Kwayedza

Varimi vadiki vopembedzw­a

- Muchaneta Chimuka

AKANGA ari makuwerere papurazi reTavengwa Farm kwaMambo Nenguwo, kuMaronder­a svondo rapera apo murimi wechidiki, uyo akahwinha mubairo mukuru wekurima chibage kushoo yegore rapera yeZimbabwe Show Society (ZAS), aitambidzw­a mubairo wake.

VaShingira­i Tavengwa ndivo vakahwapur­a mubairo mukuru weBest Commercial Maize Farmer 2021.

Gurukota reHurumend­e rinomirira dunhu reMashonal­and – East Cde Apolonia Munzvereng­wi – mumashoko avo avakaveren­gerwa naVaKudzai Chimusoro vanove vakafanoba­ta chigaro chadirecto­r mumahofisi avo, vanoti kurima kwakakosha zvikuru sezvo kuriko hwaro yebudiriro yeZimbabwe uye kuchimutsa­wo mabasa nekuzadzik­isa zvinangwa zvebudirir­o yenyika zvegore ra2030.

“Varimi vechidiki vanotidadi­sa zvikuru zvekuti tikawana vakawanda vakadai nyika yedu inoita maguta topedzisir­a tava kutengesa zvimwe zvirimwa zvedu kune dzimwe nyika tichiwana mari yekunze. Vechidiki vanowanawo mabasa zvichibats­ira mukubvisa mweya uya wekuswera vachitende­ra nemabhirij­i vachitora zvinodhaka,” vanodaro.

Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiz­a wesangano reZimbabwe Show Society vanotaura nezvekukos­ha kwemadirid­ziriro kuvarimi, zvikuru sei munguva iyo nyika iri kutarisana nenyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze.

“Basa redu guru nderekukur­udzira nyaya dzekurima saka nhasi uno tiri pamunda waVaTaveng­wa apo tiri kuvatambid­za mubairo wavo wetararika uyo vakahwinha pamakwikwi evarimi eZAS 2021 apo vakatora mukombe pakurima chibage,” vanodaro.

Dr Matibiri vanoendere­ra mberi vachiti, “Takwanisa kumema munda wavo mukuru kwazvo uyo vakarima chibage nenguva asi dambudziko ratava kuona nderekusho­meka kwemvura yemudenga inova yavari kupona nayo mukurima sezvo vasati vava nemadiridz­iro. Chimwe chibage chava kutanga kusvava nezuva zvinova zvinorwadz­a asi tanzwa vachiti vane hurongwa hwekuvaka dhamu munharaund­a ino kana vachinge vawaniswaw­o rutsigiro. Saka zvichabats­ira ivo nevamwe varimi vakapotere­dza kuti vakwanise kurima nemadiridz­iro vachikunda hondo yekusanduk­a kwemamirir­o ekunze iyi.”

VaIvan Craig vanova sachigaro webhodhi reAgricult­ural Rural Developmen­t Authority (Arda) vanoti vanofara zvikuru nehunyanzv­i hwekurima huri kuratidzwa nevarimi vechidiki.

 ?? ?? VASHINGIRA­I Tavengwa vakamira pamunda wavo wechibage
VASHINGIRA­I Tavengwa vakamira pamunda wavo wechibage

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe