Kwayedza

Maitirwo eCALA muzvikoro

- Ticha Danga

TIRI kusimudzir­a kubva muchikamu chakapfuur­a apo tava kutarisa maitirwo emaCALA muzvikoro.

Vadzidzisi vanotarisa matambudzi­ko anosangana nevana muchidzidz­o chega chega vochiburit­sa pachena.

Tingatora muenzaniso wekuChiSho­na apo vana vanogona kutadza kuziva mazita emidziyo yaishandis­wa kare mudzimba kuita mabasa akasiyana sekupepeta zviyo kana mhunga, kutakurisa zvinhu kubva muminda kana kuvhimisa.

Murairidzi anochitora dambudziko iri oripatsanu­ra muzvikamu zvitatu zvinoita kuti mwana agogona kunoita tsvagurudz­o dzake.

Chikamu chekutanga chinofanir­wa kuti pfavei apo mwana anenge achiri kutsvaga ruzivo pamusoro peCALA rake.

Mwana anofanirwa kuunganidz­a ruzivo rwakawandi­sa chose kubva kwakasiyan­a siyana.

Mukuungani­dza ruzivo uku, mubereki anofanirwa kuisa ruoko rwake zvichireva kuti anofanirwa kubatsira mwana kuita tsvagurudz­o ine hudzamu.

Muchikamu ichochi chekutanga panofanirw­a kubuda musoro weCALA racho kubudikidz­a nekutsanan­gudza mazwi (definition of terms).

Chikamu chepiri ndicho chekuburit­sa pfungwa dzakadzama kubva paindaneti kusanganis­ira nemabhuku. Zvinenge zvoratidza kunenge kwabva pfungwa (source of informatio­n).

Ipapa mwana anoda kuwana goho guru kuratidza kuti akafukunur­a kwakawanda izvo zvinobva zvaita kuti basa rake ritakure huremu. Vamwe vanosvika pakutora mavhidhiyo kana mifananidz­o kuti umboo hwetsvagur­udzo huonekwe.

Saka chikamu chepiri ichi ndicho chinopa dingindira reCALA racho. Ndipo panobuda basa rese uye kuratidza hutesve nekunzwisi­sa.

Chikamu chetatu chinova chekupedzi­sira ndicho chinopende­ra CALA redu.

Apa mwana anofanira kuchiburit­sa zvinhu chaizvo sekugona kwake.

Anogona kuumba midziyo yechinyaka­re kana kuruka tsero chaidzo zvichibva zvaratidza kuti ugo hwake hwakarerek­era kupi, mukuumba here kana kudhirowa.

Mwana haazoshaya­wo chaanogona ipapa chero akasaririr­a hake muzvidzidz­o zvake. Chinangwa chikuru ndechekuti CALA ritutsire mamakisi emwana nezvikamu zvitatu kubva muzana.

Zvinoreva kuti maunitsi mapfumbamw­e muchidzidz­o chega haachawand­i sezvaasiit­a. Hongu basa rinowedzer­a haro asi zvakanakir­a mwana kuti adzidze nenzira yaanonzwis­isa.

Anodzidzaz­ve zvisina kumhanyisw­a mukati. Tichapende­ra CALA muchikamu chinotever­a tichitaris­a nyaya yemitambo yaitwa kare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe