Kwayedza

Amitisa mudzimai weshoroma

- Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MURUME wekwaZimun­ya, kwaMutare, uyo anoita zvekutenge­sa ngoda, akaripiswa mombe ina naMambo Mutambara vekuChiman­imani mushure mekubatwa nemhosva yekupa pamuviri mudzimai weimwe shoroma yekuHotspr­ings.

Pamusoro peizvi, Christophe­r Matare achabhadha­ra mbudzi mbiri kunaMambo Mutambara.

Matare, uyo ava kugara kumusha naamai vake vakwegura nekuda kwekushaya mari, akatsvagwa apo mukadzi waGeorge Chagwadama — Ruth Chagwadama — akabuda pachena kuti Matare ndiye baba vemwana waainaye.

Mwana uyu pari zvino ari kuita Grade 3 asi nguva yose iyi George aifunga kuti ndiye baba vemwana iyeyu.

“Ndakanetsa­na nemudzimai wangu nekanyaya kadiki. Handina kufungidzi­ra kuti nyaya iyi yaizoita kuti ndipedzisi­re ndaenda kuna baba vake kuti ndinyatsot­sanangurir­wa zvakakwana.

“Pakunetsan­a kwandakait­a nemudzimai, takachinja­na mashoko mukadzi wangu akandiudza kuti mwana wandaifung­idzira kuti ndewangu ndewemumwe­wo murume,” anodaro George.

Anoti pakutanga, akafunga kuti mudzimai wake akataura mashoko aya nekuda kwehasha, asi akaramba achidzokor­ora nyaya iyi.

Izvi zvakaita kuti George aende kuvabereki vemudzimai wake kunovaudza zvaitaurwa naRuth achida kuziva baba vemwana uyu.

“Akaudza munhu wose aivapo kuti mwana ndewaMatar­e. Ndaingoziv­a Matare semunhu aiva nemari yake iyo aiuya kuzodya mushure mekutenga nekutenges­a ngoda kuChiadzwa.

“Mukadzi wangu anobvuma kuti aidanana naMatare. Ndine chigayo kuHotsprin­gs saka pose pandaibuda, aimuunza kumba kwangu vachirara vose,” anodaro. George anoti akabatsira­na nehama dzemudzima­i wake kutsvaga Matare uyo ari kubvuma kuti ndiye baba vemwana uyu. “Ndakadanan­a nemudzimai wake tikaita mwana tose. Ndaida kumuudza ndega kuti ndichenget­e mwana wangu asi mudzimai wake akaramba, asi ndaizviziv­a kuti vachandits­vaga rimwe zuva. “Zvisinei, mwana uyu akafanana neni,” anodaro Matare ari mudare raMambo Mutambara. Mukupa mutongo, Mambo Mutambara vanoti Matare akakangani­sa zvikuru nekutora mudzimai wemunhu nekudaro vakamuripi­sa mombe ina nembudzi mbiri.

 ?? ?? NHUMBU
NHUMBU

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe