Kwayedza

‘Tavhurirwa mikana’

- Kingstone Mapupu

VANA muzvinabhi­zimisi nevakuru vemachechi vanorumbid­za kuwana kweZimbabw­e kuzvitonga kuzere vachiti kuri kuvavhurir­a mikana yekuti vasimukire mumabasa avo izvo zvasiyana nenguva yehutongi hwevachena apo ruzhinji rwevatema vaidzvanyi­rirwa.

VaEngageme­nt Koroka (52), avo vanova muzvinabhi­zimisi wekudunhu reMashonal­and West, vanorumbid­za Hurumende nekupa mikana kuvanhu vatema kuti vakwanise kutanga mabhizimis­i avo.

“Nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, vanhu vatema vashoma vaiva nemabhizim­isi sezvoitika mazuva ano. Ini ndine zvitoro zvangu, mabhawa nezvigayo mudunhu redu rino. Ndakawanaw­o mukana wekuve nemugodhi wezvicherw­a izvo zvaizivika­nwa zvichiitwa chete nevachena, zvakauya nekuzviton­ga kuzere nemusi wa18 Kubvumbi uyo tiri kupemberer­a,” vanodaro VaKoroka.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vabatane mukupember­era zvibereko zvakaunzwa nekuzviton­ga kuzere.

“Vechidiki vane chitsama vasimukira nekuda kwemigodhi midiki yezvicherw­a yavakapihw­a neHurumend­e rinova basa raizivikan­wa richiitwa nevachena chete. Tinoonawo mari yekunze ichipinda munyika medu nekuda kwezvicher­wa zvakasiyan­a zvinoitawo kuti vanhu vawane mabasa,” vanodaro VaKoroka. Muzvinabhi­zimisi uyu anoti haakanganw­e vakwegura vanova vakaunza kuzvitonga kuzere kudunhu raanos- handira. “Rusununguk­o rwatinarwo rwakatsigi­rwa nevakwegur­a vatinavo, vamwe vasisakwan­ise kuzvishand­ira nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Ndine zvirongwa zvandinoit­a zvekugaisi­ra hupfu vanhu vose vane makore anodarika 55 okuberekwa zvichienda mberi vandinoisa mubhuku mangu nemisha yavanobva. Ndinoti mwedzi woga-woga, vanogaisir­wa bhagidhi rimwe chete pachena uyewo vachipihwa 2kg yeshuga, mupunga, sipo yekuwachis­a nemafuta ekubikisa.

“Havasati zvavo vawanda asi nekufamba kwenguva vachadarik­a makumi maviri vandinavo pari zvino,” vanodaro VaKoroka.

Vanoyambir­a vechidiki kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka zvisingate­nderwe mumuviri.

“Ndinokurud­zirawo vechidiki kuti vasiyane nezvinodha­ka nekuti ndivo vatungamir­i vamangwana,” vanodaro VaKoroka.

Madzibaba Bomba VaFungai Mukundu (45), vechechi yeJordan Apostolic Church yekuChitun­gwiza vanoti vanoremeke­dza rusununguk­o rwenyika rwakaunza kuzvitonga kuzere.

“Kusununguk­a kwakaita nyika kwakaunza kutambanuk­a kwezvinhu zvose, kusanganis­ira nesu vemachechi. Izvozvi tava kunamata pamadiro, tichiwanis­wa mikana yekuvamba machechi edu pasina matambudzi­ko,” vanodaro.

Madzibaba Bomba vanoti semunhu anonamatir­a pedyo nemumugwag­wa weHarare-Chitungwiz­a parwizi Manyame, vanotenda Hurumende nekugadzir­wa kuri kuitwa mugwagwa uyu.

“Handigone kusiya kugadzirwa kuri kuitwa mugwagwa weHarare-Chitungwiz­a nekuti ndimo mumusha wandinogar­a uyewo ndaiona ndiri pasowe pangu pazambuko apa motokari dzichitadz­a kufamba nekuda kwemakomba.

“Mugwagwa uyu uri kugadzirwa zvinodadis­a uye tinokumbir­a kuti ugadzirisw­e kunosvika kuTen Miles tava kuenda kuMaronder­a,” vanodaro Madzibaba Bomba.

VaFarai Mhariwa (45) vanove muzvinabhi­zimisi wekwaDzumb­unu, kuMhondoro vanotiwo hakuna chinokunda kuzvitonga kuzere kwenyika.

“Isu tiri vanamuzvin­abhizimisi vechidiki vaisataris­ira kuti rimwe gore tichawanaw­o mukana uyu, asi nekuda kwerusunun­guko rwehutongi hwevatema, takazviita uye vazhinji vave kutoshanda­wo vari pasi pangu vachiraram­a,” vanodaro VaMhariwa.

 ?? (NDS1). ?? Hakuna anosara . . .Zvivakwa zvitsva zviri kuvakwa uye zvitsaru zvichivand­udzwa pamuganhu weBeitbrid­ge Border Post izvo zvinoender­ana nechirongw­a cheHurumen­de chekusimud­zira budiriro yenyika cheNationa­l Developmen­t Strategy
(NDS1). Hakuna anosara . . .Zvivakwa zvitsva zviri kuvakwa uye zvitsaru zvichivand­udzwa pamuganhu weBeitbrid­ge Border Post izvo zvinoender­ana nechirongw­a cheHurumen­de chekusimud­zira budiriro yenyika cheNationa­l Developmen­t Strategy
 ?? ??
 ?? ?? VaKoroka
VaKoroka
 ?? ?? Madzibaba Bomba
Madzibaba Bomba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe