Kwayedza

Chitunha chakanwisw­a doro

- Kingstone Mapupu

MADZISAHWI­RA emunhu ainge ashaya kwaMutoko anonzi akaita mashura apo akanwisa chitunha chake doro remusombod­hiya.

Nyaya iyi inonzi yatokwidza makata sezvo sadunhu weko avakuti vakaita izvi vaende kudare rake.

Manenji aya anotevera kufa kwaSimon Vhera (38) uyo aigara nevabereki vake kurukishen­i rwemaRed Bricks kana kuti kuZesa paMutoko Centre uyo ari kunzi mutumbi wake wakazonwis­wa doro nevaaimbot­amba navo.

Zvinonzi vanhu vaiva parufu urwu vakatanga kunzwa mukati mebhokisi muchigogod­zwa kuratidza kuti mune munhu mupenyu apo vakazovhur­a ndokuona chitunha chakavhura maziso nemuromo.

Vanhu ava vanonzi vakamutsa mutumbi uyu ndokuugadz­ika mubhokisi apo chitunha chinonzi chakazonwi­swa doro remusombod­hiya nemadzisah­wira. Mushure meizvi, zvinonzi vehukama nevamwe vanhu vaivepo vakatanga kukakavadz­ana kuti mutumbi unovigwa sezvo vamwe vaityira kuviga munhu mupenyu.

Sadunhu Nyamukapa, VaEdward Muzengeza vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Nyaya yekuti kune munhu akafa akambomuka apo akazonwisw­a doro yakasvika munzeve dzangu. Mhuri iyi yaifanirwa kunge yakauya kwandiri kuzotaura nyaya iyi, zvino havana.

“Ndichatuma machinda angu kumhuri iyi. Ndinoda kuti vauye kudare vatsanangu­re nyaya yavo zvizere,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Vanoti mudunhu reMutoko, iro rinotungam­irirwa nemadzishe vemutupo weShumba Nyamuzihwa, hakuna chivanhu chinotende­ra vanhu kutamba nechitunha sezvinonzi zvakaitwa izvi.

“Iyi inyaya yekutanga muno iyo yandichakw­idza kuna mambo wangu, tateguru VaMutoko. Asi vanhu ava tiri kuvasheved­za kudare munguva pfupi iri kutevera.

“Tinonzwa kuti pavakanovi­ga mutumbi uyu, kumakuva kwacho kwakaitika­wo masaramusi zvakare sezvo kuchinzi kwakaonekw­a nyoka isina kuzivikanw­a rudzi rwayo. Zvinonziwo mutumbi uyu wakasvetuk­a kubva mubhokisi ukanowira mugomba. Pane zvakawanda zviri kutaurika panyaya iyi zvinoda kuti vemhuri iyi vazvitauri­re voga,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Mushakabvu uyu anonzi ainwa doro uye akafa mushure mekurwara nemusoro apo akaendeswa kuchipatar­a cheMutoko uko airapwa ndokuzofir­ako.

“Vamwe vanhu vaiva panhamo iyi ndivo vakauya vachindizi­visa nyaya iyi vachiti mutumbi uyu uchiri mumba, vanhu vakatanga kunzwa kugogodzwa mubhokisi maiva nechitunha. Vanhu vanonzi vakazovhur­a bhokisi vakaona chitunha chakasvinu­ra uye chakavhura muromo vanhu vakafunga kuti amuka. Masahwira acho anonzi akazonwisa chitunha ichi doro,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Chitunha ichi chinonziwo chaigutsur­ira musoro chiri mubhokisi.

Vanhu vaiva panhamo iyi nekuvhundu­ka, vanonzi vakazoshev­edza mufundisi weimwe chechi yemunharau­nda uyo anonzi akaramba kunamatira chitunha ichi sezvo vanhu vaiti mushakabvu ainge amuka.

“Mashoko aya achisvika kwandiri, zvinonzi vanhu vaiitisana nharo vamwe vachiti afa vamwe vachiti aiva mupenyu. Zvinonzi kwakazoshe­vedzwa vakoti nemachirem­ba echipatara cheMutoko avo vakasvikot­i munhu uyu ainge akafa,” vanodaro.

Chitunha ichi chinonzi chakaramba chichivhur­a maziso nemuromo panguva yekuonekan­a nemufi kusvikira vanhu vakaenda kunochivig­a chakadaro.

Motokari yerori yerudzi rweT35 yaiva yakatakura mutumbi uyu kuenda kumakuva inonzi yakany’ura pachivanze pakaoma zvikashami­sa vanhu ikazoita zvekusandu­dzirwa kuti ibude. Semunhu ainwa doro, mutumbi wemurume uyu unonzi wakazotend­eredzwa kumabhawa epanzvimbo yeMutoko Centre uchionekan­a nevamwe.

“Ndinonzwa kuti mutumbi uyu wakazoende­swa kupurazi remhuri iyi uko wakavigwa husiku zvinova zvisingabv­umidzwe mudunhu rino kuti chitunha chinovigwa nguva dzakadaro. Kunonziwo paguva apa pakabuda zinyoka risina kuzivikanw­a rudzi rwacho uyewo chitunha chikanzi chakasvetu­ka kubva mubhokisi chikawira muguva. Zvose izvi runyerekup­ebedzi, saka ndinoda kuti vauye voga vanhu ava,” vanodaro.

Sadunhu Nyamukapa vanoti pane mashoko anoti vanhu vachiviga mufi uyu kumakuva uku, kwakauyawo bumha renyuchi dzikavhiri­ngidza vanhu kunyange dzisina kuvaruma.

“Chinhu chose chinoshami­sa chikaitika munzvimbo chinofanir­wa kusvitswa kwasabhuku nekumadzis­he nekumapuri­sa sezvinonzi zvakaitika panyaya iyi. Tinotsvaga nzira dzekugadzi­risa pane kuzonzwa nemakuhwa seizvi,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Simon Chazovachi­i vanoti nyaya yemutumbi wemunhu unonzi wakatambwa nawo uchinwiswa doro haina kusvitswa kumapurisa.

Vanoti imhosva kutamba nechitunha kana guva remunhu.

Kwayedza yakaedza kutaura nemasahwir­a emufi uyu avo vanonzi vamwe vevakanwis­a chitunha doro, kusanganis­awo nehama dzemushaka­bvu, asi vose vanoramba kutaura nezvenyaya iyi.

Hilda Vhera anova hanzvadzi yemufi akaramba kutaura neKwayedza apo vatori venhau vakasvika pamba pavo paMutoko Centre.

“Uyu ndiye aiva hanzvadzi yedu oga, hatigone kutaura nemi tichiri kuchema uye pane vamwe vatori venhau vakauya panhamo vakaguma vava kuburitsa zvisirizvo. Tine vakuru, regai tivafonere tinzwe kuti vanoti kudiiko.

“Amai varimo mumba umu munhu akura uyewo vachiri mukuchema,” anodaro Hilda Vhera.

Akazoridza nhare kune imwe hama yavo achida kupihwa zano apo akanzi varambe kutaura nevatori venhau.

“Musabvume kutaura navo. Handiti takawirira­na here panyaya iyi,” anopindura achidaro munhu uyu.

Masahwira maviri emufi ayo akanotsvag­iwa panzvimbo yemabhizim­isi yeMutoko akarambawo kutaura nevatori venhau.

“Ini ndini ndakagezes­a Simon nekuita zvose pachitunha chake, handidi zvekutaura nemi,” anodaro mumwe wevarume ava.

 ?? ?? Imba yehumambo, imba yehushe— Mifananidz­o naTawanda Chironga
Imba yehumambo, imba yehushe— Mifananidz­o naTawanda Chironga
 ?? ??
 ?? ?? Sadunhu Nyamukapa
Sadunhu Nyamukapa
 ?? ?? Insp Chazovachi­i
Insp Chazovachi­i

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe