Amitisa mudzimai weshoroma
MURUME wekwaZimunya, kwaMutare, uyo anoita zvekutengesa ngoda, akaripiswa mombe ina naMambo Mutambara vekuChimanimani mushure mekubatwa nemhosva yekupa pamuviri mudzimai weimwe shoroma yekuHotsprings.
Pamusoro peizvi, Christopher Matare achabhadhara mbudzi mbiri kunaMambo Mutambara.
Matare, uyo ava kugara kumusha naamai vake vakwegura nekuda kwekushaya mari, akatsvagwa apo mukadzi waGeorge Chagwadama — Ruth Chagwadama — akabuda pachena kuti Matare ndiye baba vemwana waainaye.
Mwana uyu pari zvino ari kuita Grade 3 asi nguva yose iyi George aifunga kuti ndiye baba vemwana iyeyu.
“Ndakanetsana nemudzimai wangu nekanyaya kadiki. Handina kufungidzira kuti nyaya iyi yaizoita kuti ndipedzisire ndaenda kuna baba vake kuti ndinyatsotsanangurirwa zvakakwana.
“Pakunetsana kwandakaita nemudzimai, takachinjana mashoko mukadzi wangu akandiudza kuti mwana wandaifungidzira kuti ndewangu ndewemumwewo murume,” anodaro George.
Anoti pakutanga, akafunga kuti mudzimai wake akataura mashoko aya nekuda kwehasha, asi akaramba achidzokorora nyaya iyi.
Izvi zvakaita kuti George aende kuvabereki vemudzimai wake kunovaudza zvaitaurwa naRuth achida kuziva baba vemwana uyu.
“Akaudza munhu wose aivapo kuti mwana ndewaMatare. Ndaingoziva Matare semunhu aiva nemari yake iyo aiuya kuzodya mushure mekutenga nekutengesa ngoda kuChiadzwa.
“Mukadzi wangu anobvuma kuti aidanana naMatare. Ndine chigayo kuHotsprings saka pose pandaibuda, aimuunza kumba kwangu vachirara vose,” anodaro. George anoti akabatsirana nehama dzemudzimai wake kutsvaga Matare uyo ari kubvuma kuti ndiye baba vemwana uyu. “Ndakadanana nemudzimai wake tikaita mwana tose. Ndaida kumuudza ndega kuti ndichengete mwana wangu asi mudzimai wake akaramba, asi ndaizviziva kuti vachanditsvaga rimwe zuva. “Zvisinei, mwana uyu akafanana neni,” anodaro Matare ari mudare raMambo Mutambara. Mukupa mutongo, Mambo Mutambara vanoti Matare akakanganisa zvikuru nekutora mudzimai wemunhu nekudaro vakamuripisa mombe ina nembudzi mbiri.