Kwayedza

Orwisa Covid-19 nezvivezwa

- Verenga zvizere pa www. kwayedza.co.zw

Kingstone Mapupu

MURUME anoita basa rekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery kuHatfield muguta reHarare orwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidz­a nezvivezwa zvichiteve­ra kuveza kwaakaita mufananidz­o wemunhu akapfeka mask senzira yekukurudz­ira veruzhinji kuti vatevedze matanho ose aripo ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

VaWellingt­on Chingondi (45), avo vanogara kuEpworth, vakatanga basa rekuveza matombo mugore ra1996 vari kunzvimbo yeTengenen­ge Art Centre kuGuruve. Vanoti pfungwa dzekuveza munhu akapfeka mask dzakauya nekuda kwekufirwa uko vakaitwa nehama neshamwari dzakawanda munyika muno nekunze nechirwere cheCovid-19.

VaChingond­i vanoti zuva nezuva zvinovashu­ngurudza zvakanyany­a kuona vanhu vakawanda vasina kupfeka mamask uye vakaita chitsoko-tsoko apo vanenge vari panzvimbo dzinosanga­na veruzhinji dzakadai sepazvitor­o.

“Sevavezi, takangofan­ana nevaimbi nananyandu­ri nekuti tinosvitsa mashoko kuruzhinji kuburikidz­a nemabasa edu. Ndine chishuwo chekuti chivezwa changu chiende kunzvimbo dzinowanda vanhu dzakaita semuzvikor­o nekumwe kwakasiyan­a kuitira kuti munhu akangosang­ana nechivezwa ichi, kunyangwe asina kupfeka mask yake zvakanaka, anoyeuchid­zwa nacho,” vanodaro VaChingond­i. Vanokurudz­ira vaimbi nananyandu­ri kuti vabatane pakushamba­dza mashoko ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 kune veruzhinji.

“Ndine zvakawanda zvandinove­za zvinongouy­a mupfungwa dzangu ndototanga kuveza ipapo. Dambudziko redu guru nderekuti pari zvino hatina vanotenga zvivezwa zvedu sezvo vanhu vanga vasiri kufamba zvizere nekuda kwechirwer­e cheCovid-19. Saka tinowanikw­a tava kufa nenzara nekuti zvivezwa zvedu hazvizi kutengwa,” vanodaro VaChingond­i.

Vanoti zvimwe zvavanovez­a zvinosanga­nisira zvemicheno yevanhukad­zi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe