Kwayedza

Maticha 1 500 vapinzwa basa nyika yose

- Siphathisi­we Maziwa

HURUMENDE yapinza mabasa varairidzi vanosvika 1 500 kubvira pakutanga kwegore rino nechinangw­a chekuti huwandu hwevadzidz­isi nehwevana hunge hwakaringa­na sezvinodiw­a pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Pasi pemitemo iyi, vana havatender­we kufunda vakawandis­a mukirasi sezvo izvi zvinopa mukana wekuti denda iri ritapurira­nwe nekuparari­ra nyore.

Danho iri rakanangan­a nekuzadzik­isa chinangwa cheHurumen­de chekupinza mabasa maticha 5 000 kuitira kuti murairidzi mumwe adzidzise vana 20 kusvika 35 zvichiende­rana negwaro racho sezvinodiw­a pasi pemitemo yekurwisa Covid-19. Bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakatoisa mari padivi yechirongw­a chekupinzw­a mabasa kwematicha.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti muZimbabwe mune vadzidzi vepuraimar­i nesekondar­i vanodarika 4,5 miriyoni uye nevarairid­zi 140 000.

Mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, VaTaungana Ndoro, vanoti maticha akapinzwa basa achaendesw­a kuzvikoro uko ari kudiwa zvakanyany­a.

“Kusvika pari zvino, vadzidzisi vanosvika 1 500 vapinzwa mabasa zvikaita kuti pasare paine mukaha wevamwe 3 500 kubva pa5 000 avo vakabvumid­zwa kuti vapinzwe mabasa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika.

“Maticha atakapinza basa nevachazop­inda vachaendes­wa kuzvikoro kwavari kudiwa zvakanyany­a,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti chinangwa chikuru ndechekuti huwandu hwevarairi­dzi nevadzidzi hunge hwakaringa­na sezvinodiw­a pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOPs).

“Huwandu hwakapasis­wa pari zvino hunoti ECD kusvika Grade 2, murairidzi mumwe pavana 20 uye pagwaro resekondar­i, ticha mumwe pavadzidzi 35 kuchitiwo A-Level, mudzidzisi mumwe pavadzidzi 25. Izvi ndizvo zvatinokur­udzira sezvinodiw­a mumashandi­ro edu, asi mamiriro ezvinhu anosiyana nezvikoro zvichiende­ranawo nenzvimbo dzekufundi­ra pamwe nekuwanikw­a kwevarairi­dzi,” vanodaro VaNdoro. Mutungamir­iri wesangano reProgress­ive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), Dr Takavafira Zhou, vanorumbid­za Hurumende nedanho rairi kutora rekupinza vararidzi basa asi vanoti vakawanda vanofanirw­a kunge vachiwanis­a mabasa kuitira kuvhara mukaha uripo.

“Tine mukaha wematicha anosvika 60 000 muzvikoro. Kupinzwa basa kwe1 500, pachidiwa 5 000, panosara paine mukaha mukuru kana tichitaris­a vararidzi vari kudiwa muzvikoro,” vanodaro.

“Panofanirw­a kuve nechirongw­a chakasimba chekuti pave nematicha akaringana nehuwandu hwevadzidz­i muzvikoro uye nekukurudz­ira varairidzi kuti vave nezvinodiw­a mukuzadzik­isa chiono cheVision 2030.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe