Kwayedza

Nyika yorongera kurimwa kwegorosi remuchando

- Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chekutsigi­ra varimi vegorosi remuchando nezvekusha­ndisa chePreside­ntial Inputs Scheme chakapindw­a nevarimi vakawanda avo vari kutarisira kurima mahekita anodarika 8 000 kana zvichienza­niswa ne5 500 ayo ange achitarisi­rwa kuti ndiwo acharimwa nenyika mwaka uno.

Bazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa rinoti chinangwa chenyika chemwaka uno kurima gorosi remuchando rinokwanir­ana nezvinodiw­a.

Hurumende ine chishuwo chekusimud­zira kurimwa kwegorosi zvichifamb­irana nechirongw­a cheAgricul­ture and Food Systems Transforma­tion Strategy, Agricultur­e Recovery Plan neNational Developmen­t Strategy 1 uye kuzadzikis­a chiono chekuti veruzhinji vave nemasimba munyaya dzeupfumi nekuva nepundutso panosvika gore ra2030.

Mutevedzer­i wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa — Cde Vangelis Haritatos —vanotsinhi­ra kuti varimi vakawanda vari kuda kurima gorosi rechando mwaka uno.

Vanoti pari zvino chavari kukoshesa kuwana goho remhando yepamusoro.

Cde Haritatos vanoti vezvitoro zvinotenge­sa zvekushand­isa mukurima vakavimbis­a kuti vane zvekushand­isa zvakakwana mwaka uno uye mvura iri kunaya zvakanaka zviri kuita kuti yemadiridz­iro ivepo.

“Tinofunga kuti hatizongos­vika patarisiro yedu chete asi kuti tichapfuur­awo pachinangw­a chedu. CBZ Agro-Yield iri kutarisira goho rinosvika matani 164 250,” vanodaro.

Vanoti makambani akazvimiri­rira akaita chisungo chekuti acharima mahekita 15 000 kana kudarika mwaka uno.

AFC Land Bank iri kuda kuita kondirakit­i yekurima mahekita zviuru gumi pachiburwa goho rematani 45 000 uye makambani akazvimiri­ra achabata mahekita 23 000 egorosi pachitaris­irwa kuburwa goho rematani 149 500.

 ?? ?? Gorosi
Gorosi
 ?? ?? Cde Vangelis Hariratos
Cde Vangelis Hariratos

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe