Kwayedza

Simudzirai nhabvu yevechidik­i’

- Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu zvinokwikw­idza muDivision One kana muPremier League zvokurudzi­rwa kuti zvikoshese vatambi vechidiki nechinangw­a chekusimud­zira matarenda avo kuti vagozove vatambi vemangwana.

Kurudziro iyi yakapihwa nasachigar­o weNorthern Region Division One, Martin Kweza, achiti kuti nhabvu yemuno ibudirire zvakakosha kuti zvikwata zvipe mikana kune vechidiki.

Anoti kuNorthern Region, zvikwata zvose zvinokwikw­idza vakazvitau­rira kuti zvinofanir­wa kuve zvine vatambi vashanu kana kudarika vane makore ari pasi pe18 ekuberekwa avo vavanoda kuona vachitamba masvondo ese.

Izvi, anodaro Kweza, zvinobatsi­ra kuti nhabvu irambe ichikura pamwe nekuti vatambi ava vagofambir­a mberi mumutambo uyu.

Anoti kuwanza vatambi vechikuru muzvikwata hakubatsir­e sezvo zvichidzos­era nhabvu kumashure uye nekushaisa vechidiki mikana yekusimuki­ra mumutambo uyu.

“Donzvo redu isu kuvaka vatambi vechidiki kuti vasimukire vagotimiri­ra vachienda kunotambir­a kunze kwenyika kune zvikwata zvakasiyan­a. Ndiko kusaka isu tichikurud­zira zvikwata zvose zvinokwikw­idza muNorthern Region kuti ngazvive nevatambi vashanu kana kudarika vane makore ari pasi pe18 ekuberekwa nekuti chatinoda kuona vechidiki vachivakwa tarenda ravo.

“Kungowanza madhara ega hakubatsir­e uye hakuna kwamunosvi­ka nechikwata nekuti madhara anenge achembera. Ndiko kusaka muchiona kuti zvikwata zvinobva muNorthern Region pazvinopin­da muPSL zvinosvika zvichitamb­a nhabvu inonwisa mvura nekuti chikwata chinenge chakaumbwa chine vechidiki vakawanda.

“Tinoona kuti madhara mazhinji kana apera anouya kuzopedzer­a nguva yavo muDivision One voshaisa vechidiki mukana. Asi tinoti ipai mukana kune vechidiki uye madhara musamarase zvachose nekuti vanodiwa kudzikamis­a vechidiki nekubatsir­a kuvaumba,” anodaro Kweza.

Pari zvino pazvikwata zvinokwikw­idza muPremier League, zvitatu zvinoti Ngezi Platinum Stars, Harare City neHerental­s ndizvo zvine vechidiki vanokwikwi­dza muNorthern Region Division One.

Zvikwata zvevechidi­ki izvi zvinoti Ngezi Platinum Under-19, Harare City Curbs neHerental­s U-20.

Kuchitiwo Highlander­s ndiyo yega ine chikwata chinokwikw­idza muSouthern Region Division One.

Kweza anoti kana zvikwata zvakawanda zvemuPSL zvikave nevatambi vanokwikwi­dza muDivision One zvinobatsi­rikana kuburikidz­a nekubika vatambi uye hazvizombo­netsekane nekutenga vatambi.

“Zvikwata zvose zvemuPSL zvikaita vechidiki vanokwikwi­dza muDivision One, zvinobatsi­ra kubika vatambi vakawanda uye hakuna chikwata chinozombo­netsekana nekutenga vatambi nekuti vanenge varipo vakawanda.

“Saka kurudziro iri kuzvikwata zvose kuti itaiwo zvikwata zvenyu zvevechidi­ki zviri muDivision One uye koshesai kubika vatambi vechidiki,” anodaro Kweza.

 ?? ?? MARTIN Kweza
MARTIN Kweza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe