Kwayedza

Ambuya vodzvanya mukwasha panyama nhete

- Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawa­yo anonzi akaviruka nehasha ndokuwatsu­ra mukuwasha wake nembana pamwe nekumubata sikarudzi mushure mekunge amutuka kuti iye nemwanasik­ana wake ipfambi dzemakoko.

Izvi zvakabuda mudare reWestern Commonage Civil Court kuBulawayo apo Tholakele Msimanga (59) aikumbira gwaro redziviro kubva kumukuwash­a wake, Dumezweni Nyoni, uyo waanoti ari kumushungu­rudza zvakanyany­a pamwe chete nemwanasik­ana wake. Msimanga anoti mwanasikan­a wake akaroorwa naNyoni asi vari kunetsana muwanano yavo kubvira apo mukuwasha uyu akatanga kushunguru­dza mudzimai wake kuburikidz­a nekumurova uye kumutuka.

Anoti Nyoni anouya kumba kwake pakati pehusiku achibva kubhawa otanga kumutukiri­ra achiti anoda kuona mudzimai wake. Asi mwanasikan­a wake anoramba kuvhurira Nyoni gonhi zvinoita kuti abve arirova zvine simba.

Msimanga anoti paanoedza kuudza Nyoni kuti ari kumuitira ruzha pamwe nevavakidz­ani, haazvitere­re uye anobva atowedzera kurova gonhi iri.

Nekuda kwekurwisa­na kunenge kuchiita Nyoni nemudzimai wake, Msimanga anoti anoedza kuvarandut­sira uye rimwe zuva akasundudz­ira Nyoni kumadziro emba apo akati achatsivid­za nekupisa imba yake.

Achipawo divi rake mudare, Nyoni anoti wanano yake nemudzimai wake ichiri kuenderera mberi asi ambuya vake ndivo vanoda kuvapesani­sa. Anoti ambuya vake havamureme­kedze uye rimwe zuva vakamubata sikarudzi yake zvikaita kuti adonhere pasi.

Nyoni anoti mushure mezvo, Msimanga nemumwe mwanasikan­a wake vakatanga kumukava nekumurova nembama muviri wose. Mutongi Ulukile Ndlovu vakapa Msimanga naNyoni gwaro redzivirir­o pamumwe nemumwe wavo.

Nyoni akanzi zvakare haafanirwe kushanya kumba kwaambuya vake.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe