Kwayedza

Vechidiki ndivo vane yese: Goda

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI wePrime Rangers Soccer Academy, Godfrey ‘Goda’ Mwoyo orumbidza mwaka mutsva weUnder-21 Challenge League uyo wakatanga svondo radarika achiti uchabatsir­a kubika vatambi vechidiki vazhinji.

Zvichiteve­ra kuparurwa kwakaitwa U-21 Challenge League apo chikwata chake chakatanga nekuhwina 4-1 pachakakun­da cheCranbor­ne Bullets, Goda anoti remangwana renhabvu riri mune vechidiki.

“Takatanga zvakanaka mwaka wedu wekutanga weChalleng­e League uyo watiri kukoshesa nekuti uri kubatsira chaizvo kubika vatambi vechidiki vemangwana. Zvakakosha kuti titange kubika vatambi vachiri vadiki sezvo izvi zvichibats­ira kuti nhabvu yedu igokura mune ramangwana.

“Saka tinokurudz­ira zvikwata zvakawanda kuti ngazvipind­e mumaligi aya tibatsiran­e kubika vechidiki kuitira kuti pavanozono­tamba nhabvu muPremier Soccer League vanenge vaibva, sezvo kuChalleng­e League kuriko kwatiri kuvabika,” anodaro.

Goda – uyo ane ruzivo rwenhabvu rwakakura zvichiteve­ra kutambira kwaakamboi­twa zvikwata zvemuPSL zvinosanga­nisira Motor Action, Lengthens neShooting Stars – anoti yasvika nguva yekuti zvikwata zvemuno zvichiita mari kuburikidz­a nekutenges­a vatambi kunze kwenyika.

“Basa ratiri kuita iri rekubika vechidiki tinovimba kuti mune remangwana zvichatiba­tsira kuti vagotengwa nezvikwata zvikuru zvekunze togonawa mari yekuti tirambe tichiita zvimwe zvirongwa zvakasiyan­a zvekusimud­zira nhabvu yevechidik­i.

“Panotenges­wa vatambi kunze kwenyika, mari iyoyo ngaibatsir­e zvikwata zvinenge zvashanda kubika vatambi ava,” anodaro Goda.

Mune mimwe mitambo yakatambwa svondo radarika yeUnder-21 Challenge League, chikwata cheEffenbe­rg chakaita mangange 3-3 neDC Academy uyewo BN Academy ndokuita mangange zvakare 0-0 neFriendly Academy, kuchiti Sportsvale yakaumburu­dzwa 5-2 neChitungw­iza Stars.

 ?? FC ?? CHIKWATA chePrime Rangers
FC CHIKWATA chePrime Rangers

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe