Kwayedza

‘Ibasa remunhu wose kuchenesa nharaunda’

-

Munyori weKwayedza VERUZHINJI, makambani akazvimiri­ra pamwe nemasangan­o akasiyana-siyana vokurudzir­wa kuti vakoshese mashoko emutungami­riri wenyika President Mnangagwa ekuti vapinde muzvirongw­a zvekuchene­sa nharaunda kuitira kuti munzvimbo dzavari mugare makatsvind­a sezvo izvi zvichibats­ira kudzivirir­a kunyuka kwezvirwer­e zvinosanga­nisira Covid-19.

Vashandi vemuhofisi yemutungam­iriri wenyika nedare reCabinet svondo rapera vakatsvair­a pamwe nekunhonga marara kuHarare Gardens izvo zvakaita kuti nzvimbo iyi isare yakachena zvikuru.

Vachitaura pachirongw­a ichi, Chief Secretary to the President and Cabinet, Dr Misheck Sibanda, vanoti zvirongwa zvekuchene­sa nharaunda hazviitwe neHurumend­e chete asi kuti nevemakamb­ani uye masangano akazvimiri­ra.

“Tinokurudz­ira masangano ose kuti atevedzere zvakataurw­a naPresiden­t venyika uye tinofanirw­a kuzviita pamwe chete zvichiende­rana nezvavatau­ra,” vanodaro Dr Sibanda.

“Sekuziva kwedu tose, izvi ndizvo zvakataurw­a naHis Excellency the President kuti musi weChishanu woga-woga wekutanga kwemwedzi tinofanirw­a kuchenesa nharaunda dzedu apo tinoona kuti hapana kutsvinda zvichiteve­ra kusaitwa kwebasa iri nevanofani­rwa kuriita.

‘Tinoziva kuti vanhu vakange vapfuudza chirongwa ichi kumberi nekuda kweCovid-19 kwenguva inoda kukwana gore rose, asi mwedzi wadarika President vakati sezvo mamiriro ezvinhu achitaridz­a kuti ari kuenda achidzikam­a, yave nguva yekuti tichatanga zvakare,” vanodaro Dr Sibanda.

Gurukota rezvemigod­hi nekusimudz­irwa kwezvicher­wa, Cde Winston Chitando, vakapindaw­o muchirongw­a chekuchene­sa nharaunda ichi uye nemamwe mapoka anosangani­sira Minerals Marketing Corporatio­n of Zimbabwe avo vakatsvair­a panzvimbo yezvitoro kuMsasa muguta reHarare.

Kambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimbabwe Newspapers Limited (Zimpapers) yakapindaw­o muchirongw­a ichi apo yakatsvair­a nekunhonga marara mukati meguta reHarare.

Vashandi vekambani iyi vakatsvair­a marara mumugwagwa waGeorge Silundika Avenue pakati peFirst Street Mall naSam Nujoma Street.

Vachitaura pachirongw­a ichi, mupepeti mukuru weThe Sunday Mail, Mai Victoria Ruzvidzo, vanoti sekambani inoita nezvenhau vanofanirw­a kuve papemberi muchirongw­a chekuchene­sa nharaunda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe