‘Ndimi makandichekeresa’
Tendai Gukutikwa ari kuNYANGA
VANHU vaive vakaungana padare raMambo Saunyama kuNyanga nemusi weChishanu chadarika vakasara vasina neremuromo apo mweya wengozi yemurume aishanda mu “library” yepachimwe chikoro cheko, uyo akapondwa makore mana adarika, wakasvika pane mumwe wemhuri yemushakabvu uyu ndokutaura mazita evanhu gumi vanonzi ndivo vakamuuraya.
Mweya uyu unoti John Gotora anonzi akauraiwa nevamwe vemumhuri yake apo nhengo dzemutumbi wake, kusanganisira sikarudzi, zvakashandiswa nemishonga ine chekuita nekuchekeresa mugore ra2018.
Gotora aigara paaishandira nemwanasikana wake aive nemakore 11 ekuberekwa asi imwe mhuri yake yose yaigara mubhuku raMapfura chinova chinhambo chemakiromita makumi maviri kubva paaishandira.
Musi wa7 Kukadzi muna2018, akabva pabasa achida kushanyira mhuri yake asi haana kuzosvika kumba, sezvo anonzi akaponderwa munzira.
Sezvo pakanga pasina kutaurirana pakati pemwanasikana wake kuchikoro nemhuri yake kubhuku kwaMapfura, hapana akaziva kuti pane zvakanga zvaitika kwaari kusvikira mutumbi wake wakazoonekwa kuSt Mary’s Cemetery iri kuNyanga wave kutowora.
Akanga ave nemakore 42 ekuberekwa paakapondwa.
Mudzimai waGotora, Mai Viola Matiringe, vachitaura mudare raMambo Saunyama vanoti, “Chokwadi chichabuda pachena. Murume wangu yanga isiri mhuka asi vakamuuraya kunge mhuka chaiyo. Munhu akauraiwa anodzokera vakamuponda.”
Vanoti murume wavo akavigwa asina dzimwe nhengo dzemuviri dzakawanda.
Zvakabuda mudare maMambo Saunyama kuti pakati pevanhu vanonzi vakaponda Gotora pane mumwe mudzidzisi uyo ave kuita zvemabhizimisi, Phillip Makunura nemukadzi wake, Catherine Makunura.
Vamwe vanonzi vakabatsirana kuponda Gotora ndiKerina Katsatse anotengesa mubhawa remhuri yekwaMakunura, munin’ina wemushakabvu Morris Matimba nevamwe vaishanda naGotora vangozivikanwa nekuti Benza naNyamundanda uyewo naTrymore
Chibaya, Lucky Nyanguru, Milton Sadomba naAaron Nyakapeta.
Mweya wengozi yaGotora unonzi wakabuda pamunhu wechikadzi wemumhuri, Sekai Nyamudika, uyo akashamisa vanhu apo akatanga kutaura neizwi remufi achiti anoda nhengo dzemuviri wake.
“Vakatora nhengo dzangu dzakavandika, maziso, mazino, ruwoko rwerudyi, rurimi, pfungwa neimwe nyama kubva mudehenya rangu,” unodaro mweya uyu.
Apo Mambo Saunyama vaitonga nyaya iyi, mweya wengozi uyu waingoramba uchidaidzira uchiti, “Ndinoda nhengo dzangu dzakavandika.”
Mweya unoti Matimba akaudza vanhu vakazomuponda mafambiro aizoita Gotora zvikaita kuti vamuronde ndokuzomuuraya.
Zvisinei, Matimba ari kurambisisa nyaya iyi.
Pamusoro pezvo, Benza naNyamundanda vari kupihwa mhosva nemweya wengozi uyu yekuti havana kuudza mapurisa kuti vakakwira mota imwe chete nemushakabvu musi waakazouraiwa.
Zvisinei, vaviri ava vanoti vakaudza mapurisa zvose zvakaitika.
“Ndakaudza matikitivha kuti taiva mumotokari imwe chete naye asi takazoparadzana patakasvika pazvitoro. Ndicho chokwadi, saka kana mweya uchiti ndine wandiri kuvharidzira munyaya iyi unenge uchitonyepa. Ndakaudza mapurisa chokwadi chose,” anodaro Benza.
Nyanguru ari kupomerwa kuuraya Gotora, kutora nhengo dzemuviri wake nekuzopa vekwaMakunura kuti vazvishandise kuchekeresa bhizimisi ravo.
Mweya uyu uchitaura mudare raMambo Saunyama unoti, “Kerina wakawedzera ruzha rweredhiyo yako yemubhawa kuti vanhu vasandinzwa pandaipondwa ndichichema kutsvaga rubatsiro. Chibaya ndiye aifanira kundiuraya asi akatadza saka Nyanguru ndiye akatora sando kwaari akandirova nayo mumusoro.
“Ndakabva ndafa ipapo uye Sadomba akabatsira pakutakura mutumbi wangu musaga mushure mekupedza kutora nhengo dzemuviri wangu. Ndichakushungurudzai mose kana mukaramba kuti makaita izvi.”
Asi Nyanguru anoti akange asipo panzvimbo pakapondwa Gotora.
“Ndaiva kuNyanga uye ndakazongonzwa nezvekufa kwake nemakuhwa. Ndinofungidzira kuti uyu hausi mweya chaiwo asi kuti zviri kugadzirwa nevari kufungidzira kuti tisu takauraya Gotora,” anodaro Nganguru.
Catherine Makunura, uyo aimirira murume wake asina kuuya kudare, anoramba nyaya iyi achiti mawoko avo akachena.
Anoramba zvakare kuti vakatsvaga vanhu kuti vauraye Gotora.
Katsatse anorambawo kuti ane chekuita nekupondwa kwaGotora.
Zvakabudawo mudare iri kune wemhuri yekwaMakunura anonzi akatsvaga n’anga kuti itsipike uye kufaritidza nyaya yekupondwa kwaGotora.
N’anga iyi, iyo inozivikanwa nekunzi Sithole, inoti kune munhu anonzi Makunura akauya kwainorapira achitsvaga chidhoma chekuti akwanise kuvanza nyaya yekufa kwaGotora paanga achangopondwa.
ZVIKAMU zviviri zvapfuura taitarisa nyaya yezvinangwa zvebumbiro reChiShona. Nyaya huru iripo ndeyekuti tionesane kwatiri kubvira mukuedza kusimbaradza rurimi rwaamai.
Muchikamu chino tinoda kubva tapendera nekupana hwaro hwezvinoitwa pagwaro rega rega kubva mugwaro rechitatu kusvika rechinomwe (Grade 3 kusvika Grade 7)
Tine zvinhu zvina zvatinofanira kutarisa zvinoti kuteerera (listening), kutaura (speaking), kuverenga (reading) nekunyora (writing). Ndiwo mwongo wacho watinoda kushanda nawo muchikamu chino.
Tichaita izvi zviri muzvikamu zvakamira zvega tichitora gwaro rega rega.
Kuteerera:
Pagwaro rechitatu vana vanotarisirwa kugona kubata nekurangarira mutinhimira wemavara nemazwi. Vanotarisirwa zvakare kugona kutaura ngano nekuita nhaurirano.
Chimwe chavanoita pagwaro iri kuita nhetembo netwumitambo tudiki (rhymes, jingles, songs poems and riddles).
Pagwaro rechina vavakuwedzera nekugona kusiyanisa mitinhimira yemazwi uye kukwanisa kutambira mirairo.
Pagwaro rechishanu hazvina mupatsa wakanyanya asi kuti pavakuwedzerwa kuitwa kwemakakava (debate).
Tinozoona musiyano mudiki pagwaro rechitanhatu apo vana vanenge voratidza hutesve neugo hwakadzama mukuita hurukuro vachiburitsa mamiriro anoita munhu kana aiswa panguva dzakasiyana (voices and moods).Gakava rinenge roitwa rakati dzamei uye mumakwikwi. Ndizvo zvimwechete nepagwaro rechinomwe apo vana vanenge vava kutarisirwa kukwanisa kutambira mirairo uye kupindura mibvunzo.
Misoro yemamakava inenge yava yemhando yepamusoro uye vanenge voita zvekutakura mashoko vachiasvitsa panzvimbo chaipo paanenge achidiwa.
Kutaura:
Pagwarorechitatuvanavanoburitsazvavanoda nezvavasingadi (likes and dislikes). Ipapo vanoburitsa zvinzvimbo nemabasa avanoita mumhuri mavo. Vanofanirwa zvakare kutaura ngano nenhau. Ndipo pavanotangira kuverenga nhamba muChiShona.
Vanoburitsa zvakare nzira dzakare nedzanhasi dzekufambisa mashoko. Zvinofamba zvakadaro zvichichinja hudzamu pazvinobata gwaro rechina kusvika kune rechinomwe.
Pagore rechitanhatu ndipo panotangira kuitwa zvieraera nezvisingabvumidzwi (myths, legends and taboos).
Zvinowedzera hudzamu pagwaro rechinomwe apo panowedzerwa zvemitupo namadzinza uye kutaura vachishandisa tsumo nemadimikira.
Panotaurwa zvakare mashandukiro anoita mamiriro ekunze nemwaka yegore.
Kuverenga:
Kuverenga ndiwo musimboti wezvese. Pagwaro rechitatu vana vanotarisirwa kuverenga vachitevedzera mitinhimira yakakodzera uye vachiverenga zvakatsetseka.
Vanoumba mitsetse nekupindura mibvunzo yenzwisiso. Vanoverenga zvakare nhau nengano.
Vanoita nhaurirano. Izvi hazvina kunyanyosiyana pagwaro rechina, rechishanu kana rechitanhatu.
Pagwaro rechinomwe ndipo vanowedzera nekuita pfupiso nekutevedzera mirairo. Kuverenga kwavo kunenge kwavandudzwa (extensive reading).
Kunyora:
Pagwaro rechitatu ndipo panotangira kutevedzera runyoro runonzi Nelson’s script. Mubumbiro inonzi “penmanship”.
Vana vanodzidzira kunyora kwakanaka vachiita nzwisiso, pfekedzo, zviperengo, maumbirwo emitsara, rondedzero nemashandisirwo emutauro akarurama. Vanonyora zvakare pfupiso mumazwi akatarwa.
lzvi zvinoitwa mumagwaro ese kusvika mugwaro rechinomwe.
Tapedza nezvehwaro hweChiShona zvekuti muzvikamu zvinotevera tavakutarisa zvirungamutaro, zvirahwe, nemaCALA edu.