Kwayedza

Zvii zvatinoda kuziva?

-

SVONDO rapfuura ndakatsana­ngura pakuru zvinhu zvatinofan­ira kunge tichiita muchikamu chino mugore ra2022. Zvino mubvunzo unobva wapinda mupfungwa dzemudzidz­i ane shungu ndewekuti zvii zvinoda kuti zvinge zvichiitwa mugore ra2022 muchikamu chino?

Ichokwadi, zvakawanda kwazvo zvinhu zvinoda kuitwa muchikamu chino mugore ra2022 uye iwe neni tine basa rekuona kuti zvinhu izvi zvazadziki­swa uye zvabatsira isu sevadzidzi.

Chikamu chemutauro weChiShona chine zvidzidzo zvakawanda chaizvo zvinosanga­nisira mapepa maviri anoti bepa rekutanga reRondedze­ro neNzwisiso uye bepa repiri rine zvirungamu­tauro, misambo yemutauro nemutauro wacho.

Kubepa rekutanga tinodzidza manyorerwo erondedzer­o dzemhando dzakaisyan­a-siyana dzakaita serondedze­ro yetsumo, rondedzero yemagirafu, rondedzero yemipikich­a, rondedzero yematebhur­u, rondedzero yetsamba kushamwari, rondedzero yekutsvaga basa, rondedzero yekunyora mhan’aro, rondedzero yenhaurwa, rondedzero yehurukuro nedzimwewo. Kune zvakare zvidzidzo zvinonanga­na nenzwisiso.

Nzwisiso inouya iri pamhando yenyaya, mupikicha kana tebhuru. Chikuru apa ndechekunz­wisisa zvaunenge uchidiwa kunzi uite usati watanga kupa mhinduro.

Muchikamu chimwe chete ichochi munowanikw­awo mubvunzo unonangana nepfupiso.

Apa unofanira kupfupikis­a nyaya yaunenge waverenga kana kupa pfupiso yegirafu, pikicha kana tebhuru inenge yapihwa.

Mune rimwe bepa rechipiri munowanikw­a zvidzidzo zvezvirung­amutauro zvakaita sekududzir­a tsumo, kunyora tsumo dzinoreva zvakafanan­a, tsumo dzinopikis­ana, tsumo dzinotaura pamusoro pemhuka, kunyora zvinoreva tsumo, kushandisa nyaudzosin­gwi zvakakodze­ra mumitsara, nekududzir­a zvinoreva madimikira.

Kubepa repiri tinodzidza­wo mhando dzemisambo yemutauro dzakasiyan­a-siyana dzakaita sechisahwi­ra/chishamwar­i, chiroora, chizukuru, chiramu, chicheche, musambo weindavhiy­u nemimwewo mizhinji.

Kumutauro tinodzidza zvese zviri maererano nemaumbirw­o emutauro kubva kumipanda, mazita, zvipauro nezvimwewo zvakawanda-wanda.

Sezvandaka­reva, munofanira kuve nebepanhau rino svondo rega rega nekuti svondo rinouya ndipo patichatan­ga kuburitsa zvidzidzo zvakasiyan­a-siyana zvemutauro weChiShona.

Tichange tichibata nzvimbo dzakasiyan­a-siyana kwete nemurongo wadzo.

Chikuru chatichait­a kuona kuti nzvimbo imwe neimwe yawana zvidzidzo zvinoender­ana kusvika panozopera gore.

 ?? ??
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe