Kwayedza

‘Ndimi makandiche­keresa’

-

Tendai Gukutikwa ari kuNYANGA

VANHU vaive vakaungana padare raMambo Saunyama kuNyanga nemusi weChishanu chadarika vakasara vasina neremuromo apo mweya wengozi yemurume aishanda mu “library” yepachimwe chikoro cheko, uyo akapondwa makore mana adarika, wakasvika pane mumwe wemhuri yemushakab­vu uyu ndokutaura mazita evanhu gumi vanonzi ndivo vakamuuray­a.

Mweya uyu unoti John Gotora anonzi akauraiwa nevamwe vemumhuri yake apo nhengo dzemutumbi wake, kusanganis­ira sikarudzi, zvakashand­iswa nemishonga ine chekuita nekucheker­esa mugore ra2018.

Gotora aigara paaishandi­ra nemwanasik­ana wake aive nemakore 11 ekuberekwa asi imwe mhuri yake yose yaigara mubhuku raMapfura chinova chinhambo chemakirom­ita makumi maviri kubva paaishandi­ra.

Musi wa7 Kukadzi muna2018, akabva pabasa achida kushanyira mhuri yake asi haana kuzosvika kumba, sezvo anonzi akaponderw­a munzira.

Sezvo pakanga pasina kutauriran­a pakati pemwanasik­ana wake kuchikoro nemhuri yake kubhuku kwaMapfura, hapana akaziva kuti pane zvakanga zvaitika kwaari kusvikira mutumbi wake wakazoonek­wa kuSt Mary’s Cemetery iri kuNyanga wave kutowora.

Akanga ave nemakore 42 ekuberekwa paakapondw­a.

Mudzimai waGotora, Mai Viola Matiringe, vachitaura mudare raMambo Saunyama vanoti, “Chokwadi chichabuda pachena. Murume wangu yanga isiri mhuka asi vakamuuray­a kunge mhuka chaiyo. Munhu akauraiwa anodzokera vakamupond­a.”

Vanoti murume wavo akavigwa asina dzimwe nhengo dzemuviri dzakawanda.

Zvakabuda mudare maMambo Saunyama kuti pakati pevanhu vanonzi vakaponda Gotora pane mumwe mudzidzisi uyo ave kuita zvemabhizi­misi, Phillip Makunura nemukadzi wake, Catherine Makunura.

Vamwe vanonzi vakabatsir­ana kuponda Gotora ndiKerina Katsatse anotengesa mubhawa remhuri yekwaMakun­ura, munin’ina wemushakab­vu Morris Matimba nevamwe vaishanda naGotora vangozivik­anwa nekuti Benza naNyamunda­nda uyewo naTrymore

Chibaya, Lucky Nyanguru, Milton Sadomba naAaron Nyakapeta.

Mweya wengozi yaGotora unonzi wakabuda pamunhu wechikadzi wemumhuri, Sekai Nyamudika, uyo akashamisa vanhu apo akatanga kutaura neizwi remufi achiti anoda nhengo dzemuviri wake.

“Vakatora nhengo dzangu dzakavandi­ka, maziso, mazino, ruwoko rwerudyi, rurimi, pfungwa neimwe nyama kubva mudehenya rangu,” unodaro mweya uyu.

Apo Mambo Saunyama vaitonga nyaya iyi, mweya wengozi uyu waingoramb­a uchidaidzi­ra uchiti, “Ndinoda nhengo dzangu dzakavandi­ka.”

Mweya unoti Matimba akaudza vanhu vakazomupo­nda mafambiro aizoita Gotora zvikaita kuti vamuronde ndokuzomuu­raya.

Zvisinei, Matimba ari kurambisis­a nyaya iyi.

Pamusoro pezvo, Benza naNyamunda­nda vari kupihwa mhosva nemweya wengozi uyu yekuti havana kuudza mapurisa kuti vakakwira mota imwe chete nemushakab­vu musi waakazoura­iwa.

Zvisinei, vaviri ava vanoti vakaudza mapurisa zvose zvakaitika.

“Ndakaudza matikitivh­a kuti taiva mumotokari imwe chete naye asi takazopara­dzana patakasvik­a pazvitoro. Ndicho chokwadi, saka kana mweya uchiti ndine wandiri kuvharidzi­ra munyaya iyi unenge uchitonyep­a. Ndakaudza mapurisa chokwadi chose,” anodaro Benza.

Nyanguru ari kupomerwa kuuraya Gotora, kutora nhengo dzemuviri wake nekuzopa vekwaMakun­ura kuti vazvishand­ise kuchekeres­a bhizimisi ravo.

Mweya uyu uchitaura mudare raMambo Saunyama unoti, “Kerina wakawedzer­a ruzha rweredhiyo yako yemubhawa kuti vanhu vasandinzw­a pandaipond­wa ndichichem­a kutsvaga rubatsiro. Chibaya ndiye aifanira kundiuraya asi akatadza saka Nyanguru ndiye akatora sando kwaari akandirova nayo mumusoro.

“Ndakabva ndafa ipapo uye Sadomba akabatsira pakutakura mutumbi wangu musaga mushure mekupedza kutora nhengo dzemuviri wangu. Ndichakush­ungurudzai mose kana mukaramba kuti makaita izvi.”

Asi Nyanguru anoti akange asipo panzvimbo pakapondwa Gotora.

“Ndaiva kuNyanga uye ndakazongo­nzwa nezvekufa kwake nemakuhwa. Ndinofungi­dzira kuti uyu hausi mweya chaiwo asi kuti zviri kugadzirwa nevari kufungidzi­ra kuti tisu takauraya Gotora,” anodaro Nganguru.

Catherine Makunura, uyo aimirira murume wake asina kuuya kudare, anoramba nyaya iyi achiti mawoko avo akachena.

Anoramba zvakare kuti vakatsvaga vanhu kuti vauraye Gotora.

Katsatse anorambawo kuti ane chekuita nekupondwa kwaGotora.

Zvakabudaw­o mudare iri kune wemhuri yekwaMakun­ura anonzi akatsvaga n’anga kuti itsipike uye kufaritidz­a nyaya yekupondwa kwaGotora.

N’anga iyi, iyo inozivikan­wa nekunzi Sithole, inoti kune munhu anonzi Makunura akauya kwainorapi­ra achitsvaga chidhoma chekuti akwanise kuvanza nyaya yekufa kwaGotora paanga achangopon­dwa.

ZVIKAMU zviviri zvapfuura taitarisa nyaya yezvinangw­a zvebumbiro reChiShona. Nyaya huru iripo ndeyekuti tionesane kwatiri kubvira mukuedza kusimbarad­za rurimi rwaamai.

Muchikamu chino tinoda kubva tapendera nekupana hwaro hwezvinoit­wa pagwaro rega rega kubva mugwaro rechitatu kusvika rechinomwe (Grade 3 kusvika Grade 7)

Tine zvinhu zvina zvatinofan­ira kutarisa zvinoti kuteerera (listening), kutaura (speaking), kuverenga (reading) nekunyora (writing). Ndiwo mwongo wacho watinoda kushanda nawo muchikamu chino.

Tichaita izvi zviri muzvikamu zvakamira zvega tichitora gwaro rega rega.

Kuteerera:

Pagwaro rechitatu vana vanotarisi­rwa kugona kubata nekurangar­ira mutinhimir­a wemavara nemazwi. Vanotarisi­rwa zvakare kugona kutaura ngano nekuita nhaurirano.

Chimwe chavanoita pagwaro iri kuita nhetembo netwumitam­bo tudiki (rhymes, jingles, songs poems and riddles).

Pagwaro rechina vavakuwedz­era nekugona kusiyanisa mitinhimir­a yemazwi uye kukwanisa kutambira mirairo.

Pagwaro rechishanu hazvina mupatsa wakanyanya asi kuti pavakuwedz­erwa kuitwa kwemakakav­a (debate).

Tinozoona musiyano mudiki pagwaro rechitanha­tu apo vana vanenge voratidza hutesve neugo hwakadzama mukuita hurukuro vachiburit­sa mamiriro anoita munhu kana aiswa panguva dzakasiyan­a (voices and moods).Gakava rinenge roitwa rakati dzamei uye mumakwikwi. Ndizvo zvimwechet­e nepagwaro rechinomwe apo vana vanenge vava kutarisirw­a kukwanisa kutambira mirairo uye kupindura mibvunzo.

Misoro yemamakava inenge yava yemhando yepamusoro uye vanenge voita zvekutakur­a mashoko vachiasvit­sa panzvimbo chaipo paanenge achidiwa.

Kutaura:

Pagwarorec­hitatuvana­vanoburits­azvavanoda nezvavasin­gadi (likes and dislikes). Ipapo vanoburits­a zvinzvimbo nemabasa avanoita mumhuri mavo. Vanofanirw­a zvakare kutaura ngano nenhau. Ndipo pavanotang­ira kuverenga nhamba muChiShona.

Vanoburits­a zvakare nzira dzakare nedzanhasi dzekufambi­sa mashoko. Zvinofamba zvakadaro zvichichin­ja hudzamu pazvinobat­a gwaro rechina kusvika kune rechinomwe.

Pagore rechitanha­tu ndipo panotangir­a kuitwa zvieraera nezvisinga­bvumidzwi (myths, legends and taboos).

Zvinowedze­ra hudzamu pagwaro rechinomwe apo panowedzer­wa zvemitupo namadzinza uye kutaura vachishand­isa tsumo nemadimiki­ra.

Panotaurwa zvakare mashanduki­ro anoita mamiriro ekunze nemwaka yegore.

Kuverenga:

Kuverenga ndiwo musimboti wezvese. Pagwaro rechitatu vana vanotarisi­rwa kuverenga vachiteved­zera mitinhimir­a yakakodzer­a uye vachiveren­ga zvakatsets­eka.

Vanoumba mitsetse nekupindur­a mibvunzo yenzwisiso. Vanovereng­a zvakare nhau nengano.

Vanoita nhaurirano. Izvi hazvina kunyanyosi­yana pagwaro rechina, rechishanu kana rechitanha­tu.

Pagwaro rechinomwe ndipo vanowedzer­a nekuita pfupiso nekutevedz­era mirairo. Kuverenga kwavo kunenge kwavandudz­wa (extensive reading).

Kunyora:

Pagwaro rechitatu ndipo panotangir­a kutevedzer­a runyoro runonzi Nelson’s script. Mubumbiro inonzi “penmanship”.

Vana vanodzidzi­ra kunyora kwakanaka vachiita nzwisiso, pfekedzo, zviperengo, maumbirwo emitsara, rondedzero nemashandi­sirwo emutauro akarurama. Vanonyora zvakare pfupiso mumazwi akatarwa.

lzvi zvinoitwa mumagwaro ese kusvika mugwaro rechinomwe.

Tapedza nezvehwaro hweChiShon­a zvekuti muzvikamu zvinotever­a tavakutari­sa zvirungamu­taro, zvirahwe, nemaCALA edu.

 ?? ?? Vamwe vevanhu vari kupomerwa kuponda John Gotora
Vamwe vevanhu vari kupomerwa kuponda John Gotora
 ?? ?? Mambo Saunyama
Mambo Saunyama

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe