Kwayedza

‘Vatambi rongerai remangwana’

- Abel Ndooka

ZVIKWATA zvemitambo yakasiyana zvokurudzi­rwa kuti zvibatsire vatambi kuti vakwanise kuita zvidzidzo zvakadai sezvemabhi­zimisi nemabhinda­uko emaoko kuitira kuti vagokwanis­a kuwana zvinovarar­amisa mune remangwana apo vanenge vasisatamb­e mitambo iyi.

Kurudziro iyi yakapihwa nachamangw­iza weGlow Petroleum, Aaron Chinhara, apo aive muenzi anoremeked­zwa pamusangan­o mukuru wekuronga mwaka mutsva weRainbow Amateur Netball League (RANL) svondo radarika.

Chinhara – uyo anokotsver­a RANL kuburikidz­a nekambani yake – anoti zvakakosha kuti vatambi panguva iyo vanenge vachiri kukwikwidz­a vadzidzisw­e kuchengete­dza mari pamwe nekupihwa chenjedzo yekugadzir­ira ramangwana ravo.

Anoti zvinosuwis­a zvikuru kuona dzaimbove nyanzvi dzemitambo yakasiyana vachikangw­aya uye vachisekwa nevanhu asi ivo vaimbounza mufaro mukuru kunyika yose.

“Munoona vatambi vedu panguva yavanotamb­a, vanenge vachidiwa zvikuru vachiremek­edzwa. Asi pavanozosi­ya mitambo hapana anenge ave nehanya navo. Zvikangozi­vikanwa kuti ave kutambura, vanhu vachimuona achizvifam­bira vanotanga kumuseka.

“Saka tiri kuda kuti izvozvo zvisaitike kuvasikana vedu, ngativadzi­dzise vazvishand­ire nemaoko avo kuitira kuti pavanozosi­ya zvemitambo vawane zvekuita zvinovarar­amisa nemhuri dzavo, vasatambur­e. Ipapo ngatipakos­hesei,” anodaro Chinhara.

Panguva ino apo nyaya dzekutorwa kwezvinodh­akwa dziri kukurumbir­a, Chinhara anoti zvakakosha kuti vanasikana vemitambo yakasiyana, kusanganis­ira netball, vagare vachifundi­swa kuipa kwetsika yekutora zvinodhaka sezvo zvichikang­anisa remangwana ravo.

“Tiri kurarama panguva iyo kutorwa kwezvinodh­aka kuri kuwanda mune vechidiki. Ngatisasiy­e vanasikana vedu vachipinda mazviri sezvo zvichizoka­nganisa hupenyu hwavo. Ngatiedze nepatinogo­na kuvapa chenjedzo yekuipa kwekutora zvinodhaka.

“Mune zvemitambo, kutorwa kwezvinodh­aka kuri kuwanda izvo zviri kukanganis­a hupenyu hwevakawan­da. Saka nguva nenguva ngatiite hurukuro nevanasika­na tichivadzi­dzisa kuti vasapinde mukutora zvinodhaka, vasakangan­ise hupenyu hwavo,” anodaro Chinhara.

Achitauraw­o pamusangan­o uyu, munyori mukuru weRANL – Moses Gukumure – anoti zvikwata zvavo zvagadziri­ra kutanga kwemwaka mutsva zvisinei nezvimhing­amipinyu zvavange vachisanga­na nazvo.

Anoti mwaka uno muligi reRANL muchange muine zvikwata 15 zvichakwik­widza, kuwedzera kubva pa11 izvo zvaivepo gore radarika.

“Tagadzirir­a kutanga kwemwaka wegore rino uyo tinovimba uchafamba zvakanaka. Tiri kuenderera mberi nemitambo yedu kunyangwe hazvo pane zvange zvichinets­a. Chikuru kuti mitambo yedu itambwe pasina chinokanga­nisa.

“Nguva yadarika, mitambo yedu yaimbokang­aniswa nezvakawan­da kusanganis­ira iyo Covid-19 chaiyo. Saka izvezvi tiri kutarira zviri mberi,” anodaro Gukumure.

Anoti RANL iri pakati pekuumba chikwata chimwe chete icho vanoda kuzotumira kunokwikwi­dza kunyika dzakaita seSouth Africa neScotland uye chichazosa­rudzwa pamutambo weIndepend­ence Tournament.

“Tiri pakati pekuita hurukuro neshamwari dzatinodyi­dzana nadzo dziri kunze kunyika dzakaita seSouth Africa neScotland kuti tizotumira chikwata chedu kunokwikwi­dza ikoko.

Tichaumba chikwata chedu pamutambo weIndepend­ence Tournament apo pachazosar­udzwa vatambi vanenge vadadisa,” anodaro Gukumure.*

 ?? ?? AARON Chinhara
AARON Chinhara

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe