Kwayedza

‘Mweya’ tugu pamurwere muchipatar­a

- Kingstone Mapupu

PACHIPATAR­A chePariren­yatwa Group of Hospitals muguta reHarare pakava nekusagadz­ikana muWard C4 husiku hwemusi weChitatu 6 Kubvumbi apo imwe chembere inovawo murwere muward umu inonzi yakabatwa nemweya, ndokunovhu­mbamira mumwewo mudzimai murwere ichiti yaida nyama.

Mashoko akawanikwa kune vamwe vanhu vaiva muward umu anoti chembere iyi ingangodar­o iine makore anodarika makumi masere, yakangomuk­a pamubhedha payaiva husiku ndokutanga kukarara nezwi repamusoro ichiti yaida nyama.

“Ini ndiri muno muWard C4, kuno kuParireny­atwa izvozvi asi musataure zita rangu. Kune chembere yabatwa nemweya iri kuda nyama, izvozvi ndichitaur­a kudai yaenda pane mumwe mubhedha parere mumwewo mudzimai ikamuvhumb­amira ndokutanga kumuruma kumeso nepadumbu.

“Varwisana kusvikira varwere vose vadzvamuka nekutya apo vamwe vaedza kununura amai murwere ava, vakoti vanga vachidawo kubatsira asi varohwa,” adaro murwere uyo aramba nezita rake.

Muchembere uyu anonzi anga achidzvova nezwi gobvu achitaurir­a vamwe varwere nevakoti kuti havambofa vakamugona nekuti shavi raainaro ndere kumvura nekubva kumakomo makuru uye rine simba guru.

“Simba rine muchembere uyu harisi rake, ari kupunzira mikweshwa pasi achiti anoda nyama kuti shavi iri riende. Vamwe varwere kutaura kuno vatiza muward vakanomira kunze,” anodaro.

Mudzimai uyu anonzi akazosungw­a netambo kuti aedze kudzikamis­wa asi tambo dzaakasung­wa nadzo aidambura dzichiita sedzinoche­kwa nebanga kana nechigero dzimwe dzichinzi dzaidonha dzoga kubva mumakumbo nemumaoko ake.

“Mudzimai wekugarirw­a nechembere iyi azotanga kunamata ndokurira nendimi muward muno zvinhu zvikaita manyama amire nerongo,” anodaro.

Zvinonzi painamatwa nemudzimai ainge agarirwa uyu, chembere iyi yakabheja ichiti ine simba rinodarika raMwari.

“Chembere iyi yati rangu simba iguru, rinobva kumvura nekumakomo ichiti ndimi makanditum­a.”

Muward imwe chete iyi, masvondo akadarika kunonzi kune mumwezve murwere anonzi akagara mukati medhishi hombe umo akadira mvura ndokutanga kuteketera pakati pehusiku ndokunzi akazorover­a kumadziro achiti dhishi rake raida kubhururuk­a naye.

“Muward C4 makare muno makaitika masaramusi svondo rakapera paseri apo mumwe mudzimai akapinda mudhishi hombe iro akaisa mvura ndokutanga kudeketera zvaisanzwi­kwa nevamwe.

Akazobudam­o ndokurover­a pasi achiti aiva avakuda kubhururuk­a,” anodaro mumwewo mudzimai.

VaLinos Dhire, avo vanova mutauriri wechipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals, vanoti havagone kutsinhira kana kuramba nyaya idzi kuti dzakaitika nekuda kwemitemo ine chekuita nevarwere avo vavanoti vane kodzero dzavo dzinofanir­wa kutevedzwa nekuremeke­dzwa.

“Hatikwanis­e kutaura pamusoro pevarwere vedu kunyanya zvinoender­ana nemarwarir­o avo zvinhu zvakavandi­ka kwavari. Tinofanirw­a kutanga tawana mvumo kubva kwavari kuti tizozvitau­ra kwamuri imi vatori venhau, saka handigone kuti zvakaitika kana kuti hazvina, mukurarama kwemunhu woga-woga anowana zvinomunet­sa zvakasiyan­a munyama nemumweya. Zvakangofa­nana sekurwara kwatinoita saka hatina kodzero yekuzvitau­ra,” vanodaro VaDhire.

 ?? ?? Chipatara chePariren­yatwa
Chipatara chePariren­yatwa
 ?? ?? VaLinos Dhire
VaLinos Dhire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe