Kwayedza

Vechidiki siyanai nezvinokor­a

-

DAMBUDZIKO rekutorwa kwezvinodh­aka zvisingate­nderwe mumuviri, kunyanya nevechidik­i, riri kuramba richikura muZimbabwe uye izvi zvaona Hurumende ichiumba komiti yemakuruko­ta yekugadzir­isa mamiriro ezvinhu aya.

Pamusoro pezvo, Hurumende yakaumba homwe zvakare yeDrug Abuse Fund iyo ichashandi­swa mukutsigir­a zvirongwa zvekurwisa kutorwa kwezvinodh­aka.

Dambudziko iri rinonzi rakawedzer­a muna2020 apo pakanyuka chirwere cheCovid-19 zvakaona zvikoro zvichivhar­wa kwenguva yakareba senzira yekudzivir­ira kupararira kwedenda iri.

Panguva iyi, vechidiki vakawanda vaive vagere kudzimba vasina zvekuita izvo zvakaita kuti vamwe vatange kufurirana kutora zvinodhaka.

Dambudziko iri rinoda mukomberan­wa mukurirwis­a kwete kumirira vakadai semapurisa chete.

Sekutaura kwevakafan­obata chigaro chadirecto­r kubazi revashandi nekubatsir­wa kwevanotam­bura, zvakakosha kuti zvikoro zvose – kubvira pagwaro rekupuraim­ari, sekondari, makoreji nemayunivh­esiti – zvive nezvidzidz­o zvakasimba pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka. Danho rakadai rinobatsir­a zvakanyany­a sezvo vechidiki vanoyaruka vaine ruzivo rwakadzama rwekuipa kwekutora zvinodhaka zvisingate­nderwe mumuviri.

Zvinodhaka izvi zvinosanga­nisira mapiritsi anozivikan­wa nekunzi blue tablets, BronCleer kana kuti Bronco, cocaine methamphet­amine, musombodhi­ya neguka.

Zvimwe zvacho zviri kugadzirwa muZimbabwe asi zvakawanda zviri kubva kunze uye zvichipinz­wa munyika muno nenzira dzechikiri­bidi.

Nyaya huru iri kunetsa ndeyekuti kunze kwekutorwa kwezvinodh­aka zvakadai sembanje nedoro rinosangan­isira rekachasu, kuwanda kwevari kutora cocaine necrystal methamphet­amine kunotaridz­a kuti dambudziko iri radzika midzi muZimbabwe.

Kana munhu akatanga kutora cocaine nemethamph­etamine hazvisi nyore kuti azozvirege­dza sezvo anenge ave kunzwa kuda kuzvitora zuva nezuva.

Izvi zvinoreva kuti pane zvikwata zvemaguruv­hani zviri kuunza zvinodhaka izvi munyika muno uye zvichiteng­eswa nyore.

Kutorwa kwazvo, kunze kwekukanga­nisa utano hwevechidi­ki, kuri kukonzera vamwe kuti vapare mhosva dzakadai sekubata chibharo uye mhirizhong­a munharaund­a dzakasiyan­a.

Bazi reutano nekurerwa kwevana rinoti ongororo rayakaita inotaridza kuti chikamu che45 percent chevarwere vepfungwa zvinokonze­rwa nekutora zvinodhaka zvisingate­nderwe mumuviri uye kunwa doro zvakadarik­idza.

Pamusoro pezvo, kutora zvinodhaka kunonzi kunokonzer­a zvakare kuti kana munhu achirwara akanwa mushonga kana mapiritsi anoshaya simba rekupedza chirwere izvo zvinozivik­anwa muchirungu nekunzi anti-microbial resistance.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti anti-microbial resistance inokonzerw­a zvakare nekusatorw­a zvakanaka kwemishong­a yekurapisa zvirwere zvakasiyan­a.

Ibasa remunhu wose kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodh­aka zvisingate­nderwe mumuviri, zvikuru nevechidik­i sezvo vari ivo vatungamir­iri venyika vemangwana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe