Kwayedza

Mhuri yarerwa nemaruva

- Muchaneta Chimuka

VANHUKADZI vari kuita mabasa makukutu munyaya dzekusimud­zira budiriro yeZimbabwe nenzira dzakasiyan­a.

Kukosha kwevanhuka­dzi pasi rose kunoonekwa nekucherec­hedzwa kwemabasa avo kuburikidz­a nezuva reInternat­ional Women’s Day nemusi wa8 Kurume gore negore.

Kwayedza inokurukur­a nemudzimai ane hushingi mubasa rake rekugadzir­a nekutenges­a maruva panzvimbo yeAfrica Unity Square mukati meguta reHarare.

Mai Nyarai Mahachi (52) vanoti vave nemakore 22 vachiita basa iri uye ndiro rarera mhuri yavo.

“Ndakatanga kutengesa maruva muna1999 apo takadzidzi­swa kurima maruva kuCold Comfort nemumwe murungu aibva kunyika yeHolland. Handaiziva kuti mumaruva mune mari, saka ndakatanga ndichizvit­ora sezvinhu zvenhando.

“Asi ndakatoona kuti maruva ane mari zhinji kana ukaita zvinhu zvako nemazvo, zvikuru mukugona kuaronga zvakanaka zvinova zvinokwezv­a maziso evatengi,” vanodaro.

Mai Mahachi vanoti vane mwanakoman­a mumwechete uyo wavakarera nemari yemaruva nevazukuru vana.

“Ndine mwanakoman­a mumwechete anova wandakarer­a nemari yemaruva akaenda kuchikoro kubvira kupuraimar­i nesekondar­i kudakara aenda kuyunivhes­iti akapedza ndokuzowan­awo basa rake. Kumusha, ndinobva kuNyamapan­da.

“Kare, maruva zvinhu zvaisakosh­eswa nekuti vanhu vaingoziva zvekunyore­rana matsamba kuratidzan­a rudo asi iko zvino ava kutengwa zvikuru vanhu vachiratid­zana rudo. Sepamazuva eValentine’s Day, tinenge tisina zororo nekugadzir­a maruva matsvuku nekuti ndiwo anodiwa zvakanyany­a panguva iyoyo.”

Vanoti kunyangwe vanhu vachitenge­rana maruva erudo, maruva mazhinji anotengwa pane ipi zvayo nguva ndeane chekuita nerufu anova machena apo vanhu vanenge vachida kunoisa pabhokosi remufi nepamaguva.

“Maruva ekunhamo ndiwo anonyanya kutengwa kudarika ezvimwe zvirongwa semichato, ndokusaka muchiona ari iwo akawanda pano. Asi dambudziko riripo pari zvino nderekuti mapurazi ava mashoma kwazvo ari kurima maruva.

Izvi zvava kukonzera kuti tipone nemaruva ekugadzirw­a (artificial flowers), mazhinji acho anobva kuChina nedzimwe nyika,” vanodaro.

Mai Mahachi vanokurudz­ira vamwe vanhukadzi kuti vasagarire maoko. “Kune mamwe madzimai ndinoti hope hadzina ndima, mudzimai chaiye anomukiraw­o kubasa kana kuitawo mamwe mabasa emaoko anokupa chouviri. Munhu wemukadzi unofanira kuzvishand­ira, chero uine murume usamirire kukumbira mari. Batsiranai zvinhu zvifambe uye zvinoreruk­a,” vanodaro.

 ?? ?? MAI Nyarai Mahachi vachiratid­za mamwe emaruva avanotenge­sa
MAI Nyarai Mahachi vachiratid­za mamwe emaruva avanotenge­sa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe