Maitirwo eCALA muzvikoro
TIRI kusimudzira kubva muchikamu chakapfuura apo tava kutarisa maitirwo emaCALA muzvikoro.
Vadzidzisi vanotarisa matambudziko anosangana nevana muchidzidzo chega chega vochiburitsa pachena.
Tingatora muenzaniso wekuChiShona apo vana vanogona kutadza kuziva mazita emidziyo yaishandiswa kare mudzimba kuita mabasa akasiyana sekupepeta zviyo kana mhunga, kutakurisa zvinhu kubva muminda kana kuvhimisa.
Murairidzi anochitora dambudziko iri oripatsanura muzvikamu zvitatu zvinoita kuti mwana agogona kunoita tsvagurudzo dzake.
Chikamu chekutanga chinofanirwa kuti pfavei apo mwana anenge achiri kutsvaga ruzivo pamusoro peCALA rake.
Mwana anofanirwa kuunganidza ruzivo rwakawandisa chose kubva kwakasiyana siyana.
Mukuunganidza ruzivo uku, mubereki anofanirwa kuisa ruoko rwake zvichireva kuti anofanirwa kubatsira mwana kuita tsvagurudzo ine hudzamu.
Muchikamu ichochi chekutanga panofanirwa kubuda musoro weCALA racho kubudikidza nekutsanangudza mazwi (definition of terms).
Chikamu chepiri ndicho chekuburitsa pfungwa dzakadzama kubva paindaneti kusanganisira nemabhuku. Zvinenge zvoratidza kunenge kwabva pfungwa (source of information).
Ipapa mwana anoda kuwana goho guru kuratidza kuti akafukunura kwakawanda izvo zvinobva zvaita kuti basa rake ritakure huremu. Vamwe vanosvika pakutora mavhidhiyo kana mifananidzo kuti umboo hwetsvagurudzo huonekwe.
Saka chikamu chepiri ichi ndicho chinopa dingindira reCALA racho. Ndipo panobuda basa rese uye kuratidza hutesve nekunzwisisa.
Chikamu chetatu chinova chekupedzisira ndicho chinopendera CALA redu.
Apa mwana anofanira kuchiburitsa zvinhu chaizvo sekugona kwake.
Anogona kuumba midziyo yechinyakare kana kuruka tsero chaidzo zvichibva zvaratidza kuti ugo hwake hwakarerekera kupi, mukuumba here kana kudhirowa.
Mwana haazoshayawo chaanogona ipapa chero akasaririra hake muzvidzidzo zvake. Chinangwa chikuru ndechekuti CALA ritutsire mamakisi emwana nezvikamu zvitatu kubva muzana.
Zvinoreva kuti maunitsi mapfumbamwe muchidzidzo chega haachawandi sezvaasiita. Hongu basa rinowedzera haro asi zvakanakira mwana kuti adzidze nenzira yaanonzwisisa.
Anodzidzazve zvisina kumhanyiswa mukati. Tichapendera CALA muchikamu chinotevera tichitarisa nyaya yemitambo yaitwa kare.