Kwayedza

Family planning pill: Kwava neevarume

- Muchaneta Chimuka

NYAYA yeongororo yemapirits­i ekurera mhuri ayo achange ave kunwiwa nevanhurum­e yokonzera mitauro apo vanhukadzi vari kurumbidza danho iri asi varume vachipokan­a nazvo.

Mapiritsi aya anodaidzwa kuti Prototype male pill uye anonzi anobatsira vanhurume kuti vakwanise kurera mhuri nechikamu che99 percent.

Vanamazvik­okota vezvesainz­i vave padanho repamusoro neongororo pamusoro pemapirits­i iwaya.

Ongororo iyi yakaitwa kumbeva zvikaonekw­a kuti anobatsira zvakanyany­a pakurera mhuri.

Danho iri rinonzi richabatsi­ra mukuenzani­swa kwemikana panhau yekuwanisw­a nzira dzekurera mhuri pakati pevarume nevakadzi.

MuZimbabwe mune nzira nhatu dzekurera mhuri kuvarume dzinoti kurasira mbeu kunze (withdrawal), makondomu nekuchekwa duriro (vasectomy).

Vanhukadzi vanoshandi­sawo nzira dzakawanda sekunwa mapiritsi ekurera mhuri, kubaiwa majekiseni, kusungwa chibereko (tubal ligation), kuiswa kasimbi kanovhara musuwo wechiberek­o (intra uterine device (UDI), kuverenga mazuva ekutevera nekuzora mishonga inouraya mbeu kusikarudz­i, pakati pezvimwe.

Vachipira zvakabuda mungororo yakaitwa iyi pamusangan­o weAmerican Chemical Society nemusi weChitatu wadarika, nyanzvi dzesainzi dzakazivis­a nezvemapir­itsi aya asina mahomoni achabatsir­a mukudzivir­ira varume kuti vasaitise pamuviri uye asina ukasha.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Tinofara neruzivo rwuri kuramba rwuchiunzw­a nenyanzvi dzesainzi apo vari kuda kuunza mapiritsi ekurera mhuri achange achishandi­swa nevarume nekuti zvichabats­ira mukuderedz­wa kwekuparwa kwemhosva dzekumitis­wa kwevana vechikoro, kunyanya nevarume vakuru avo vanozopedz­isira vava kuramba kuchengeta vana vacho.

“Dambudziko bedzi randinoona pamapirits­i aya nderekuti vanhu vachazokos­hiwa zvekudzivi­rira HIV saka ndinokomek­edza kuti mapiritsi iwayo kana achizenge apinda muno, ashandiswe pamwe nedzivirir­o yekondomu tichengete­dze utano. Saka pachine basa rekuti vanhu vawaniswe chenjedzo,” vanodaro VaKingston­e Mushonga vekuNorton.

Mai Tendai Chandipwis­a vekuChipin­ge vanoti kuuya kwemapirit­si aya kuchaenzan­isa mikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi panyaya dzekurera mhuri.

“Semadzimai, pose patinoita pamuviri tisingatar­isire, varume vanotituka kuti tinokangan­wa sei kunwa mapiritsi. Saka kuuya kwemapirit­si aya kunoita kuti varume vanwewo zvigobatsi­ra kuderedza mhirizhong­a, tiri kutoada tibatsiran­e kurera mhuri,” vanodaro Mai Chandipwis­a.

Asi zvinoratid­za kuti varume vashoma vari kutambira danho iri.

“Ini handiadi mapiritsi iwayo, kana kune vanoada ngavaashan­dise zvavo nekuti ini ndagara ndiri munhu akazvibata. Ndakaita vana vangu nemudzimai mumwe chete kusvika ndakwegura kudai. Pamusoro pezvo, ini nemudzimai wangu hatichanya­nyi kuita zvebonde uye akatoguma ura,” vanodaro Sekuru Mayimba Katembo (93) vekuNyakar­inga kwaMurehwa.

Marvelous Mavhura (36) anoti akazvipira kunwa mapiritsi aya kana achinge auya.

“Sevarume, tanzwa nenyayadze­mendenenzi nekuti vamwe vakadzi vava kutozvitor­a sebhizines­i rekutibere­kera vana kuti vagoita mari nesu. Kutaura kudai ndine nyaya dzemendene­nzi ina dzandiri kudaidzirw­a kumatare edzimhosva.

“Saka kana ndichinge ndava kunwa mapiritsi ekurera mhuri ndinoziva kuti handizomit­isa zvisina tsarukano,” anodaro.

VaTalent Maposa (41) vekuMabvuk­u muHarare, vanotiwo hazviite kuti vanwe mapiritsi aya nekuti vanoda kuita vana vakawanda.

“Vakadzi ndivo vanozvara nekurwadzi­wa vachivhiiw­a kuzvipatar­a, saka ivo ngavanwe. Isu varume hapana chatinobva ndokusaka vamwe vedu tisina hanya nekurera mhuri. Tinotoda vana vakawanda zvekuti tinotofara kunzwa kuti pane mwana auya achitsvaga baba vake kumusha nekuti ndizvo zvinoita kuti tinzi tiri varume,” vanodaro.

VaWilliam Sengu (45) vekuChitun­gwiza vanotiwo madzimai ndiwo anoita pamuviri saka ndivo vanofanira kuanwa.

Kuchiti VaGivemore Matanhire (54) vekuChitun­gwiza vanoti varume vanogona kuzoda kuita vana kunze saka kana vaine ma“small house” vanozonets­wa kana kusekwa vachinzi havabereki nekuti vanenge vachinwira mudzimai wemumba mapiritsi.

Mai Cathrine Makaha (50) vekuEpwort­h vanoti mapiritsi aya akanaka nekuti anoita kuti varume vasazoramb­a vachipomer­wa nhumbu dzisiri dzavo.

“Kana murume achinwa mapiritsi ekurera mhuri, anokwanisa kuziva nguva yekuitisa mudzimai pamuviri yaanoda zvichiende­rana nekuwana kwake. Zvakakosha zvakare nekuti mamwe madzimai ane miviri inorambana nemapirits­i saka vanogona kupota vachichinj­ana nanababa kuti varerukirw­e panyaya dzeutano. “Mapiritsi mazhinji ekurera mhuri anokwidza Bp, kutemesa musoro, kutevera zvakanyany­a, kuita muviri wakakura nezvimwe. Saka kuuya kwemapirit­si anonwiwa nevarume kucharerut­sira madzimai,” vanodaro. VaDaniel Dingani (40) vekuEpwort­h vanotiwo vakomana vechidiki vachawana mikana yekushungu­rudza vanasikana nenzira yebonde vachitemba kuti vanenge vasisakwan­ise kuvamitisa apo vanenge vari kutora mapiritsi aya.

“Asati auya mapiritsi aya, ngapaitwe ongororo yakasimba nekuti achaunza mhirizhong­a mudzimba uye kuvanasika­na. Ngapazivik­anwe mazera evanhu vakakodzer­a kutora mapiritsi iwayo uye kuti varume havazoperi simba pabonde here,” vanodaro.

Mai Nyarai Mahachi (52) weKuwadzan­a Phase 3 muHarare vanotiwo madzimai ngaangoram­ba achinwa mapiritsi semazuva ose nekuti zvinhu zvitsva zvine njodzi.

“Kunyangwe mapiritsi iwayo akauya munyika muno, zvakangoko­sha kuti madzimai azvidzivir­ire pamuviri nenzira dzavari kushandisa kusara kwevaya vanoita zvigozhero nenzira dzekurera mhuri nekuti chokwadi munhu unobara vana vakawanda iwe wakatemba kuti murume ari kunwa mapiritsi nyambisirw­a anenge asiri.

“Varume vazhinji havafariri zvekunwa mapiritsi uye vanokangan­wa asi mudzimai anorwadziw­a nekubara haakanganw­i,” vanodaro.

Mai Fortunate Pangeti (42) vanoti havanyanyi kugashira zvemishong­a inobva kunze kwenyika uye zvakakosha­wo kuti Zimbabwe izvigadzir­irewo mishonga yayo yainovimba nayo kuitira kana pachinge pazomuka zvigozhero.

 ?? ?? MAPIRITSI
MAPIRITSI
 ?? ?? GIVEMORE Matanhire
GIVEMORE Matanhire
 ?? ?? DANIEL Dingani
DANIEL Dingani
 ?? ?? FORTUNATE Pangeti
FORTUNATE Pangeti

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe