Kwayedza

Muporofita abata chibharo pasowe

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe weChishanu ane mukurumbir­a kuShamva, kudunhu reMashonal­and Central anonzi akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekubata chibharo musikana wechidiki achimunyep­era kuti aimubvisa munyama wekuti azoroorwa zvakanaka.

Mutauriri wemapurisa kuMashonal­and Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa26 Kurume kukomboni yeMindchan­g kuShamva.

“Tine nyaya yemuporofi­ta wenhema anonzi ane mukurumbir­a kuShamva, Madzibaba Onias Katengu (44), uyo akasungwa nenyaya yaari kupomerwa yekubata mwanasikan­a wechidiki chibharo. Tichitaura kudai, ari kubatsira mapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mundembe. Vanoti musikana uyu akapereked­zwa nababa vake kumba kwemuporof­ita uyu vachida kunobatsir­wa zvaivanets­a mukurarama kwavo.

“Musikana uyu anonzi mumwedzi waKukadzi gore rino, aimbenge amboenda kumuporofi­ta uyu uko akanotauri­rwa kuti aiva nemweya yaimutever­a yaizokonze­ra kuti kuroorwa kwake kunetse uyewo nekuti kunyange akaroorwa, imba yake yaisazomir­a zvakanaka,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti pakazodzok­era musikana uyu nababa vake, vakaporofi­twa zvakasiyan­a vakapihwa miteuro mumwe nemumwe wavo.

“Baba vakapihwa muteuro wavo uyu musikana ndokupihwa mvura yaiva yakasangan­iswa nepepa jena nedota akanzi anogeza mvura iyi uye akakomeked­zwa kuti asazotauri­ra baba vake zvose zvaachazos­angana nazvo kunyange nemashoko aibva kumuporofi­ta uyu,” vanodaro Insp Mundembe. Muporofita uyu anonzi akazotauri­ra musikana uyu kuti adzoke oga kumba kwake zuva rimwe chete iri nenguva dza3 masikati apo musikana uyu akazodzoka nekahanzva­dzi kake.

“Musikana uyu adzoka, vakazoenda kumasowe kwemuporof­ita uyu chinhambwe chinoita mamita 200 kubva pamba pemuporofi­ta. Ipapo akasvikota­nga kupfungaid­zwa nemarasha aiva akaiswa murwenga achinatiri­swa, akazonzi abvise chipfeko chake chemukati achinzi aida kubviswa mhepo,” vanodaro Insp Mundembe.

Anonzi ndipo paakamubat­a chibharo.

“Musikana uyu akaridza mhere akamupakir­a machira mumuromo,” vanodaro Insp Mundembe.

Musikana uyu anonzi akazokwani­sa kutiza pasowe apa achibva aenda kunozivisa tete vake nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa.

“Madzibaba Onias Katengu akabva asungwa, musikana uyu ndokuendes­wa kuchipatar­a kunoongoro­rwa. Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefe­twa apo muporofita uyu akachenget­edzwa uye anotarisir­wa kuenda kumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mundembe. Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasavimbe nemaporofi­ta ose-ose vachiti kwawanda maporofita enhema.

“Tine nyaya dzevanhuka­dzi vari kubatwa chibharo nemaporofi­ta dzakawanda munyika uyewo vanasikana nemadzimai tinoti kana vachinobat­sirwa nemaporofi­ta echirume ngavaende nevarume vavo kana hanzvadzi kana dzimwe hama dzechirume. Musavhundu­tsirwe kuti kune mimwe miteuro isingade kuzivikanw­a nevamwe vanhu kana hama dzenyu, ndipo panotangir­a chitsotsi chacho chose,” vanodaro Insp Mundembe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe