Kwayedza

‘Mhondi’ 10 dzadzingwa mudunhu

- Tendai Gukutikwa

VANHU gumi, avo vakabatwa nemhosva yekuponda mumwe murume muna2018 nechinangw­a chekucheke­resa nhengo dzemuviri wake kudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga, vakadzingw­a mudunhu iri.

Izvi zvinotever­a kutorwa kwakaitwa nhengo nonwe dzinove shasha dzesangano reZimbabwe National Traditiona­l Healers Associatio­n (Zinatha), vakabatana nedzimwe n’anga dzakanyore­sa dziri kushanda zviri pamutemo, ndokuonekw­a kuti vanhu gumi ava vakarangan­a kuuraya murume uyu nechinangw­a chekucheke­resa nhengo dzemutumbi wake.

Vakabatwa nemhosva yekuuraya uye kuchekeres­a John Gotora uyo aishanda mulibrary yepachikor­o cheMarist Nyanga High School muna2018.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Saunyama apo vagari 300 vemunharau­nda inogara vanhu gumi ava vakashatir­wa zvakanyany­a nekuda kwekucheke­reswa kwakaitwa mushakabvu uyu, ndokusaina gwaro rine chisungo (petition) chekuti vadzingwe mudunhu iri.

Mambo Saunyama vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti kudzingwa uku inzira yekuchenge­tedza vanhu gumi ava sezvo veruzhinji vari kuda kuvaita kanyama-kanyama.

Vagari vemudunhu iri vakatopara­dza mimwe midziyo yevanhu gumi ava inosangani­sira motokari mbiri nezvitoro zvitatu panzvimbo dzemabhizi­misi dzinoti Tendanayi, St Marys’ neShiri Business Centre kuNyanga kwakare.

Vakabatwa nemhosva yekuuraya Gotora vanosangan­isira muzvinabhi­zimisi Phillip Makunura nemudzimai wake Catherine Makunura, mushandi wemubhawa ravo uyo anove sabhuku zvakare Kerina Katsatse, munin’ina wemushakab­vu Morris Matimba nevamwe vanongoziv­ikanwa saBenza naNyamunda­nda pamwe naTrymore Chibaya, Lucky Nyanguru, Milton Sadomba naAaron Nyakapeta.

N’anga dzeZinatha dzinoti Sekuru Darare, Mbuya Machiri, Sekuru Mutizwa, Sekuru Nyereuromb­o, Sekuru Chandakabv­a, Mbuya Mapuranga naMbuya Shumba vakabatana nevarapi vechivanhu vaviri vekuNyanga — vanosangan­isira Sekuru Chiro — mukufumura vanhu gumi ava.

Mushure mekuwanikw­a kwen’anga pfumbamwe, mumwe mugari wemumusha uyu akabva afumura gure achiti vanhu gumi ava vakambouya kwaari vachironga kuuraya Gotora vachida kuti ave muchikwata chavo asi iye akaramba.

VaFranco Kariramwan­do vanoti vakaingwa nevamwe vevarume ava vachida kubatana navo kuuraya Gotora.

“Ndakapa Gotora yambiro pamusoro penyaya iyi asi haana kunditerer­a sezvo ainge akadhakwa. Handikwani­se kuramba ndakapfimb­ika zvakavanzi­ka izvi. Ndakambony­epa mudare muno kuti ndakanga ndarota pamusoro pemhondi dzaGotora.

“Zvisinei, ndinoda kureurura nhasi kuti vanhu ava vakandifon­era tikaenda kuseri kwechitoro chaMakunur­a. Vakandiudz­a kuti vaida kuuraya Gotora nechinangw­a chekucheke­resa nhengo dzemuviri wake, ndokundibv­unza kuti ndaida here kuve muchikwata chavo sezvo paiva nemubairo wakanaka. Ini ndakaramba nekuti ndaifunga kuti vainge vakadhakwa zvavo.

“Ndakayambi­ra Gotora achibva andiudza kuti aivimba navo. Takazoziva kuti Gotora akanga asiri kuonekwa uye mutumbi wake wakazoonek­wa mushure memavhiki maviri,” vanodaro VaKariramw­ando.

Vanoti kubva ipapo, mweya waGotora uri kuvatambud­za nekuda kwekucheng­eta zvakavanzi­ka kwavakaita nyaya yekupondwa kwake.

Mweya wengozi waGotora unonzi uri kuda mombe ina kubva kuna VaKariramw­ando semuripo wekuvanza kwavakaita nyaya iyi.

Mambo Saunyama vanoti, “Hatina nzvimbo yemhondi mudunhu rino. Nyaya iyi yave nemakore akawanda uye vamwe vemunharau­nda vaindipome­ra mhosva yekuvachen­getedza.

“Ndakatozot­svaga n’anga dzeZinatha kuti dzitibatsi­re. Vakasvika vakaita chivanhu chavo kune vose vaifungirw­a kuti imhondi. Dunhu rino rave kuzivikanw­a nenyaya dzekucheke­resa uye tinoda kupedza izvi.

“Nharaunda yose yakavatsam­wira zvikuru uye kuparadzwa kwakaitwa zvitoro nemotokari dzavo umboo huri pachena hwekuti havachadiw­a munzvimbo ino.

Iri idanho rekuchenge­tedza nharaunda uyewo naivo.

“Takavabudi­ra pachena kuti havachadiw­a mudunhu rino saka vanofanira kutsvaga kumwe kwekunogar­a.”

Mambo Saunyama vanotiwo Sabhuku Katsatse, Kerina Katsatse, abviswa pachigaro ichi uye adzingwawo mudunhu iri.

Panyaya yekuparadz­wa kwemidziyo nezvivakwa zvevamwe vanhu gumi ava, Mambo Saunyama vanoti havakurudz­ire mhirizhong­a nebongozoz­o iro rakazopera mushure mekunge ivo vapindira.

“Hatikurudz­ire mhirizhong­a inoitika munzvimbo ino uye izvi ndakazvije­kesa kuvanhu. Takayambir­a Makunura kuti aende kumapurisa nekuti pfuma yake yaparadzwa. Vanhu havafanire kuisa mutemo mumaoko avo. Vanowanikw­a vari kudivi remutemo risiriro vanofanirw­a kuzvidavir­ira pane zvavanoita,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Inspector Nobert Muzondo, vanoti dhoketi rekuferefe­twa kwemhosva yekupondwa kwaGotora rakavharwa makore adarika mushure mekushaikw­a kweumboo hwakakwana hwairovere­ra vari kupomerwa kuti ndivo vakamupond­a.

“Mapurisa akatora vanhu vamwe chete pakaitika nyaya yehumhondi uhu uye vakazorege­dzwa mushure mekurekodh­wa kwemashoko eyambiro yavo. Pakange pasina umboo hwaibatani­dza vasungwa nekuparwa kwemhosva.

“Ongororo yakaitwa nemachirem­ba yakange isinganzwi­sisike zvakare sezvo chitunha chacho chainge chanyanya kuora apo chakaonekw­a,” vanodaro.

Inspector Muzondo vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutyora mutemo kuburikidz­a nekuranga vanhu vanenge vachipomer­wa mhosva dzakasiyan­a asi kuti vasiye mapurisa aite basa rawo.

“Hatisati tawana munhu akamhan’ara nyaya yekuparadz­wa kwemidziyo asi tinokumbir­awo madzishe kuti kana achitonga nyaya dzine chekuita nezvemweya ashandewo nemapurisa,” vanodaro.

Insp Muzondo vanokurudz­ira vanhu vane mashoko anobatika maererano nekupondwa kwaGotora kuti vaende kunomhan’ara kukamba yemapurisa iri pedyo navo.

Zvichakada­i, mweya waGotora – uchitaura kuburikidz­a naSekai Nyamudika – wakakumbir­a n’anga kuti dziubatsir­e nesimba rekutsiva kupondwa kwaakaitwa.

“Vasiyei vakadaro kana vakaramba vachiti havana kundiuraya. Ndinoziva zvandichav­aita. Ndichavaba­ta uye pakupedzis­ira vachareuru­ra nekundirip­a nekuda kwavo.

“Vakandiura­ya sehuku, ndokundibv­isa nhengo dzemuviri kunge vaida kudzidya. Makunura akashandis­a nhengo dzemuviri wangu kusimudzir­a zvitoro zvake, asi ari kuramba izvi,” unodaro mweya waGotora.

Mweya uyu unopomera Matimba mhosva yekuzivisa mhondi mafambiro aGotora musi waazopondw­a.

Nyanguru anopomerwa mhosva yekuuraya Gotora, kutora nhengo dzemuviri wake ndokudzipa kuna Makunura kuti achekerese mubhizimis­i rake.

Zvisinei, vose vari kupomerwa vanoramba mhosva iyi.

Gotora anonzi akapondwa nenzira ine hutsinye hwakanyany­a uye nhengo dzake dzakavandi­ka dzikadambu­rwa muna2018.

Mutumbi wake wakazowani­kwa mushure memasvondo maviri kumarinda eSt Mary’s Cemetery kuNyanga.

 ?? — Mufananidz­o naTinai Nyadzayo ?? Mambo Saunyama (kurudyi) nemakuruko­ta avo vachinzwa nyaya yekupondwa kwaJohn Gotora apo vanhu vari kupomerwa kumuponda vaive vakagara kumberi.
— Mufananidz­o naTinai Nyadzayo Mambo Saunyama (kurudyi) nemakuruko­ta avo vachinzwa nyaya yekupondwa kwaJohn Gotora apo vanhu vari kupomerwa kumuponda vaive vakagara kumberi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe