Kwayedza

Suweji yanetsa muMbare

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekuMbare muguta reHarare vari kuchema-chema nekuda kwehuchapa huri munzvimbo iyi uho hunosangan­isira kusatakurw­a kwemarara nekanzuru nenguva, kushaya mvura yakachena uye pombi dzesuweji dziri kungoputik­a izvo zviri kuvaisa panjodzi huru yekubatira zvirwere zvakaita seCovid-19 kana cholera.

Kwayedza yakaita hurukuro nevanoshan­dira munzvimbo iyi zvose nevanogara mumigwagwa inoti Runyararo, Samuriwo, Emma naMhlanga avo vari kutsutsumw­a zvakanyany­a nekuda kwetsvina yemasuweji yave nemazuva ichingodhu­bhuka asi kanzuru isingavach­euke.

Sekuru Mbata Fernandes (71) vanoti vanetsekan­a nekuda kwesuweji iri kungodhubh­uka iyi.

“Mvura yedu inogara yakavharwa muno asi ichirasika nekuda kwemapombi akatsemuka uye tava nenguva zvichiitik­a. Masuweji ari kuputika, zvosangana nemvura iyi vana vazotambir­a mutsvina imomu. Ino inguva yechirwere cheCovid-19 icho chinoda hutsanana saka hatizive kuti kanzuru yedu iri kuiteiko.

Migwagwa yose yazara mvura kudai,” vanodaro Sekuru Fernandes.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaPrince Gusha (35) vachiti kanzuru yeHarare inofanirwa kutora matanho akasimba kugadziris­a mamiriro ezvinhu aya.

“Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti chirwere chiriko cheCovid-19 chinoda hutsanana huzere senzira yekuchikun­da, zvino kuno kuMbare tinogara tisina mvura uyewo masuweji achingoyer­era nepazvivan­ze zvedu. Kureva kuti kanzuru yedu yeHarare ikaramba ichiita maitiro akadai denda iri hatimborik­unda uyewo zvirwere zvakadai secholera yakambonet­sa iya zvichanyuk­a zvakare tigoguma tava kusangana nematambud­ziko akawanda,” vanodaro VaGusha.

Mai Maidei Govera, mumwe mugari wemunzvimb­o iyi, vanoti vakaenda kubasa vanototya sezvo vana vachisara vachitambi­ra mumasuweji aya izvo zvine njodzi kuutano hwavo.

“Tine vakomana vedu vechidiki muno, ndivo vanotomboe­dza kuvhurira tsvina iyi kuti iwane kwekufamba nako.

Migwagwa yedu atova madziva, kunyanya waMhlanga unobva kuna Beatrice Road kunosvika kuArdbenni­e.

“Tinokumbir­a kuti dai kanzuru yedu yapotawo ichigadzir­isa matambudzi­ko akadai nenguva,” vanodaro Mai Govera.

Kanzuru yeHarare iri pasi pemapato anopikisa ayo akundikana zvachose kuwanisa vagari zvinhu zvavanotar­isira semvura yakachena, kutakura marara nekugadzir­isa migwagwa.

Hurumende yaona kukundikan­a kwemakanzu­ru aya, yakatotang­a zvirongwa mumaguta nemadhorob­ha ose izvo zvakananga kugadzirid­za migwagwa yange yangova makomba, kuwanisa veruzhinji mvura pamwe nekukukura marara ayo akangounga­na munzvimbo dzisina kukodzera.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti dambudziko remapombi emvura neanofambi­sa tsvina ayo ari kutushuka muguta guru iri riri kugadziris­wa.

“Tine misha yedu yekare yakaita sekuMbare, Highfield, Mufakose, Mabvuku nekumwe kune mapombi emvura nesuweji akaiswa kare ayo mamwe tiri kubvisa tichiisa matsva. Saka dambudziko iri riri kugadziris­wa uyewo tinokurudz­ira vanhu kuti vatizivise nenguva kana kwaitika dambudziko rakadaro,” vanodaro VaChideme.

 ?? ?? VANHU vakamira mumvura iri kuyerera yakasangan­a nesuweji kuMbare
VANHU vakamira mumvura iri kuyerera yakasangan­a nesuweji kuMbare
 ?? ?? MVURA yemasuweji yakazara mumugwagwa
MVURA yemasuweji yakazara mumugwagwa
 ?? ?? VAMICHAEL Chideme
VAMICHAEL Chideme

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe