‘Vatambi rongerai remangwana’
ZVIKWATA zvemitambo yakasiyana zvokurudzirwa kuti zvibatsire vatambi kuti vakwanise kuita zvidzidzo zvakadai sezvemabhizimisi nemabhindauko emaoko kuitira kuti vagokwanisa kuwana zvinovararamisa mune remangwana apo vanenge vasisatambe mitambo iyi.
Kurudziro iyi yakapihwa nachamangwiza weGlow Petroleum, Aaron Chinhara, apo aive muenzi anoremekedzwa pamusangano mukuru wekuronga mwaka mutsva weRainbow Amateur Netball League (RANL) svondo radarika.
Chinhara – uyo anokotsvera RANL kuburikidza nekambani yake – anoti zvakakosha kuti vatambi panguva iyo vanenge vachiri kukwikwidza vadzidziswe kuchengetedza mari pamwe nekupihwa chenjedzo yekugadzirira ramangwana ravo.
Anoti zvinosuwisa zvikuru kuona dzaimbove nyanzvi dzemitambo yakasiyana vachikangwaya uye vachisekwa nevanhu asi ivo vaimbounza mufaro mukuru kunyika yose.
“Munoona vatambi vedu panguva yavanotamba, vanenge vachidiwa zvikuru vachiremekedzwa. Asi pavanozosiya mitambo hapana anenge ave nehanya navo. Zvikangozivikanwa kuti ave kutambura, vanhu vachimuona achizvifambira vanotanga kumuseka.
“Saka tiri kuda kuti izvozvo zvisaitike kuvasikana vedu, ngativadzidzise vazvishandire nemaoko avo kuitira kuti pavanozosiya zvemitambo vawane zvekuita zvinovararamisa nemhuri dzavo, vasatambure. Ipapo ngatipakoshesei,” anodaro Chinhara.
Panguva ino apo nyaya dzekutorwa kwezvinodhakwa dziri kukurumbira, Chinhara anoti zvakakosha kuti vanasikana vemitambo yakasiyana, kusanganisira netball, vagare vachifundiswa kuipa kwetsika yekutora zvinodhaka sezvo zvichikanganisa remangwana ravo.
“Tiri kurarama panguva iyo kutorwa kwezvinodhaka kuri kuwanda mune vechidiki. Ngatisasiye vanasikana vedu vachipinda mazviri sezvo zvichizokanganisa hupenyu hwavo. Ngatiedze nepatinogona kuvapa chenjedzo yekuipa kwekutora zvinodhaka.
“Mune zvemitambo, kutorwa kwezvinodhaka kuri kuwanda izvo zviri kukanganisa hupenyu hwevakawanda. Saka nguva nenguva ngatiite hurukuro nevanasikana tichivadzidzisa kuti vasapinde mukutora zvinodhaka, vasakanganise hupenyu hwavo,” anodaro Chinhara.
Achitaurawo pamusangano uyu, munyori mukuru weRANL – Moses Gukumure – anoti zvikwata zvavo zvagadzirira kutanga kwemwaka mutsva zvisinei nezvimhingamipinyu zvavange vachisangana nazvo.
Anoti mwaka uno muligi reRANL muchange muine zvikwata 15 zvichakwikwidza, kuwedzera kubva pa11 izvo zvaivepo gore radarika.
“Tagadzirira kutanga kwemwaka wegore rino uyo tinovimba uchafamba zvakanaka. Tiri kuenderera mberi nemitambo yedu kunyangwe hazvo pane zvange zvichinetsa. Chikuru kuti mitambo yedu itambwe pasina chinokanganisa.
“Nguva yadarika, mitambo yedu yaimbokanganiswa nezvakawanda kusanganisira iyo Covid-19 chaiyo. Saka izvezvi tiri kutarira zviri mberi,” anodaro Gukumure.
Anoti RANL iri pakati pekuumba chikwata chimwe chete icho vanoda kuzotumira kunokwikwidza kunyika dzakaita seSouth Africa neScotland uye chichazosarudzwa pamutambo weIndependence Tournament.
“Tiri pakati pekuita hurukuro neshamwari dzatinodyidzana nadzo dziri kunze kunyika dzakaita seSouth Africa neScotland kuti tizotumira chikwata chedu kunokwikwidza ikoko.
Tichaumba chikwata chedu pamutambo weIndependence Tournament apo pachazosarudzwa vatambi vanenge vadadisa,” anodaro Gukumure.*