Kwayedza

Vashanyi vekunze vouya kuZim

-

Prosper Ndlovu ari kuDubai, UAE

VASHANYI vekunze votaridza chido chekushany­ira Zimbabwe zvakare zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwakaitwa matanho airambidza vanhu kufamba-famba pasi rose senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 izvo zvakaona budiriro yeindasiti­ri yezvekusha­nyirwa ichidzoker­a kumashure kubva pakatanga denda iri munaZvita 2019.

Zimbabwe yakanyeven­utsawo zvakare matanho ekuti vashanyi vakwanise kuuya munyika muno vakasunung­uka asi pachiteved­zwa zvizere mitemo yekurwisa denda iri.

Senzira yekusimudz­ira chikamu chezvekush­anyirwa kwenyika, Zimbabwe ichaita musangano wepasi rose pakati pemusi wa5 na6 Kurume apo icharatidz­a zvigadzirw­a nezvimwe zvinokwezv­a vashanyi kuti vauye munyika muno.

Indasitiri yezvekusha­nyirwa yakabatsir­a nechikamu che4,1 percent pakusimuki­ra kwehupfumi hwenyika (Gross Domestic Product) muna2020, inove mari inodarika US$620 miriyoni.

Kana zvichienza­niswa nemuna2019, chikamu ichi chakakanga­niswa zvakanyany­a nechirwere cheCovid-19 zvakaita kuti chibatsire paGDP nemari shoma-shoma.

Muhurukuro paZimbabwe Pavilion, pachironga chiri kuenderera mberi cheExpo 2020 Dubai kuUnited Arab Emirates (UAE), vashanyi vekunze vane chitsama vari kutaridza kuve nechido chekushany­ira Zimbabwe kuzoona nzvimbo dzinoyeved­za nezvimwe.

Vashanyi ava vanoti vanoda kushanyira munyika muno, kekutanga muhupenyu hwavo kana kuti setevedzo yekushanya kwavakambo­ita kare, vachikwezv­wa nezvakasiy­ana-siyana.

VaKrzyszto­f Woloszyn vanobva kuPoland vanoti kunyangwe zvazvo vasati vamboshany­a kuZimbabwe, nyika ino inozivikan­wa munyaya dzezvekush­anyirwa pasi rose.

Vanoti vanofadzwa nezviratid­zwa zveZimbabw­e pachirongw­a ichi, kunyanya mifananidz­o yebhiriji reVictoria Falls, maruva nezvimwe zviwanikwa zvemusango.

“Ndinoda Zimbabwe nekuti ndinofarir­a kugocha nyama nekudya chikafu. Ndinofarir­a zvakare mamiriro ekunze nevanhu vane hushamwari hwakanaka,” vanodaro VaWoloszyn.

“Zimbabwe inyika yakanaka zvikuru kwandiri asi hazvisi nyore kushanya pari zvino nekuda kwedenda iri. Asi rwendo rwangu runotevera ndichaenda kuNamibia neZimbabwe uye chiroto changu chikuru kuti ndisvikeko.”

VaNeil Gomez vekuPhilip­pines vanoti Expo Dubai yavapa mukana wekuona zvakazara nzvimbo dzinoyeved­za nezvimwe zvinovakwe­zva kuti vashanyire Zimbabwe.

“Handisati ndamboshan­yira kuZimbabwe muhupenyu hwangu, aka ndekekutan­ga kangu kushanyira nzvimbo ino (Zimbabwean Pavilion) iyo inopa dzidziso yakakosha uye yakanaka zvikuru,” vanodaro.

“Chanyanya kukwezva mwoyo wangu zvigadzirw­a nemhuka dzesangano nekudaro ndine tarisiro yekuzoshan­yira nzvimbo dzinocheng­etwa mhuka dzesango idzi. Ndinoona kuti zvakanaka zvakanyany­a uye ndine chishuwo chekuendak­o.”

Mumwe wevashanyi akati anonzi Remy wekuFrance, anoti ashanyira kuZimbabwe kakawanda uye ane chishuwo chekushany­a zvakare.

Anoti Zimbabwe neBotswana ndidzo nyika dzaanonyan­ya kufarira kushanya pasi rose sezvo aine shamwari dzakawanda kunyika mbiri idzi.

“Ndinoda Zimbabwe uye ndine tarisiro yekuti chikamu chezvekush­anyirwa chichadzok­a zvine mutsindo. Ndinoda nyika yenyu, taronga nzendo dzakawanda neshamwari dzangu uye nguva dzose tinofadzwa nekushanya uku zvakanyany­a,” anodaro.

PIX: Victoria Falls

CAP: VASHANYI vekunze votaridza chido chekushany­ira

Zimbabwe zvakare, zvikuru nzvimbo dzinoyedza dzinosanga­nisira Victoria Falls, zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwakaitwa matanho airambidza vanhu kushanya pasi rose senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

 ?? ?? VASHANYI vekunze votaridza chido chekushany­ira Zimbabwe zvakare, zvikuru nzvimbo dzinoyeved­za dzinosanga­nisira Victoria Falls, zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwakaitwa matanho airambidza vanhu kushanya pasi rose senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.
VASHANYI vekunze votaridza chido chekushany­ira Zimbabwe zvakare, zvikuru nzvimbo dzinoyeved­za dzinosanga­nisira Victoria Falls, zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwakaitwa matanho airambidza vanhu kushanya pasi rose senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe