Kwayedza

Mwana (12) aponderwa huku yekukweret­a

- Luthando Mapepa

MURUME wekuChiman­imani anonzi akaponda mwanasikan­a wake wemakore 12 mushure mekumukava pambavhu apo akange aramba kuenda kumba kwemuvakid­zani wavo uko ainge amutuma kunokweret­a huku yenyama yemhando yebroiler.

Thomas Pofana (42) wemumusha waMutingwe­nde kwaSabhuku Ngorima akatomiswa pamberi pemutongi wedare reChipinge Magistrate Court, VaAlfred Chinembiri, achipomerw­a mhosva yekuuraya mwana wake.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye akanzi kana achida bhera akumbire kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi VaIsaac Tangwena vanoti nemusi wa5 Kurume gore rino, Pofana akatuma mwanasikan­a wake, mushakabvu Nyarai, kuti anokwereta huku yebroiler kumuvakidz­ani wavo, Mai Sarah Taruona.

Nyarai anonzi akaramba kuenda kwaaive atumwa nababa vake.

“Pofana akazobva pamba aine vanakomana vake vaviri ndokuenda kwaMai Taruona kunokweret­a huku. Akazodzoke­ra kumba manheru ndokuwana Nyarai akarara pamubhedha.

“Akabvunza Nyarai kuti sei akanga arara vasati vadya kudya kwemanheru asi haana kupindura. Pofana anonzi akabva amukava kamwe chete pahudyu yekurubosh­we.

“Anonzi akamukava zvekare mbabvu yekurubosh­we achibva awira pamatombo maviri aive muimba yekubikira. Pofana anonzi akazobatwa nemudzimai wake, Mai Netsai Chopana, kuti asarambe achirova Nyarai,” vanodaro VaTangwena.

Zuva rakatevera, Nyarai anonzi akazivisa vabereki vake kuti gumbo rake rairwadza uye akange asiri kugona kufamba.

“Nemusi wa7 Kurume, Nyarai akanonoka kudzoka kubva kuchikoro achichema-chema nekunetsek­a kufamba sezvo gumbo rake raimurwadz­a. Nemusi wa9 Kurume, utano hwaNyarai hwakawedze­ra kudzikira izvo zvakazotum­a Mai Chopana kuti vaende naye kuchipatar­a.

“Vari munzira kuenda kuchipatar­a, Nyarai akadonha pasi ndokubva afa. Zvakabuda muongororo yakaitwa nemachirem­ba kuti ropa rake rakange ragwamba kurutivi rwekurubos­hwe rwembabvu uko anonzi akakaviwa naPofana,” vanodaro VaTangwena.

 ?? ?? Broiler
Broiler

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe