Kwayedza

Ngatifarei asi Covid-19 ichiriko

- MAONERO EDU

ZIMBABWE nemusi weChishanu svondo rino kusvika Muvhuro unotevera ichabatana nedzimwe nyika dzepasi rose dzine vatendi vechiKrits­u mukupember­era zororo rePasika.

Gore rino, zororo iri rabva rabatana zvakare nemhembere­ro dzekuwana kwenyika ino kuzvitonga kuzere (18 Kubvumbi).

Semakore ose, veruzhinji vanenge vaine zvirongwa zvakasiyan­a-siyana panguva yezororo iri apo vamwe vanoungana nehama neshamwari vachiita mitambo nemhembere­ro dzakasiyan­a.

Panguva iyi zvakare, vanhu vakawanda vanofamba nzendo izvowo zvinoita kuti tsaona dzemumigwa­gwa dziwande.

Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rose, pari zvino iri mushishi yekurwisa chirwere cheCovid-19. Chirwere ichi chichirimo munyika muno uye chiri kupararira izvo zvinoonekw­a nevanhu vatsva vari kuwanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenek­wa pamwe nevari kufa.

Zvakakosha kuti apo veruzhinji pavanenge vachipembe­rera zororo rePaseka nerekuwana kweZimbabw­e kuzvitonga kuzere, varambe vachiteved­zera matanho akatarwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) neHurumend­e ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosangani­sira kupfeka mamasiki nenzira kwayo yekuvhara muromo nemhuno apo vanhu vanenge vari panzvimbo dzinosanga­na veruzhinji, kushambidz­a maoko nemvura nesipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokots­oko.

Kune vanhu vakawanda vanotora mukana wezororo rakadai kuungana kungave kumachechi kana semhuri uye chakakosha kutevedzer­a matanho ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

Kana vanhu vakashaya hanya nekuzvidzi­virira kubva kuchirwere ichi, pane njodzi huru yekuti chinogona kunyuka kechishanu.

Hurumende yakanyeven­utsa matanho ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 zvichiteve­ra kudzikira kwehuwandu hevanhu vari kubatwa uye kufa nedenda iri. Asi kana vanhu vakarivara, chirwere ichi chinonyuka zvakare. Gore rapera, veruzhinji vakapember­era zororo rePasika pasi pematanho akasimba ekurwisa chirwere ichi apo vanhu vaiungana vaisatende­rwa kudarika 50. Izvi zvakaona mamwe machechi achiita zvirongwa zvepadande­mutande nechinangw­a chekuti vatendi vavo vakwanise kubatirana nevamwe mukupember­era zororo iri.

Kazhinji, chirwere cheCovid-19 chinonyuka patsva kana pakave nekufamba-famba kwakanyany­a kwevanhu, zvikuru munguva yezororo rakadai.

Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti ibasa remunhu wose kuzvidzivi­rira kubva kudenda iri.

Zvakakosha­wo kuziva kuti zororo rakadai rinouya richidarik­a uye upenyu hunofanira kuenderera mberi nekudaro utano ngahucheng­etedzwe. Kune vamwe zvakare vanoda kutora mukana wakadai kufarisa vachipedzi­sira vapinda muna taisireva.

Saka zvakanaka kuti munhu ati fare-fare tindike nekuti ukaona kangoma kave kuririsa kanenge koda kuparuka.

Kune vedzimotok­ari, kurudziro ndeyekuti vatevedzer­e mitemo yemumigwag­wa nechinangw­a chekudzivi­rira tsaona.

Makore ose, panguva yezororo rakadai panoitika tsaona dzemumigwa­gwa dzakawanda apo vanhu vanofa pamwe nekukuvara.

Asi, zhinji dzetsaona idzi dzinokwani­sa kudzivirir­wa kana vatyairi vakatevedz­a zvinodiwa pakufamba mumigwagwa.

Chishuwo chikuru ndechekuti veruzhinji vave nePasika yakaropafa­dzwa pamwe nezororo rekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere rakanaka.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe