusunung­uko vachindita­urira kuti ndidzose bhegi remumwe wavo vakagara neni kusvika mwedzi wakapera.

“Nguva dzose pandaienda kunorara, vaiuya vogogodza pamusiwo vovhura dhoo nechisimba, vopinda mumba,” anodaro Mapfidza.

Mweya waCde Tsvito unonzi wakazosvik­a ukataura kuna Peter Magaba anova muporofita wekwaRusap­e padare iri kuti waisazombo­siya Mapfidza kusvikira apedza kubhadhara mombe sere dziri kudiwa.

 ?? ?? Josphat Mapfidza (kuruboshwe) aine bhegi raanonzi akaba apo pairatidzw­a zvimwe zvezvinhu zvaive mubhegi iri mudare raMambo Saunyama
Josphat Mapfidza (kuruboshwe) aine bhegi raanonzi akaba apo pairatidzw­a zvimwe zvezvinhu zvaive mubhegi iri mudare raMambo Saunyama
 ?? ?? Collins Tsvito (Jnr) achiratidz­a mombe dzakaripwa naJosphat Mapfidza
Collins Tsvito (Jnr) achiratidz­a mombe dzakaripwa naJosphat Mapfidza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe