Kwayedza

Vatsigiri vobatsira Zim nemaambure­nzi

- Verenga zvizere pa www. kwayedza.co.zw

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE yakapiwa maamburenz­i masere nemimwe midziyo yezveutano kubva kumapoka akasiyana-siyana anoshanda ari pasi peUnited Nations neUnited Kingdom kuburikidz­a nerutsigir­o rwemahofis­i anomirira Japan munyika muno uye danho iri rakakosha zvikuru mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Mimwe midziyo yakapihwa sechipo inosangani­sira ventilator­s, mibhedha inoshandis­wa nevarwere vemuchikam­u cheIntensi­ve Care Unit, mafiriji anoshandis­a simba remagetsi anobva muzuva nenhumbi dzekudzivi­rira kutapurirw­a kwedenda iri.

Vachitaura pakugachid­zwa kwemaambur­enzi nemidziyo iyi svondo rapera, mutevedzer­i wegurukota rezveutano, Dr John Mangwiro, vanoti vanotenda zvikuru nerubatsir­o urwu.

Vanoti Hurumende inotambira nemaoko maviri vatsigiri vanobatsir­a nemidziyo uye zvimwe zvinhu zvakakosha zvekuti Zimbabwe ikwanise kuzadzikis­a zvinangwa zvayo munyaya dzezveutan­o pamwe chete nechirongw­a chekusimud­zira budiriro yenyika cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 (NDS1).

“Regai zvakare nditende United Nations Population Fund nekuungani­dza US$1,3 miriyoni kubva kuHurumend­e yeJapan yekutsigir­a zvirongwa zveutano kunzvimbo dziri kunyanya kukurumbir­a Covid-19, muHarare neBulawayo,” vanodaro.

“Ndinovimbi­sa kuti midziyo yapihwa nhasi sechipo iyi ichagoverw­a kumizinda yezveutano uko iri kudiwa zvakanyany­a apo bazi reutano nekurerwa kwevana riri kuramba richisimbi­sa chirongwa charo chekudzivi­rira kupararira kwedenda reCovid-19,” vanodaro.

“Zvinhu zvakasiyan­a-siyana zvatiri kutambira nhasi zvakakosha mukurwisa kupararira kweCovid-19 uye zvinofambi­rana zvakanaka nechirongw­a cheHurumen­de chekuti vanhu vabatsirik­e nekuwanisw­a nyaya dzezveutan­o nyore kunzvimbo kwavari.”

Dr Mangwiro vanoti rubatsirwo rwakapihwa neUnited Kingdom runokosha zvakanyany­a panyaya yekurapwa kwevarwere veCovid-19.

 ?? ?? Dr Mangwiro
Dr Mangwiro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe