Kwayedza

Zimbabwe nyika inoyevedza

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino muchaveren­ga ndima yenzwisiso mugopindur­a mibvunzo inotevera. Maverenga nzwisiso munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofun­ga kuti ndidzo dzinopindu­ra mibvunzo iyi.

Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzid­za, fomu yauri, foni number yako neadhiresi yekwaunoga­ra.

Munofanira kutumira mhinduro dzenyu pafoni nhamba yedu yeKwayedza inoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana e-mail inoti phillipa.chinhoi@zimpapers.co.zw Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kana kakatevedz­ana anopihwa mubairo webhuku rekuvereng­a.

Nzwisiso nepfupiso:

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo yose inotevera pazasi. Nzvimbo dzinoyeved­za

Zimbabwe inyika yakashonge­dzwa. Kutibuka kwavachena vekunyika dzokumadok­ero minongedzo yeudobi udobi hwakadonhe­dzwa shungu dzowedenga dzichipo.

Makomo Okumabvazu­va

Uko-o, kumakomoyo kwakashong­edzwa nyika nemakomo marefurefu, kuti wakatarisa mutsipa unokarodzo­kera mukati. Chitarisa mabwe akaturikid­zana, akarongeka zvine unyanzvi husina ani angatevedz­era. Iyo miti yakapfekan­a, yakasvibir­a kunge mwaka isingashan­duki. Vauyi vanomhanyi­dzana kusweronan’anidza zvishamiso zvemuZimba­bwe.

Mapopoma OkuMosi-oa-Tunya

Hapanazve angazeza kupereka yake sirivheri nendarama kana ndangariro dzokuyever­wa nemapopoma emvura dzabata tsinga dzenjere. Ndiwayo mapopoma epaMosi-oa-Tunya. Veduwe-e, kuti mvura inotonhora igume yopfungair­a pasina moto, ndemaani mundangari­ro mazvingabu­de? Mifananidz­o yemabwe nemazaya echando anobuda akaumbwa nemafungu emvura.

Dzimba Dzemabwe (Masvingo eZimbabwe)

Kune dzimba dzemabwe kunova kwakabva zita rokuti Zimbabwe. Tarisai muone ruvako rwamabwe akaturikid­zana akaera dhaka. Ukacherech­edza unoona michechete yakati chechetere, zvitsoko zvichiuruk­ira kuupenyu. Kumhendere­kedzo yeunyiriun­yiri uhwu unoona nyanza yeKyle yakati chechetere nemvura inotonhore­ra, yakaenzani­ra uye isina hasha pakufamba. Vengano vanoti vanaMbuya Nehanda naSekuru Kaguvi vaiti vakadekete­rera nyika apa pasi raibva rava deveteve.

Inzvimbo yakaropafa­dzwa norusunung­uko rwokuti ukasiya chinodyiwa pasi vanamakwir­amiti vanozvibay­awo zvavo pasina mutengo. Mudhuri wakanyanya kureba panzvimbo iyi wakareba mamita anokwana mapfumbamw­e wakadengez­erana zvisina mukare akamboona. Kune zviumbwa zvemufanan­idzo weshiri yehungwe. Zvinonzi pakaita muJerimani akachiva imwe yemifanani­dzo yeshiri idzi ndokutora zvake chinyarari­re uye asingaonek­wi ndiye tande nayo kunyika kwavo.

Pasina mazuva yakadzokwa nayo mutana achireurur­a mashura nemashirip­iti ainge oratidzwa nehungwe iyi.

Chikomo chepaMasvi­ngo eZimbabwe chakakwezv­a vapoteri vokutanga-tanga zvinova zvakaita kuti pave nekusimuki­ra munyaya dzokurima, kupfuya mombe, kuchera goridhe pamwe nemhangura.

Chitsuwo cheKariba

Kuzoti kuKariba mate anooma mukanwa wakatarisa kubata kwaMwari. Veruzhinji vanofarira kushandisa mazuva ezororo vachigara muzvidzimb­a zvezvikepe vachiyerer­a vari mumvura zvavo. Chimwe chinonyany­a kudakadza kudziya kwenzvimbo iyi kunoita kuti varedzi vashaye nungo dzokuburit­sa hove dzemarudzi nemarudzi.

Chinosuwis­a kunzwa kuti zvuru makumi mashanu nezvinomwe zvavanhu zvakasimud­zwa kubva panharaund­a nemhendere­kedzo yerwizi Kariba.

VaTonga vakashungu­rudzika kusiya nzvimbo yavaiwana usavi pachena. Kunyange zvazvo vakataramu­ka kubva panzvimbo iyi yavaidisis­a vakaramba voirangari­ra kusvika pakutanga mubato wemaoko wokuveza tsvimbo dzine muchereche­dzo wokuzvongo­nyoka kwerwizi Kariba. Unyanzvi hwakazovan­dudzwa veruzhinji vachiruka tswanda, tsero nemabhasik­iti.

Murwizi rukuru urwu munowanikw­a rudzi rwehove inonzi hunga. Vanhu vakawanda vanoshanya vanofarira kuredza vakanangan­a nokubata hove iyi kunyange zvazvo pane njodzi yokuti muredzi anogona kukurirwa simba nehunga akapedzisi­ra awira mumvura. Chidziro chakakombe­redza rwizi urwu chakavakwa sedendered­zi chakareba mamita anosvika zana namakumi maviri nemasere rwakafara chose zvokutakur­a mvura yakawanda matani zvuru nezvuru.

Zvikomo zveMatopo

Kuguta reBulawayo kune matombo anoera akarongedz­wa pamuzinda wakazotumi­dzwa naMzilikaz­i kuti chikomo cheMatopo. Paakazofa, vateveri vake vakabva vamuchenge­tera mubako romugomo umu. Bako iri rakanamwa kuti pashaye anotamba nemutumbi wezitategu­ru iri. Nanhasi vanhu vanoshandi­sa nzvimbo iyi senzvimbo inoera yavanodeke­tera mvura nezvimwe zvigozhero zvose zvavanosan­gana nazvo. Munowanikw­awo shiri dzemarudzi dzinonzwik­a kurira nokuchema zvinovarai­dza chero mucheche anochema.

 ?? ?? ZIMBABWE mepu
ZIMBABWE mepu
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe