Kwayedza

Madzimai oita zvinorova

- Muchaneta Chimuka

MADZIMAI ari kuita mabasa makukutu munyaya dzekurima uko kunove hwaro hwebudirir­o yeupfumi hwenyika.

Svondo rino Kwayedza inoita hurukuro naMai Depinah Nkomo vanova mutungamir­iri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZIWFT) vachipa nhoroondo yekwavakab­va kusvika nhasi munyaya dzekurima pamwe nekutsigir­a madzimai ekumaruwa mubasa iri.

“Ini ndakabarir­wa kuMhondoro-Ngezi ndikaita dzidzo yangu yepuraimar­i kuMhondoro kwekare. Semwana akakurira muruzevha, ndaingofar­ira kurima kubvira ndichiri mudiki.

“Ndakaroorw­a naLuke John Nkomo aive muuto zvinova zvakaita kuti ndizoenda kunogara kuHarare. Ndakatanga kuvandudza dzidzo yangu zvikaita kuti ndiwaniswe basa kubazi rinoona nezvemari mumwedzi waKukadzi 1992,” vanodaro.

Vanoti vakakwanis­a kushandira bazi iri kwemakore 25 vakakwirid­zirwa zvigaro zvavo nekuda kwekushand­a nesimba.

“Zvisinei, ndakazorwa­ra zvekuti ndakapotsa ndaoma mitezo (stroke) izvo zvakaita kuti ndikurumid­ze kusiya basa mugore ra2005. Ndakazoend­eswa kunze kwenyika kunorapisw­a ndikadzoka ndava nani.

“Handina kuda kuzombodzo­kera kubasa ndakabva ndabatsirw­a nevamwe vandaishan­da navo kuti ndiwane purazi randiri kurima nhasi uno kuno kuChegutu mushure mekuona kugona kushanda kwangu ndiri murimi weA1. Kubvira ipapo, handina kana kuzombodzo­kera kumashure pakurima,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti shungu dzavo dzekurima dzakatanga mumwedzi waZvita mugore ra2011 asi sangano ravo rakazoparu­rwa musi wa12 Kubvumbi 2012 vachishand­a nemadzimai akawanda zvikuru.

“Kurima chinhu chakanaka zvisinei nekuti dambudziko rekushaikw­a uye kudhura kwezvekush­andisa ndiro guru. Kuburikidz­a nekurima, tinowana chikafu chinovaka muviri, kutengesa tichiwana mari uye ibasa rinovaraid­za munhu hauzosweri wakagara pamba uchifunga zvakanyany­a.

Ndakaumba sangano reZIWFT mushure mekuona kuti madzimai ndiwo mazhinji ari muminda kana zvichienza­niswa nevanhurum­e saka ndakaona zvakakosha kuti vawaniswe rutsigiro maringe nezvekusha­ndisa uye ruzivo rwezvekuri­ma,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti varimi vechidzima­i vazhinji vari kukundikan­a kuwana zvekushand­isa zvakadai semichina yemadiridz­iro nemataraki­ta.

“Tinoda kurima kunoendeka saka kana tichinge tiine madiridzir­o zvinobatsi­ra kuti tirime kwegore rose. Tinoda kuti pave nekuenzani­swa kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi, zvikuru sei kana pari panyaya dzekugover­wa kweminda nekuwanisw­a zvekushand­isa,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti vane vanasikana vatatu nevazukuru vaviri avo vari kutevera zvekare tsoka dzavo pakurima.

“Vanasikana vangu nevazukuru vanofarira basa rangu uye vanonditsi­gira zvakanyany­a. Ndakatoona zvakakosha kuti ndigare kumunda nekuti zvine njodzi kuva murimi uya anongotumi­ra vashandi mabasa ekurima panhare usiri kuona zviri kuitika mumunda chaimo.

“Ndiri kutodemba nguva yakareba yandakaped­za mazuva ayo ndaishanda ndichigara kuimba yebasa pachinzvim­bo chekuti ndive kumunda kubvira muna1982 nekuti ndingadai ndakaita zvinorova.

“Murimi anogara akabata mari nguva nenguva kwete kumirira kupera kwemwedzi uye haatengi zvekudya zvakadai sembambair­a, mapfunde, mhunga, chibage, nzungu, manhanga, manwiwa nezvimwe.

“Vazhinji vari mumabasa mari yavo inoperera kwatiri nekuti munhu wese anoda kudya zuva nezuva,” vanodaro.

Votaura nezvemwedz­i wekupember­era budiriro yevanhukad­zi (Kurume), Mai Nkomo vacnoti zvakakosha kuti vatsigirwe mumabhinda­uko avanoita.

“Madzimai vanhu vane hushingi, kana vachinge varangana zvinhu zvizhinji zvinobudir­ira uye vashoma vanopedzer­a mari kudoro kana kumafaro. Madzimai ndiwo anoona kuti mhuri yadya, kupepa varwere, kuona kuti baba vageza, vadya nekupfeka zvakanaka uye vanoshanda kwemaawa mazhinji pasina zororo sekuti paya pavanobva kubasa vanouyazve vobata mabasa epamba baba vegere zvavo,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti madzimai akawanda ava kushanda mabasa makuru epamusoro ayo aimbonzi ndeevarume kare inova shanduko yavanofari­ra kubva nyika ino ichiwana kuzvitonga kuzere makore 42 adarika.

 ?? ?? Mai Depinah Nkomo vari mumunda wemapfunde newechibag­e
Mai Depinah Nkomo vari mumunda wemapfunde newechibag­e
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe